Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ekisodho 31:1-18

Ekisodho 31:1-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Tarira ndasarudza Bhezareri mwanakomana waUri, mwanakomana waHuri, worudzi rwaJudha, uye ndamuzadza noMweya waMwari, nouchenjeri, nokugona nokuziva mhando dzose dzoumhizha, kuita unyanzvi hwebasa regoridhe, sirivha nendarira, kuveza nokuronga mabwe, kushanda pabasa rokuveza matanda, nokubata mumhando dzose dzoumhizha. Pamusoro paizvozvo ndakagadza Ohoriabhi mwanakomana waAhisamaki, worudzi rwaDhani, kuti amubatsire. “Uyezve ndapa unyanzvi kumhizha kuti vaite zvinhu zvose zvandakakurayira zvinoti: “Tende Rokusangana, areka yeChipupuriro ine chifukidzo chokuyananisa pamusoro payo, nenhumbi dzose dzetende, tafura nemidziyo yayo, chigadziko chomwenje chegoridhe rakaisvonaka nenhumbi dzacho dzose, aritari yezvinonhuhwira, aritari yezvipiriso zvinopiswa nemidziyo yayo dzose, mudziyo wokushambira nechigadziko chawo, uyewo nguo yakarukwa, dzose nguo tsvene dzaAroni muprista uye nenguo dzavanakomana vake pavanoshumira savaprista, namafuta okuzodza uye nezvinonhuhwira kwazvo zveNzvimbo Tsvene. “Vanofanira kudzigadzira sezvandakakurayira iwe.” Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Uti kuvaIsraeri, ‘Munofanira kucherechedza Sabata rangu. Ichi ndicho chichava chiratidzo pakati pangu nemi kuzvizvarwa zvinotevera, kuti mugoziva kuti ndini Jehovha, anokuitai vatsvene. “ ‘Cherechedzai Sabata, nokuti idzvene kwamuri. Munhu upi zvake anorizvidza anofanira kuurayiwa; ani naani anobata basa ripi zvaro pazuva iroro anofanira kubviswa pakati pavanhu vokwake. Kwamazuva matanhatu, basa rinofanira kuitwa, asi zuva rechinomwe iSabata rokuzorora, idzvene kuna Jehovha. Ani naani anoita basa ripi zvaro nomusi weSabata anofanira kuurayiwa. VaIsraeri vanofanira kucherechedza Sabata, vachiripemberera kusvikira kuzvizvarwa zvinotevera sesungano isingaperi. Richava chiratidzo pakati pangu navaIsraeri nokusingaperi, nokuti mukati mamazuva matanhatu Jehovha akasika denga nenyika, uye nomusi wechinomwe akarega kushanda uye akazorora.’ ” Jehovha akati apedza kutaura naMozisi paGomo reSinai, akamupa mahwendefa maviri eChipupuriro, mahwendefa amabwe akanyorwa nomunwe waMwari.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ekisodho 31

