Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ekisodho 9:8-26

Ekisodho 9:8-26 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino Jehovha akati kuna Mosesi naAroni, “Torai tsama dzamadota echoto, Mosesi aakushire kudenga pamberi paFarao. Achashanduka guruva rakatsetseka panyika yose yeIjipiti, achiita mamota anoputika semhoni pavanhu napazvipfuwo zvose zveIjipiti.” Ivo vakatora madota echoto, vakamira pamberi paFarao, Mosesi akaakushira kudenga, akaita mamota anoputika semhoni pavanhu napazvipfuwo. Zvino n'anga dzakanga dzisingagoni kumira pamberi paMosesi nokuda kwamamota, nokuti mamota akanga ari pan'anga napavaIjipiti vose. Asi Jehovha akaomesa mwoyo waFarao, akasavateerera, sezvakanga zvarehwa naJehovha kuna Mosesi. Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Fumira mangwanani, undomira pamberi paFarao, uti kwaari, ‘Zvanzi naJehovha, Mwari wavaHebheru: Tendera vanhu vangu kuenda vandinamate.’ Nokuti nenguva ino ndichatuma madambudziko angu ose pamusoro pomwoyo wako, napamusoro pavaranda vako, napamusoro pavanhu vako, uzive kuti hapana akafanana neni panyika dzose. Nokuti dai ndisakadaro, ndingadai ndaitambanudza ruoko rwangu, ndikakurova iwe navanhu vako nehosha yakaipa, ukaparadzwa chose panyika; asi zvirokwazvo ndakakuraramisa nokuda kwaizvozvo, kuti ndikuratidze simba rangu, uye kuti zita rangu rikurumbire kunyika dzose. Zvino ucharamba uchingozvikudza uchirwa navanhu vangu, usingadi kuvatendera kuenda here? Tarira, mangwana, nenguva yakaita seino, ndichanisa chimvuramabwe chakaipa kwazvo, chisina kumbovapo paIjipiti kubva pakuvambwa kwayo kusvikira zvino. Naizvozvo zvino tuma vanhu, uunganidze zvipfuwo zvako nezvose zvaunazvo kusango, nokuti vanhu vose nezvipfuwo zvose zvinowanikwa kusango, zvisina kuiswa mudzimba, zvicharohwa nechimvuramabwe zvikafa.” Zvino vakatya shoko raJehovha pakati pavaranda vaFarao vakaraira kuti varanda vavo nezvipfuwo zvavo zvitizire mudzimba. Asi vakanga vasingateereri shoko raJehovha, vakarega varanda vavo nezvipfuwo zvavo kusango. Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Tambanudzira ruoko rwako kudenga, chimvuramabwe chivepo panyika yose yeIjipiti, pamusoro pavanhu, napamusoro pezvipfuwo, napamusoro pemiriwo yose yeminda panyika yose yeIjipiti.” Mosesi akatambanudzira tsvimbo yake kudenga, Jehovha akatuma kutinhira nechimvuramabwe, moto wemheni ukarova pasi. Jehovha akanaisa chimvuramabwe panyika yeIjipiti. Chimvuramabwe chikavapo, nomoto wakavengana nechimvuramabwe, chikanyanya kwazvo, chisina kumbovapo panyika yose yeIjipiti, kubva pakutanga kworudzi ipapo. Chimvuramabwe chikarova zvose zvakanga zviri kusango, vanhu nezvipfuwo, panyika yose yeIjipiti; chimvuramabwe chikarova miriwo yose yeminda, chikavhuna miti yose yesango. Asi munyika yeGosheni bedzi, imo makanga muna vana vaIsiraeri, ndipo pakanga pasina chimvuramabwe.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ekisodho 9

Ekisodho 9:8-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)

