Ezekieri 37
37
Vanhu vaJehovha vachamutswa samapfupa akaoma
1Ruoko rwaJehovha rwakanga ruri pamusoro pangu, akandibudisa noMweya waJehovha, akandondiisa pakati pomupata; iwo wakanga uzere namapfupa; 2akandipfuudza napakati pawo kumativi ose; tarirai, aivapo akawanda kwazvo pakachena pamupata; uye tarirai, akanga akaoma kwazvo. 3Akati kwandiri, “Mwanakomana, mapfupa awa angararama here?” Ndikapindura, ndikati, “Imi Ishe Jehovha munozviziva.”
4Zvino akatizve kwandiri, “Porofita pamusoro pamapfupa awa, uti kwaari, ‘Imi mapfupa akaoma, inzwai shoko raJehovha.’ 5Zvanzi naIshe Jehovha kumapfupa awa, ‘Tarirai, ndichapinza mweya mukati menyu, muchararamazve. 6Ndichaisa marunda pamusoro penyu, nokuuyisa nyama pamusoro penyu, nokukufukidzai neganda, nokuisa mweya mukati menyu, murarame; zvino muchaziva kuti ndini Jehovha.’ ”
7Ipapo ndakaporofita sezvandakarayirwa; zvino ndakati ndichiporofita, mubvumo ukavapo, uye, tarira, kudengenyeka kwenyika kwakavapowo; mapfupa akaswederana, pfupa rimwe kune rimwe pfupa raro. 8Ndikatarira, wane marunda avapo pamusoro pawo, nyama ikauya, ganda rikaafukidza pamusoro payo; asi makanga musina mweya mukati mawo.
9Ipapo akati kwandiri, “Porofitera kumhepo, porofita, Mwanakomana womunhu, uti kumhepo, zvanzi naIshe Jehovha, ‘Uya uchibva kumativi mana anobva mhepo, iwe mweya, ufuridzire pamusoro pavava vakaurawa, kuti vararame.’ ”
10Ipapo ndakaporofita sezvaakandirayira, mweya ukapinda mukati mavo, vakararama, vakamira netsoka dzavo, iri hondo huru kwazvo.
11Zvino akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, mapfupa awa ndiyo imba yose yaIsiraeri. Tarira ivo vanoti, ‘Mapfupa edu aoma, tariro yedu yaenda, taparadzwa chose.’ 12Naizvozvo porofita, uti kwavari zvanzi naIshe Jehovha, ‘Tarirai, ndichazarura marinda enyu, ndichakukwidzai mubve mumarinda enyu, imi vanhu vangu; ndichakusvitsai munyika yaIsiraeri. 13Muchaziva kuti ndini Jehovha, kana ndazarura marinda enyu, ndikakukwidzai mubve mumarinda enyu, imi vanhu vangu. 14Ndichaisa mweya wangu mukati menyu, murarame, ndichakuisai munyika yenyu; zvino muchaziva kuti ini Jehovha ndakazvitaura ndikazviita,’ ” ndizvo zvinotaura Jehovha.
15Shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri, richiti, 16“Zvino iwe, Mwanakomana womunhu, tora rutanda rumwe, unyore pamusoro parwo, kuti, ‘ZvaJudha, nezvavana vaIsiraeri shamwari dzake;’ ipapo utore rumwe rutanda, unyore pamusoro parwo, kuti, ‘ZvaJosefa, rutanda rwaEfuremu, nezveimba yose yavaIsiraeri shamwari dzake;’ 17zvino uzvibatanidzire matanda iwawo, ruve rutanda rumwe, ruve rumwe muruoko rwako. 18Zvino kana vana vavanhu vako vakataura newe vachiti kwauri, ‘Haungatizivisi zvaunoda kuratidza nezvinhu izvi here?’ 19Iwe uti kwavari, zvanzi naIshe Jehovha, ‘Tarirai, ndichatora rutanda rwaJosefa, ruri muruoko rwaEfuremu, namarudzi aIsiraeri shamwari dzake; ndichavaisa kwaruri, kurutanda rwaJudha, ndivaite rutanda rumwe, vachaita rumwe muruoko rwangu.’
20“Zvino matanda aunonyora pamusoro pawo anofanira kuva muruoko rwako vazvione. 21Ipapo uti kwavari, zvanzi naIshe Jehovha, ‘Tarirai, ndichabvisa vana vaIsiraeri pakati pamarudzi, kwavakaenda, ndichavaunganidza vabve kumativi ose, ndivaise kunyika yavo; 22ndichavaita rudzi rumwe panyika, pamakomo aIsiraeri; mambo mumwe uchava mambo wavose, havangazovi marudzi maviri, uye havangatongozovi ushe huviri hwakaparadzana; 23havangazozvisvibisi nezvifananidzo zvavo, kana nezvinhu zvavo zvinosemesa, kana nechinhu chipi nechipi chavanodarika nacho; asi ndichavaponesa pose pavagere, pavaitadza, nokuvanatsa; saizvozvo vachava vanhu vangu, neni ndichava Mwari wavo.’
24“Muranda wangu Dhavhidhi achava mambo wavo; vose vachava nomufudzi mumwe; vachafambawo nezvandakarayira, nokuchengeta mitemo yangu, vachiita.
25“Vachagara munyika yandakapa Jakobho muranda wangu, maigara madzibaba enyu; vachagaramo, ivo navana vavo, navana vavana vavo, nokusingaperi; Dhavhidhi muranda wangu achava muchinda wavo nokusingaperi. 26Ndichaitawo sungano yorugare navo, ichava sungano isingaperi navo; ndichavaisapo, nokuvawanza, nokuisa nzvimbo yangu tsvene pakati pavo nokusingaperi. 27Tabhenakeri yanguo ichava pakati pavo; ini ndichava Mwari wavo, naivo vachava vanhu vangu. 28Zvino marudzi achaziva kuti ndini Jehovha, anoita vaIsiraeri vatsvene, kana nzvimbo yangu tsvene iri pakati pavo nokusingaperi.”
Zvasarudzwa nguva ino
Ezekieri 37: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002