Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

ƲaGaratia 1:1-17

ƲaGaratia 1:1-17 SUB1949

Pauro, muapostora, (usinakubʋa kuʋanhu, kana kutumŋa nomunhu, asi naJesu Kristu, naMŋari Ƃaɓa, wakamumutsa kuʋakafa), nehama dzose dziri kwandiri, kukereke dzeGaratia: Nyasha norugare ŋgaɀiʋe nemi, ɀinobva kunaMŋari, Ƃaɓa ʋeɗu, naShe Jesu Kristu, wakaɀipa nokuɗa kweɀiʋi ɀeɗu, kuti atisunuŋgure kunyika yakaipa yaɀino, nokuɗa kwaMŋari, Ƃaɓa ʋeɗu; ŋgaaʋe nokubginya nokusiŋgaperi‐peri. Ameni. Ndinoshamiswa kuti munokurumidza mukaɗai kushandukira uyo wakakuɗanai munyasha dzaKristu, kuti mutsaukire kuneimŋe evaŋgeri; isati iri imŋe hayo; asi kuti ʋamŋe ʋari’po ʋanokukaŋganisai, ʋaciɗa kushandura Evaŋgeri yaKristu. Asi kunyaŋge isu, kana mutumŋa unobva kuɗeŋga, akakuparidzirai imŋe evaŋgeri, inopesana neyatinokuparidzirai isu, ŋgaaʋe wakatukwa. Seɀatakamboreʋa, ɀino ndinoreʋa ɀe saiɀoɀo: Kana kunomunhu unokuparidzirai imŋe evaŋgeri, inopesana neiyo yamakagamucira, ŋgaaʋe wakatukwa. Nokuti ɀino ndinoita ʋushamŋari naʋanhu here, kana naMŋari? Kana ndinotȿaka kufadza ʋanhu here? Kana ndaifadza ʋanhu naɀino, handizaiʋa muranda waKristu. Nokuti ndinokuziʋisai, hama dzaŋgu, kuti Evaŋgeri yakaparidzwa neni, haina‐kuita seyaʋanhu. Nokuti handina‐kuipiwa kana kuidzidziswa nomunhu, asi ndakairatidzwa naJesu Kristu. Nokuti makanzwa ɀomufambire waŋgu kare pakunamata kwaʋaJuda, kuti ndaitambudza kereke yaMŋari ɀikuru kwaɀo, ndikaiparadza; pakunamata kwaʋaJuda ndaipfuʋura ʋazhinji ʋezero raŋgu parudzi rwaŋgu, ndicinyanya kushiŋgairira tsika dzamadziɓaɓa aŋgu. Ɀino Mŋari, iye wakandisanaŋgura kubva paɗumbu ramai ʋaŋgu, akandiɗana nenyasha dzake, wakati afadzwa naɀo, kuti aratidze Mŋanakomana wake mandiri, ndimuparidze pakati paʋahedeni, pakarepo handina‐kuraŋgana nenyama neropa; handina‐kukwira Jerusarema kunaaʋo ʋakanditaŋgira kuʋa ʋaapostora, asi ndakaenda Arabia, ndikadzokera Damasko ɀe.