Tenzi akataurira Mosesi naAroni achiti, “Endai munokore dota muchoto, Mosesi arimwaye mudenga Farao achiona. Dota racho richambumuka richipararira nenyika yose yeIjipiti. Vanhu nezvipfuwo vachaita mamota anoputika achiita maronda anotyisa.” Saizvozvo vakatora dota pachoto vakaenda naro kuna Farao. Mosesi akamwaya dota riya mudenga rikabva raitisa vanhu nemhuka mamota. N'anga dziya dzakatadza kusvika paiva naMosesi nokuti naidzowo n'anga dzacho pamwechete navaIjipiti vose vakanga vanyenga mamota. Asi Tenzi akaita kuti Farao aomese mwoyo. Farao akaramba kuteerera Mosesi naAroni sokutaura kwakamboita Tenzi kuna Mosesi. Tenzi akataurira Mosesi kuti, “Mangwana, fumira kuna Farao undoti, ‘Zvanzi naTenzi, Mwari wevaHebheru rega vanhu vangu vaende kundondinamata nokuti rwendo runo kana ukasadaro ndichakuonesa nhamo dzinokurwadza mwoyo iwe pamwechete namachinda ako navanhu vako. Ndipo pauchazoziva kuti pasi pano pose, hapana mumwe akaita seni. Pari zvino ndingadai ndakatounza zvangu denda raizorova iwe navanhu vako muchitodai makapera mose pasi pano. Asi ini ndakakurega uri mupenyu ndichida kukuratidza simba rangu, uye kuti mukurumbira wangu unzwike pasi pose. Iwe uri kuramba uchingozvikudza zvako, hausiri kuda kubvumidza vanhu vangu kuenda. Chinzwa, mangwana nenguva dzino ndichanayisa chimvuramahwe chinotyisa, chisati chamboonekwazve muIjipiti kubvira pakuvamba kwayo kusvikira iye zvino. Saka zvino tuma vanhu vakokorodze zvipfuwo zvako, vaunganidzewo zvinhu zvako zvose zviri kunze. Vanhu vose nezvipfuwo zvose zvichazenge zviri kunze, zvisina kuiswa mudzimba, zvicharohwa nechimvuramahwe zvikafa.’ ” Mamwe machinda aFarao akatya zvakarehwa naTenzi, akaudza varanda vawo kuti vatenhere zvipfuwo mudzimba naivowo vauye kumba kuzohwanda. Asi vamwe vakanga vasina hanya nezvakarehwa naTenzi, vakarega zvavo varanda vavo nezvipfuwo zvavo zviri kumafuro. Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Simudza ruoko rwako unongedze kudenga chimvuramahwe chinaye munyika yose yeIjipiti, chichiwira pavanhu napazvipfuwo napasora rose romunyika yeIjipiti.” Mosesi ndokubva anongedza tsvimbo yake kudenga. Tenzi akaunza kutinhira kukuru nechivhuramahwe, mheni dzikarova pasi. Tenzi akanayisa chimvuramahwe panyika yeIjipiti. Kwakaita chivhuramahwe ipapo, mheni ichingovaima mukati mechivhuramahwe imomo, chivhuramahwe chakawanda kwazvo, chisati chambonaya kudaro munyika yose yeIjipiti kubvira payakavamba kuva norudzi rwaigaramo. Chivhuramahwe chakarova munyika yose yeIjipiti. Chakarova zvinhu zvose zvaiva kumafuro, vanhu nezvipfuwo nezvirimwa zvose muminda nokutyoranisa miti yose musango. Asi kudunhu reGosheni kwaigara vaIsiraeri, ndiko kwoga kusina kusvika chivhuramahwe.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ekisodho 9

Ekisodho 9:8-26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi naAroni, “Torai tsama dzamadota kubva pachoto mugoita kuti Mozisi aakushe mumhepo pamberi paFaro. Richava guruva rakatsetseka pamusoro penyika yose yeIjipiti, uye mamota anoputika achamera pavanhu napazvipfuwo munyika yose.” Saka vakatora madota pachoto vakandomira pamberi paFaro. Mozisi akaakusha mumhepo, mamota anoputika akamera pamusoro pavanhu napamusoro pezvipfuwo. Nʼanga hadzina kugona kumira pamberi paMozisi nokuda kwamamota akanga ari pavari uye napavaIjipita vose. Asi Jehovha akaomesa mwoyo waFaro uye haana kuda kuteerera kuna Mozisi naAroni, zvakanga zvarehwa naJehovha kuna Mozisi. Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Muka mangwanani-ngwanani undosangana naFaro ugoti kwaari, ‘Zvanzi naJehovha Mwari wavaHebheru: Rega vanhu vangu vaende, kuti vanondinamata, kana zvikasadaro nenguva ino ndichatuma matambudziko angu ose pamusoro pako napamusoro pavaranda vako uye napamusoro pavanhu vako, kuti ugoziva kuti hakuna mumwe akafanana neni munyika yose. Nokuti iye zvino ndingadai ndakatambanudza ruoko rwangu ndikakurova iwe navanhu vako nehosha yaigona kukuparadzai panyika. Asi ndakakumutsa nokuda kwechinangwa ichi, kuti ndikuratidze simba rangu uye kuti zita rangu riparidzwe munyika yose. Iwe wakazvigadzirira kurwa navanhu vangu uye haudi kuvatendera kuti vaende. Naizvozvo, nenguva ino mangwana ndichatuma chimvuramabwe chakaipisisa kwazvo chisina kumbovapo pamusoro peIjipiti, kubva pazuva rayakavambwa kusvikira zvino. Chirayira izvozvi kuti zvipfuwo zvako nezvose zviri musango zvipinde mumatanga, nokuti chimvuramabwe chichawira pamusoro pomunhu wose napamusoro pezvipfuwo zvisina kupfigirwa zvichiri musango, uye zvichafa.’ ” Machinda aFaro ayo akanga achitya shoko raJehovha akakurumidza kupinza vatapwa vavo nezvipfuwo zvavo mukati. Asi vaya vakazvidza shoko raJehovha vakarega vatapwa vavo nezvipfuwo zviri musango. Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Tambanudzira ruoko rwako kudenga kuti chimvuramabwe chiwire pamusoro peIjipiti yose, pamusoro pavanhu napamusoro pezvipfuwo napamusoro pezvinhu zvose zvinomera muminda yeIjipiti.” Mozisi akati atambanudzira tsvimbo yake kudenga, Jehovha akatuma kutinhira nechimvuramabwe, uye mheni yakapenya yakananga pasi. Saka Jehovha akanayisa chimvuramabwe pamusoro penyika yeIjipiti; chimvuramabwe chakawa uye mheni yakapenya mberi neshure. Ndiro rakava dutu rakaipisisa kwazvo munyika yose yeIjipiti, kubva panguva yavakatanga kuva rudzi. Munyika yose yeIjipiti, chimvuramabwe chakarova zvinhu zvose zvakanga zviri musango, zvose vanhu nezvipfuwo; chakarovera pasi zvose zvaimera musango ndokuparadza miti yose. Nzvimbo yachisina kunaya chete inyika yeGosheni, uko kwaiva navaIsraeri.

Ekisodho 9:8-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Tenzi akataurira Mosesi naAroni achiti, “Endai munokore dota muchoto, Mosesi arimwaye mudenga Farao achiona. Dota racho richambumuka richipararira nenyika yose yeIjipiti. Vanhu nezvipfuwo vachaita mamota anoputika achiita maronda anotyisa.” Saizvozvo vakatora dota pachoto vakaenda naro kuna Farao. Mosesi akamwaya dota riya mudenga rikabva raitisa vanhu nemhuka mamota. N'anga dziya dzakatadza kusvika paiva naMosesi nokuti naidzowo n'anga dzacho pamwechete navaIjipiti vose vakanga vanyenga mamota. Asi Tenzi akaita kuti Farao aomese mwoyo. Farao akaramba kuteerera Mosesi naAroni sokutaura kwakamboita Tenzi kuna Mosesi. Tenzi akataurira Mosesi kuti, “Mangwana, fumira kuna Farao undoti, ‘Zvanzi naTenzi, Mwari wevaHebheru rega vanhu vangu vaende kundondinamata nokuti rwendo runo kana ukasadaro ndichakuonesa nhamo dzinokurwadza mwoyo iwe pamwechete namachinda ako navanhu vako. Ndipo pauchazoziva kuti pasi pano pose, hapana mumwe akaita seni. Pari zvino ndingadai ndakatounza zvangu denda raizorova iwe navanhu vako muchitodai makapera mose pasi pano. Asi ini ndakakurega uri mupenyu ndichida kukuratidza simba rangu, uye kuti mukurumbira wangu unzwike pasi pose. Iwe uri kuramba uchingozvikudza zvako, hausiri kuda kubvumidza vanhu vangu kuenda. Chinzwa, mangwana nenguva dzino ndichanayisa chimvuramahwe chinotyisa, chisati chamboonekwazve muIjipiti kubvira pakuvamba kwayo kusvikira iye zvino. Saka zvino tuma vanhu vakokorodze zvipfuwo zvako, vaunganidzewo zvinhu zvako zvose zviri kunze. Vanhu vose nezvipfuwo zvose zvichazenge zviri kunze, zvisina kuiswa mudzimba, zvicharohwa nechimvuramahwe zvikafa.’ ” Mamwe machinda aFarao akatya zvakarehwa naTenzi, akaudza varanda vawo kuti vatenhere zvipfuwo mudzimba naivowo vauye kumba kuzohwanda. Asi vamwe vakanga vasina hanya nezvakarehwa naTenzi, vakarega zvavo varanda vavo nezvipfuwo zvavo zviri kumafuro. Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Simudza ruoko rwako unongedze kudenga chimvuramahwe chinaye munyika yose yeIjipiti, chichiwira pavanhu napazvipfuwo napasora rose romunyika yeIjipiti.” Mosesi ndokubva anongedza tsvimbo yake kudenga. Tenzi akaunza kutinhira kukuru nechivhuramahwe, mheni dzikarova pasi. Tenzi akanayisa chimvuramahwe panyika yeIjipiti. Kwakaita chivhuramahwe ipapo, mheni ichingovaima mukati mechivhuramahwe imomo, chivhuramahwe chakawanda kwazvo, chisati chambonaya kudaro munyika yose yeIjipiti kubvira payakavamba kuva norudzi rwaigaramo. Chivhuramahwe chakarova munyika yose yeIjipiti. Chakarova zvinhu zvose zvaiva kumafuro, vanhu nezvipfuwo nezvirimwa zvose muminda nokutyoranisa miti yose musango. Asi kudunhu reGosheni kwaigara vaIsiraeri, ndiko kwoga kusina kusvika chivhuramahwe.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ekisodho 9

Ekisodho 9:8-26 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino Jehova akati kunaMosesi naAroni: Torai tsama dzamaɗota ecoto, Mosesi aakushire kuɗeŋga pamberi paFarao. Acashanduka guruʋa rakatsetseka panyika yose yeEgipita, aciita mamota anoputika semhoni paʋanhu napaɀipfuwo ɀose ɀeEgipita. Iʋo ʋakatora maɗota ecoto, ʋakamira pamberi paFarao, Mosesi akaakushira kuɗeŋga, akaita mamota anoputika semhoni paʋanhu napaɀipfuwo. Ɀino ŋaŋga dzakaŋga dzisiŋgagoni kumira pamberi paMosesi nokuɗa kwamamota, nokuti mamota akaŋga ari paŋaŋga napaʋaEgipita ʋose. Asi Jehova wakawomesa mŋoyo waFarao, akasaʋaterera, seɀakaŋga ɀarebga naJehova kunaMosesi. Ɀino Jehova wakati kunaMosesi: Fumira maŋgwanani, undomira pamberi paFarao, uti kwaari: Ɀanzi naJehova, Mŋari waʋaHeberu: Tendera ʋanhu ʋaŋgu kuenda ʋandinamate. Nokuti neŋguʋa ino ndicatuma maɗambudziko aŋgu ose pamsoro pomŋoyo wako, napamsoro paʋaranda ʋako, napamsoro paʋanhu ʋako, uziʋe kuti hapana‐wakafanana neni panyika dzose. Nokuti ɗai ndisakaɗaro, ndiŋgaɗai ndaitambanudza ruʋoko rwaŋgu, ndikakuroʋa iwe naʋanhu ʋako nehosha yakaipa, ukaparadzwa cose panyika; asi ɀirokwaɀo ndakakuraramisa nokuɗa kwaiɀoɀo, kuti ndikuratidze simba raŋgu, ʋuye kuti zita raŋgu rikurumbire kunyika dzose. Ɀino ucaramba uciŋgoɀikudza ucirwa naʋanhu ʋaŋgu, usiŋgaɗi kuʋatendera kuenda here? Tarira, maŋgwana, neŋguʋa yakaita seino, ndicanisa cimvuramabge cakaipa kwaɀo, cisina‐kumboʋa’po paEgipita kubva pakuʋambga kwayo kuȿikira ɀino. Naiɀoɀo ɀino tuma ʋanhu, uʋuŋganidze ɀipfuwo ɀako neɀose ɀaunaɀo kusaŋgo, nokuti ʋanhu ʋose neɀipfuwo ɀose ɀinowanikwa kusaŋgo, ɀisina‐kuiswa mudzimba, ɀicarobga necimvuramabge ɀikafa. Ɀino ʋakatya shoko raJehova pakati paʋaranda ʋaFarao ʋakaraira kuti ʋaranda ʋaʋo neɀipfuwo ɀaʋo ɀitizire mudzimba. Asi ʋakaŋga ʋasiŋgatereri shoko raJehova, ʋakarega ʋaranda ʋaʋo neɀipfuwo ɀaʋo kusaŋgo. Ɀino Jehova akati kunaMosesi: Tambanudzira ruʋoko rwako kuɗeŋga, cimvuramabge ciʋe’po panyika yose yeEgipita, pamsoro paʋanhu, napamsoro peɀipfuwo, napamsoro pemiriʋo yose yeminda panyika yose yeEgipita. Mosesi akatambanudzira tȿimbo yake kuɗeŋga, Jehova akatuma kutinhira necimvuramabge, mŋoto wemheni ukaroʋa pasi: Jehova akanisa cimvuramabge panyika yeEgipita. Cimvuramabge cikaʋa’po, nomŋoto wakaveŋgana necimvuramabge, cikanyanya kwaɀo, cisina‐kumboʋa’po panyika yose yeEgipita, kubva pakutaŋga kworudzi ipapo. Cimvuramabge cikaroʋa ɀose ɀakaŋga ɀiri kusaŋgo, ʋanhu neɀipfuwo, panyika yose yeEgipita; cimvuramabge cikaroʋa miriʋo yose yeminda, cikavuna miti yose yesaŋgo. Asi munyika yeGosheni ɓedzi, imo makaŋga munaʋana ʋaIsraeri, ndi’po pakaŋga pasinecimvuramabge.