Ekisodho 9:3-4
Ekisodho 9:3-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
ruoko rwaJehovha ruchauyisa hosha yakaipa pakati pezvipfuwo zvako zviri muminda napamusoro pamabhiza ako nembongoro dzako nengamera napamusoro pemombe dzako uye napamusoro pamakwai nembudzi. Asi Jehovha achaisa mutsauko pakati pezvipfuwo zveIsraeri nezveIjipiti, kuitira kuti parege kuva nezvipfuwo zvavaIsraeri zvichafa.’ ”
Ekisodho 9:3-4 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
tarira, ruoko rwaJehovha ruchava pamusoro pezvipfuwo zvako zviri kusango, napamusoro pamabhiza, napamusoro pembongoro, napamusoro pamangamera, napamusoro pemombe, napamusoro pezvipfuwo zviduku; hosha yakaipa kwazvo ichavapo. Jehovha acharaura zvipfuwo zvavaIsiraeri pazvipfuwo zvavaIjipiti; hapana chimwe chingafa pazvipfuwo zvose zvavaIsiraeri.”
Ekisodho 9:3-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
ini Tenzi noruoko rwangu ndicharova nedenda rinorwadza kwazvo zvipfuwo zvako zvinoti, mabhiza namadhongi nengamera nemombe nembudzi nehwai. Asi ini Tenzi, handizoita kuzvipfuwo zvavaIsiraeri zvandichaita kuzvipfuwo zvavaIjipiti. Hapana kana chipfuwo chavaIsiraeri chichafa.”
Ekisodho 9:3-4 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
tarira, ruʋoko rwaJehova rucaʋa pamsoro peɀipfuwo ɀako ɀiri kusaŋgo, napamsoro pamabiza, napamsoro pemboŋgoro, napamsoro pamakamera, napamsoro peŋombe, napamsoro peɀipfuwo ɀiɗuku; hosha yakaipa kwaɀo icaʋa’po. Jehova ucaraʋura ɀipfuwo ɀaʋaIsraeri paɀipfuwo ɀaʋaEgipita; hapanecimŋe ciŋgafa paɀipfuwo ɀose ɀaʋaIsraeri.
Ekisodho 9:3-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
ini Tenzi noruoko rwangu ndicharova nedenda rinorwadza kwazvo zvipfuwo zvako zvinoti, mabhiza namadhongi nengamera nemombe nembudzi nehwai. Asi ini Tenzi, handizoita kuzvipfuwo zvavaIsiraeri zvandichaita kuzvipfuwo zvavaIjipiti. Hapana kana chipfuwo chavaIsiraeri chichafa.”