Ezekieri 37:1-10
Ezekieri 37:1-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ruoko rwaJehovha rwakanga rwuri pamusoro pangu, uye akandibudisa noMweya waJehovha akandiisa pakati pomupata; wakanga uzere namapfupa. Akanditungamirira kuno nokoko pakati pawo, uye ndakaona mapfupa mazhinji zhinji pamusoro pomupata; mapfupa akanga akaoma kwazvo. Akandibvunza akati, “Mwanakomana womunhu, mapfupa aya angararama here?” Ini ndakati, “Imi Ishe Jehovha, iyemi moga munoziva.” Ipapo iye akati kwandiri, “Profita kumapfupa aya uti kwaari, ‘Imi mapfupa akaoma, inzwai shoko raJehovha: Zvanzi naIshe Jehovha kumapfupa aya: Ndichaisa mweya mukati menyu mugorarama. Ndichaisa marunda pamuri ndigoita kuti muve nenyama pamusoro penyu uye ndichakufukidzai neganda; ndichaisa mweya mukati menyu uye muchava vapenyu. Ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha.’ ” Saka ndakaprofita sezvandakarayirwa. Zvino ndakati ndichiprofita, kwakava nomumvumo, nokurira kwaiti kweche kweche, uye mapfupa akaswededzana, bvupa nebvupa. Ndakatarira, ndikaona marunda nenyama zvavapo uye zvakafukidzwa neganda, asi makanga musina mweya mukati mazvo. Ipapo akati kwandiri, “Profita kumhepo; profita, mwanakomana womunhu, uti kwairi, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Uya uchibva kumhepo ina, iwe mweya, ufemere mukati maava vakaurayiwa, kuti vararame.’ ” Saka ndakaprofita sezvaakandirayira, mweya ukapinda mukati mavo; vakararama vakamira netsoka dzavo, iri hondo huru kwazvo.
Ezekieri 37:1-10 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ruoko rwaJehovha rwakanga ruri pamusoro pangu, akandibudisa noMweya waJehovha, akandondiisa pakati pomupata; iwo wakanga uzere namapfupa; akandipfuudza napakati pawo kumativi ose; tarirai, aivapo akawanda kwazvo pakachena pamupata; uye tarirai, akanga akaoma kwazvo. Akati kwandiri, “Mwanakomana, mapfupa awa angararama here?” Ndikapindura, ndikati, “Imi Ishe Jehovha munozviziva.” Zvino akatizve kwandiri, “Porofita pamusoro pamapfupa awa, uti kwaari, ‘Imi mapfupa akaoma, inzwai shoko raJehovha.’ Zvanzi naIshe Jehovha kumapfupa awa, ‘Tarirai, ndichapinza mweya mukati menyu, muchararamazve. Ndichaisa marunda pamusoro penyu, nokuuyisa nyama pamusoro penyu, nokukufukidzai neganda, nokuisa mweya mukati menyu, murarame; zvino muchaziva kuti ndini Jehovha.’ ” Ipapo ndakaporofita sezvandakarayirwa; zvino ndakati ndichiporofita, mubvumo ukavapo, uye, tarira, kudengenyeka kwenyika kwakavapowo; mapfupa akaswederana, pfupa rimwe kune rimwe pfupa raro. Ndikatarira, wane marunda avapo pamusoro pawo, nyama ikauya, ganda rikaafukidza pamusoro payo; asi makanga musina mweya mukati mawo. Ipapo akati kwandiri, “Porofitera kumhepo, porofita, Mwanakomana womunhu, uti kumhepo, zvanzi naIshe Jehovha, ‘Uya uchibva kumativi mana anobva mhepo, iwe mweya, ufuridzire pamusoro pavava vakaurawa, kuti vararame.’ ” Ipapo ndakaporofita sezvaakandirayira, mweya ukapinda mukati mavo, vakararama, vakamira netsoka dzavo, iri hondo huru kwazvo.
