Ezekieri 37:11-14
Ezekieri 37:11-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, mapfupa aya ndiyo imba yose yaIsraeri. Ivo vanoti, ‘Mapfupa edu aoma uye hatisisina tariro; taparadzwa hedu.’ Naizvozvo profita uti kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Haiwa vanhu vangu, ndiri kuzozarura marinda enyu ndigokubudisai maari; ndichakudzoseraizve kunyika yaIsraeri. Ipapo imi, vanhu vangu, muchaziva kuti ndini Jehovha, pandichazarura marinda enyu ndichikubudisai maari. Ndichaisa mweya wangu mukati menyu mugorarama, uye ndichakugarisai munyika yenyu. Ipapo muchaziva kuti ini Jehovha ndakazvitaura, uye ndakazviita, ndizvo zvinotaura Jehovha.’ ”
Ezekieri 37:11-14 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, mapfupa awa ndiyo imba yose yaIsiraeri. Tarira ivo vanoti, ‘Mapfupa edu aoma, tariro yedu yaenda, taparadzwa chose.’ Naizvozvo porofita, uti kwavari zvanzi naIshe Jehovha, ‘Tarirai, ndichazarura marinda enyu, ndichakukwidzai mubve mumarinda enyu, imi vanhu vangu; ndichakusvitsai munyika yaIsiraeri. Muchaziva kuti ndini Jehovha, kana ndazarura marinda enyu, ndikakukwidzai mubve mumarinda enyu, imi vanhu vangu. Ndichaisa mweya wangu mukati menyu, murarame, ndichakuisai munyika yenyu; zvino muchaziva kuti ini Jehovha ndakazvitaura ndikazviita,’ ” ndizvo zvinotaura Jehovha.
Ezekieri 37:11-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvino akanditi, “Iwe mwanakomana womunhu mapfupa iwaya ndiyo imba yose yaIsiraeri; onaka kuti vanoti mapfupa edu aoma chitarisiro chedu chapera uye taparara isu. Naizvozvo porofita uti kwavari, zvanzi naTenzi Mwari chinzwai, imi vanhu vangu, ndavakuzozarura makuva enyu ndikumutsei mumakuva enyu, ndikuunzei kumusha kwenyu kunyika yeIsiraeri. Ndipo pamuchaziva, imi vanhu vangu, kuti ndini Tenzi pandichazarura makuva enyu ndichikumutsai mumakuva enyu. Ndichaisa mweya wangu mamuri muchiva vapenyu. Ndichakuisai munyika menyu, ndipo pamuchaziva kuti ndini Tenzi ndataura uye ndini ndazviita.” Ndizvo zviri kutaura Tenzi.
Ezekieri 37:11-14 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino akati kwandiri: Mŋanakomana womunhu, mafupa awa ndiyo imba yose yaIsraeri. Tarira iʋo ʋanoti: Mafupa eɗu awoma, tariro yeɗu yaenda, taparadzwa cose. Naiɀoɀo profita, uti kwaʋari: Ɀanzi naShe Jehova: Tarirai, ndicazarura marinda enyu, ndicakukwidzai mubve mumarinda enyu, imi ʋanhu ʋaŋgu; ndicakuȿitsai munyika yaIsraeri. Mucaziʋa kuti ndini Jehova, kana ndazarura marinda enyu, ndikakukwidzai mubve mumarinda enyu, imi ʋanhu ʋaŋgu. Ndicaisa Mŋeya waŋgu mukati menyu, murarame, ndicakuisai munyika yenyu; ɀino mucaziʋa kuti ini Jehova ndakaɀitaura ndikaɀiita — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
Ezekieri 37:11-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)