Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Kubuda 9

9
Kufa kwezvipfuwo
1Tenzi akati kuna Mosesi, “Enda kuna Farao uti kwaari, ‘Zvanzi naTenzi, Mwari wavaHebheru, rega vanhu vangu vaende, vandondinamata.’ 2Kana ukasavabvumidza, uchirambira zvako navo, 3ini Tenzi noruoko rwangu ndicharova nedenda rinorwadza kwazvo zvipfuwo zvako zvinoti, mabhiza namadhongi nengamera nemombe nembudzi nehwai. 4Asi ini Tenzi, handizoita kuzvipfuwo zvavaIsiraeri zvandichaita kuzvipfuwo zvavaIjipiti. Hapana kana chipfuwo chavaIsiraeri chichafa.” 5Tenzi akatema nguva yacho achiti, “Mangwana ndiro zuva randichaita izvozvo munyika ino.”
6Mangwana acho Tenzi akafumoita zvaakareva, mombe dzose dzavaIjipiti dzakapera kufa, asi mombe dzavaIsiraeri hapana kana imwechete yakafa. 7Farao akatuma vanhu kundoona mombe dzavaIsiraeri, wanei pasina kunyange neimwechete yadzo yakafa. Asi Farao akaramba akaomesa mwoyo, asingadi kuti vaIsiraeri vaende.
Mamota
8Tenzi akataurira Mosesi naAroni achiti, “Endai munokore dota muchoto, Mosesi arimwaye mudenga Farao achiona. 9Dota racho richambumuka richipararira nenyika yose yeIjipiti. Vanhu nezvipfuwo vachaita mamota anoputika achiita maronda anotyisa.” 10Saizvozvo vakatora dota pachoto vakaenda naro kuna Farao. Mosesi akamwaya dota riya mudenga rikabva raitisa vanhu nemhuka mamota. 11N'anga dziya dzakatadza kusvika paiva naMosesi nokuti naidzowo n'anga dzacho pamwechete navaIjipiti vose vakanga vanyenga mamota. 12Asi Tenzi akaita kuti Farao aomese mwoyo. Farao akaramba kuteerera Mosesi naAroni sokutaura kwakamboita Tenzi kuna Mosesi.
Chimvuramahwe
13Tenzi akataurira Mosesi kuti, “Mangwana, fumira kuna Farao undoti, ‘Zvanzi naTenzi, Mwari wevaHebheru rega vanhu vangu vaende kundondinamata 14nokuti rwendo runo kana ukasadaro ndichakuonesa nhamo dzinokurwadza mwoyo iwe pamwechete namachinda ako navanhu vako. Ndipo pauchazoziva kuti pasi pano pose, hapana mumwe akaita seni. 15Pari zvino ndingadai ndakatounza zvangu denda raizorova iwe navanhu vako muchitodai makapera mose pasi pano. 16Asi ini ndakakurega uri mupenyu ndichida kukuratidza simba rangu, uye kuti mukurumbira wangu unzwike pasi pose. 17Iwe uri kuramba uchingozvikudza zvako, hausiri kuda kubvumidza vanhu vangu kuenda. 18Chinzwa, mangwana nenguva dzino ndichanayisa chimvuramahwe chinotyisa, chisati chamboonekwazve muIjipiti kubvira pakuvamba kwayo kusvikira iye zvino. 19Saka zvino tuma vanhu vakokorodze zvipfuwo zvako, vaunganidzewo zvinhu zvako zvose zviri kunze. Vanhu vose nezvipfuwo zvose zvichazenge zviri kunze, zvisina kuiswa mudzimba, zvicharohwa nechimvuramahwe zvikafa.’ ” 20Mamwe machinda aFarao akatya zvakarehwa naTenzi, akaudza varanda vawo kuti vatenhere zvipfuwo mudzimba naivowo vauye kumba kuzohwanda. 21Asi vamwe vakanga vasina hanya nezvakarehwa naTenzi, vakarega zvavo varanda vavo nezvipfuwo zvavo zviri kumafuro.
22Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Simudza ruoko rwako unongedze kudenga chimvuramahwe chinaye munyika yose yeIjipiti, chichiwira pavanhu napazvipfuwo napasora rose romunyika yeIjipiti.” 23Mosesi ndokubva anongedza tsvimbo yake kudenga. Tenzi akaunza kutinhira kukuru nechivhuramahwe, mheni dzikarova pasi. Tenzi akanayisa chimvuramahwe panyika yeIjipiti. 24Kwakaita chivhuramahwe ipapo, mheni ichingovaima mukati mechivhuramahwe imomo, chivhuramahwe chakawanda kwazvo, chisati chambonaya kudaro munyika yose yeIjipiti kubvira payakavamba kuva norudzi rwaigaramo. 25Chivhuramahwe chakarova munyika yose yeIjipiti. Chakarova zvinhu zvose zvaiva kumafuro, vanhu nezvipfuwo nezvirimwa zvose muminda nokutyoranisa miti yose musango. 26Asi kudunhu reGosheni kwaigara vaIsiraeri, ndiko kwoga kusina kusvika chivhuramahwe.
27Ipapo Farao akatuma vanhu kundodaidza Mosesi naAroni achiti, “Rwendo runo, ndakatadza zvikuru. Tenzi ndiye mururami, ini navanhu vangu ndisu vatadzi. 28Tikumbirireiwo kuna Tenzi nokuti kutinhira kwemheni yaMwari nechimvuramahwe zvanyanya. Zvino ndava kukubvumirai kuenda, handichakurambidzai.”
29Mosesi akati kwaari, “Kana ndangobuda muguta muno, ndichasimudza maoko angu kuna Tenzi. Ipapo kutinhira kwemheni kuchanyarara, chimvuramahwe chichibva chapera. Ndipo pamunozoziva kuti pasi pano pose ndepaTenzi. 30Asi ndinoziva kuti imi namachinda enyu hamusati zvenyu mava kutya.”
31Minda yebhari yakanga yatumbuka, nemindawo yekamuti kanosvuurwa shinda yefurakisi yakanga yava namaruva, zvose zvakaparadzwa. 32Asi koroni neimwe iya yesipereti haina kuparadzwa nokuti yakanga isati yatumbuka.
33Mosesi akabva paiva naFarao, akabuda muguta umu, ndokusimudza maoko ake kuna Tenzi. Kutinhira kwemheni nechivhuramahwe zvakabva zvanyarara, mvura ichibva yakasa. 34Asi Farao paakaona kuti mvura nechivhuramahwe zvakasa uye kutinhira kwemheni kwanyarara, akaita chitadzo zvakare iye namachinda ake vakaramba vakaomesa mwoyo. 35Sokureva kwakaita Tenzi nomuromo waMosesi, Farao akaomesa mwoyo akaramba kubvumidza vaIsiraeri kuti vaende.

Zvasarudzwa nguva ino

Kubuda 9: SCLBD

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda