Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Vagaratia 1:1-17

Vagaratia 1:1-17 SCLBD

Ndini Pauro mupositori asina kutumwa basa iri nomunhu kana kuripiwa nomunhu asi akaripiwa naJesu Kristu uye naMwari Baba vakamumutsa muvafi, ndinokunyorerai pamwechete nehama dzandinadzo kuno imi masangano okuGaratia ndichiti: chikomborero chokuitirwa nyasha necherugare ngachigare nemi chichibva kuna Mwari Baba nokuna Tenzi Jesu Kristu. Ndiye akazvipa pamusana pezvitadzo zvedu kuti atinunure kunyika youipi iripo iye zvino maererano nezvaidiwa naMwari naBaba vedu. Ivo ngavarumbidzwe narini narini. Ameni. Munondishamisa kuti mavakusiya nokukurumidza kudai iye akakudaidzai nenyasha dzaKristu muchipindukira kune rimwewo Shoko Rakanaka. Zvisingarevi zvazvo kuti kuna rimwezve Shoko Rakanaka asi kuti kune vamwe vanokutambudzai vachida kuminamisa Shoko iroro Rakanaka raKristu. Kunyange dai tirisu kana mutumwa anobva kudenga achikuparidzai Shoko rinopesana neratakakuparidzai ngaave nerushambwa. Sezvatakambotaura kare ndinotaurazve zvino ndichiti kana pano munhu ari kukuparidzai Shoko Rakanaka rinopesana neramakambogamuchira ngaave norushambwa. Asi munofunga kuti iye zvino ndiri kutsvaka kufadza vanhu here kana kuti ndiripo pakufadza Mwari? Kana kuti munoti ndiri kuvavarira kufadza vanhu? Kana ndichiripo kufadza vanhu handifaniri kuva muranda waKristu. Nokuti ndingade kuti muzive hama dzangu kuti Shoko Rakanaka rakaparidzwa neni harisi Shoko ravanhu nokuti handina kurigamuchira richibva kumunhu uye handina kuri dzidziswa. Rakauya kwandiri nokuzviratidza kwaJesu Kristu kwandiri. Inga makanzwa wani nezvoupenyu hwangu hwakare muchiJudha, kutambudza zvakaipisisa kwandaiita sangano raMwari ndichiedza kuriparadza. Ini ndakabudirira mune zvechiJudha kupfuura vazhinji vezera rangu mukati mavanhu vokwangu. Ndaisimbirira chaizvo mune zvamagamuchidzanwa amadzitateguru angu. Zvino iye zvaakanga andisarudza ndisati ndaberekwa akandidaidza nenyasha dzake. Akafara kuratidza Mwanakomana wake kwandiri kuti ndimuparidze kune vechirudzi, handina kumbobvunza munhu. Uye handina kuenda kuJerusaremu kuna vakanga vakanditangira kuva vapositori asi ndakaenda kuArabhia. Ndakazodzokerazve kuDhamasikusi.

Verenga chikamu Vagaratia 1