Ekisodho 31:1-18 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino Jehovha wakataura naMosesi akati, “Tarira, ndadana Bhezareri, mwanakomana waUri, mwanakomana waHuri, worudzi rwaJudha, nezita rake, ndikamuzadza noMweya waMwari, nouchenjeri, nokunzwisisa, nokuziva kwose, nokugona marudzi ose amabasa, kuti afunge mano oumhizha, nokubata nendarama, nesirivha, nendarira, nokuveza mabwe anoiswa mukati, nokuveza matanda, nokugona marudzi ose amabasa. Uye ini, tarira ndakagadza pamwechete naye Ohoriabhu, mwanakomana waAhisamaki, worudzi rwaDhani; nomumwoyo yavose vane mwoyo yakangwara ndakaisa uchenjeri, kuti vaite zvose zvandakakuraira, zvinoti: Tende rokusangana, neareka yechipupuriro, nechifunhiro chokuyananisa chiri pamusoro payo, nenhumbi dzose dzetabhenakeri, netafura nenhumbi dzayo, nechigadziko chemwenje chakaisvonaka nenhumbi dzacho dzose, neatari yezvinonhuwira, neatari yezvipiriso zvinopiswa nenhumbi dzayo dzose, nomudziyo wokushambidzira nechigadziko chawo, nenguo dzakarukwa zvakanaka, nenguo tsvene dzaAroni mupristi, nenguo dzavanakomana vake dzokubata basa roupristi nadzo, namafuta okuzodza nawo, nezvinonhuwira zvemiti inonaka zvapanzvimbo tsvene; vanofanira kuita zvose sezvandakakuraira.” Zvino Jehovha wakataura naMosesi akati, “Taura navana vaIsiraeri, uti, ‘Zvirokwazvo munofanira kuchengeta maSabata angu; nokuti chiratidzo pakati pangu nemi kusvikira kumarudzi enyu ose, muzive kuti ndini Jehovha unokutsaurai. Naizvozvo chengetai Sabata, nokuti idzvene kwamuri; ani naani unorizvidza ngaaurawe zvirokwazvo; nokuti ani naani unobata basa ripi neripi naro, munhu uyo ngaabviswe pakati porudzi rwake. Mabasa ose ngaabatwe namazuva matanhatu, asi zuva rechinomwe iSabata rokuzorora kwazvo, idzvene kuna Jehovha; ani naani unobata basa ripi neripi nezuva reSabata, ngaaurawe zvirokwazvo.’ Naizvozvo vana vaIsiraeri vanofanira kuchengeta Sabata, varangarire Sabata kusvikira kumarudzi avo ose; ive sungano isingaperi. Chiratidzo pakati pangu navana vaIsiraeri nokusingaperi; nokuti Jehovha wakaita denga nenyika namazuva matanhatu, akazorora nezuva rechinomwe, akasimbiswa.” Zvino wakati apedza kutaura naMosesi pagomo reSinai, akamupa mahwendefa maviri echipupuriro, mahwendefa amabwe akanga akanyorwa nomunwe waMwari.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ekisodho 31

Ekisodho 31:1-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Tenzi akati kuna Mosesi, “Chionaka ndasarudza ndikadomawo nezita Bhezarieri mwanakomana waUri, muzukuru waHuri, wedzinza rokwaJudha, ndikamuzadza nomweya waMwari. Ndamupa kunzwisisa uye njere kuti agone kuita mabasa ose oumhizha anoti, kufanotara mifananidzo yezvinhu zvingade kuzopfurwa zvendarama nezvesirivha nezvendarira nokuveza tumabwe tunokosha twokuisa pazvinhu nokuvezawo miti nokuita mamwewo mabasa oumhizha. Ndasarudzawo Ohoriabhu mwanakomana waAhisamaki, wedzinza rokwaDhani kuti abatsirane naBhezareri. Ndapa dzimwe mhizha ungwaru hwokuti dzigone kugadzira zvose zvandakarayira kuti zviitwe zvinoti, tendhe rokusanganira, nebhokisi rechitenderano, nehwidibiro yaro yokurikwidibirisa kwouya zvose zvomutendhe rokusanganira zvinoti, teburu nemidziyo yayo, nechigadzikiro chomwenje chakagadzirwa nendarama chaiyo yakanakisisa pamwechete nemidziyo yacho yose neatari yokupisira rusenzi, kwoti atari yokupisira zvibayiro pamwechete nemidziyo yayo yose, nedhishi rokushambira pamwechete nechigadzikiro charo, kwouyawo hanzu dzinoera dzakanyatsorukwa dzomupristi Aroni nehanzu dzavanakomana vake dzavanopfeka pavanoita basa roupristi, kwozoti mafuta okuzodza, norusenzi runonhuhwira rwomunzvimbo inoera, ngazviitwe sokukurayira kwandakuita.” Tenzi akataurira Mosesi kuti, “Iwe taurira vaIsiraeri uchiti, ‘Chengetai maSabata angu nokuti ndiwo mucherechedzo wangu nemi uchagara uripo pazvizvarwa zvenyu zvose, wokuratidza kuti ini Tenzi ndini ndakakusarudzai kuti muve vanhu vangu vatsvene.’ Munofanira kuchengeta Sabata nokuti izuva rinoera kwamuri. Anorin'oresa ngaaurayiwe, kuwana anoshanda pazuva iroro, ngaachekaniswe ukama navanhu wokwakwe. Basa ngariitwe zvaro mumazuva matanhatu, asi zuva rechinomwe iSabata rokunyatsozorora, izuva rinoera rinoereserwa Tenzi. Kuwana anoita basa pazuva irori, anofanira kutourayiwa. Saka vaIsiraeri ngavachengete Sabata pazvizvarwa zvavo zvose ngavachengete sechitenderano chokugara nokugara. Iwoyo mucherechedzo wechitenderano changu navaIsiraeri narini wose wokuti ini Tenzi ndakasika denga napasi pamazuva matanhatu, pazuva rechinomwe ndikarega kuita basa ndikafurwa zvangu nemhepo.” Mwari akapedza kutaura naMosesi pagomo reSinai, akabva amupa mafendefa maviri echitenderano, matombo maviri akanyorwa noruoko rwaMwari.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ekisodho 31