Ezekieri 37:1-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ruoko rwaTenzi rwakava pandiri. Akandiburitsa nesimba raMweya waTenzi akandondiisa mubani, rakanga rizere namapfupa. Akandifambisa mukati mawo kutenderera, wonei akanga ari hungwandagwanda kuwanda mubani imomo uye akanga akati papata kwazvo kuoma. “Akanditi nhai mwanakomana womunhu mapfupa aya angava mapenyu here?” Ini ndakati, “Imi Tenzi Mwari ndimi munoziva.” Akanditizve porofita kumapfupa iwaya uti kwaari, “Imi mapfupa akaoma inzwai shoko raTenzi. Zvanzi naTenzi Mwari kumapfupa aya, chinzwai, ndichapinza mweya mamuri mugorarama. Ndichaisa marunda pamuri, ndichaitawo kuti nyama ive pamuri ndikuputirei neganda ndigokufemerai mweya mamuri muchiva vapenyu. Muchabva maziva kuti ndini Tenzi.” Saizvozvo ndakaporofita sokuudzwa kwandakanga ndaitwa. Pandaiporofita kudaro pakaita ruzha, pakave nokukwacharika. Mapfupa achienda kundobatana pamwechete, pfupa richienda pane rimwe pfupa raro. Ndakati tarisei onei ave namarunda uye ava nenyama, aputirwa neganda. Asi akanga asina mweya. Akazonditi porofita kumweya, mwanakomana womunhu, porofita uti kumweya, zvanzi naTenzi Mwari, “Iwe mweya uya uchibva kumativi mana ufemere pane vakauraiwa ava kuti vave vapenyu.” Saizvozvo ndakaporofita, sokuudzwa kwandanga ndaitwa, mweya ukapinda mavari vakava vapenyu, vakamira namakumbo avo ikava hondo huru huru yavanhu.
Ezekieri 37:1-10 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ruʋoko rwaJehova rwakaŋga ruri pamsoro paŋgu, akandiɓuɗisa noMŋeya waJehova, akandondiisa pakati pomupata; iwo wakaŋga uzere namafupa; akandipfuʋudza napakati pawo kumatiʋi ose; tarirai, aiʋa’po akawanda kwaɀo pakacena pamupata; ʋuye, tarirai, akaŋga akawoma kwaɀo. Akati kwandiri: Mŋanakomana, mafupa awa aŋgararama here? Ndikapindura, ndikati: Imi Ishe Jehova munoɀiziʋa. Ɀino akati kwandiri ɀe: Profita pamsoro pamafupa awa, uti kwaari: Imi mafupa akawoma, inzwai shoko raJehova. Ɀanzi naShe Jehova kumafupa awa: Tarirai, ndicapinza mŋeya mukati menyu, mucararama ɀe. Ndicaisa marunda pamsoro penyu, nokuʋuyisa nyama pamsoro penyu, nokukufukidzai neganda, nokuisa mŋeya mukati menyu, murarame; ɀino mucaziʋa kuti ndini Jehova. Ipapo ndakaprofita seɀandakarairwa; ɀino ndakati ndiciprofita, mubvumo ukaʋa’po, ʋuye, tarira, kuɗeŋgenyeka kwenyika kwakaʋa’po ʋo; mafupa akasweɗerana, fupa rimŋe kunerimŋe fupa raro. Ndikatarira, wane marunda aʋa’po pamsoro pawo, nyama ikaʋuya, ganda rikaafukidza pamsoro payo; asi makaŋga musinomŋeya mukati mawo. Ipapo akati kwandiri: Profitera kumhepo, profita, mŋanakomana womunhu, uti kumhepo: Ɀanzi naShe Jehova: Ʋuya ucibva kumatiʋi manna anobva mhepo, iwe mŋeya, ufuridzire pamsoro paʋaʋa ʋakaʋurawa, kuti ʋararame. Ipapo ndakaprofita seɀaakandiraira, mŋeya ukapinda mukati maʋo, ʋakararama, ʋakamira netsoka dzaʋo, iri hondo huru kwaɀo.
Ezekieri 37:1-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)