Ekisodho 31:1-18 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino Jehova wakataura naMosesi, akati: Tarira, ndaɗana Bezareri, mŋanakomana waUri, mŋanakomana waHuri, worudzi rwaJuda, nezita rake, ndikamuzadza noMŋeya waMŋari, noʋucenjeri, nokunzwisisa, nokuziʋa kwose, nokugona marudzi ose amaɓasa, kuti afuŋge mano oʋumhizha, nokuɓata nendarama, nesirveri, nendarira, nokuʋeza mabge anoiswa mukati, nokuʋeza matanda, nokugona marudzi ose amaɓasa. Ʋuye ini, tarira ndakagadza pamŋe cete naye Ohoriabi, mŋanakomana waAhisamaki, worudzi rwaDani; nomumŋoyo yaʋose ʋanemŋoyo yakaŋgwara ndakaisa ʋucenjeri, kuti ʋaite ɀose ɀandakakuraira, ɀinoti: Tente rokusoŋgana, neareka yecipupuriro, necifunhiro cokuyananisa ciri pamsoro payo, nenhumbi dzose dzetabernakeri, netafura nenhumbi dzayo, necigadziko cemŋenje cakaiȿo‐naka nenhumbi dzaco dzose, neartari yeɀinonhuwira, neartari yeɀipiriso ɀinopiswa nenhumbi dzayo dzose, nomudziyo wokushambidzira necigadziko cawo, neŋguʋo dzakarukwa ɀakanaka, neŋguʋo tȿene dzaAroni muprista, neŋguʋo dzaʋanakomana ʋake dzokuɓate‐ɓasa roʋuprista nadzo, namafuta okuzodza nawo, neɀinonhuwira ɀemiti inonaka ɀapanɀimbo tȿene; ʋanofanira kuita ɀose seɀandakakuraira. Ɀino Jehova wakataura naMosesi, akati: Taura naʋana ʋaIsraeri, uti: Ɀirokwaɀo munofanira kuceŋgeta masaɓata aŋgu; nokuti ciratidzo pakati paŋgu nemi kuȿikira kumarudzi enyu ose, muziʋe kuti ndini Jehova unokutsaurai. Naiɀoɀo ceŋgetai saɓata, nokuti idɀene kwamuri; aninani unoriɀidza ŋgaaʋurawe ɀirokwaɀo; nokuti aninani unoɓate‐ɓasa ripi neripi naro, munhu uyo ŋgaabviswe pakati porudzi rwake. Maɓasa ose ŋgaaɓatwe namazuʋa matanhatu, asi zuʋa recinomŋe isaɓata rokuzorora kwaɀo, idɀene kunaJehova; aninani unoɓate‐ɓasa ripi neripi nezuʋa resaɓata, ŋgaaʋurawe ɀirokwaɀo. Naiɀoɀo ʋana ʋaIsraeri ʋanofanira kuceŋgeta saɓata, ʋaraŋgarire saɓata kuȿikira kumarudzi aʋo ose; iʋe suŋgano isiŋgaperi. Ciratidzo pakati paŋgu naʋana ʋaIsraeri nokusiŋgaperi; nokuti Jehova wakaita ɗeŋga nenyika namazuʋa matanhatu, akazorora nezuʋa recinomŋe, akasimbiswa. Ɀino wakati apedza kutaura naMosesi pagomo reSinai, akamupa mahwendefa maʋiri ecipupuriro, mahwendefa amabge akaŋga akanyorwa nomunwe waMŋari.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ekisodho 31

Ekisodho 31:1-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)