Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Kubuda 31

31
Mhizha dzokugadzira tendhe rinoera
(Kub 35:30; 36:1)
1Tenzi akati kuna Mosesi, 2“Chionaka ndasarudza ndikadomawo nezita Bhezarieri mwanakomana waUri, muzukuru waHuri, wedzinza rokwaJudha, 3ndikamuzadza nomweya waMwari. Ndamupa kunzwisisa uye njere kuti agone kuita mabasa ose oumhizha anoti, 4kufanotara mifananidzo yezvinhu zvingade kuzopfurwa zvendarama nezvesirivha nezvendarira 5nokuveza tumabwe tunokosha twokuisa pazvinhu nokuvezawo miti nokuita mamwewo mabasa oumhizha. 6Ndasarudzawo Ohoriabhu mwanakomana waAhisamaki, wedzinza rokwaDhani kuti abatsirane naBhezareri. Ndapa dzimwe mhizha ungwaru hwokuti dzigone kugadzira zvose zvandakarayira kuti zviitwe zvinoti, 7tendhe rokusanganira, nebhokisi rechitenderano, nehwidibiro yaro yokurikwidibirisa kwouya zvose zvomutendhe rokusanganira zvinoti, 8teburu nemidziyo yayo, nechigadzikiro chomwenje chakagadzirwa nendarama chaiyo yakanakisisa pamwechete nemidziyo yacho yose neatari yokupisira rusenzi, 9kwoti atari yokupisira zvibayiro pamwechete nemidziyo yayo yose, nedhishi rokushambira pamwechete nechigadzikiro charo, 10kwouyawo hanzu dzinoera dzakanyatsorukwa dzomupristi Aroni nehanzu dzavanakomana vake dzavanopfeka pavanoita basa roupristi, 11kwozoti mafuta okuzodza, norusenzi runonhuhwira rwomunzvimbo inoera, ngazviitwe sokukurayira kwandakuita.”
Sabata, zuva rokusabata basa
12Tenzi akataurira Mosesi kuti, 13“Iwe taurira vaIsiraeri uchiti, ‘Chengetai maSabata angu nokuti ndiwo mucherechedzo wangu nemi uchagara uripo pazvizvarwa zvenyu zvose, wokuratidza kuti ini Tenzi ndini ndakakusarudzai kuti muve vanhu vangu vatsvene.’ 14Munofanira kuchengeta Sabata nokuti izuva rinoera kwamuri. Anorin'oresa ngaaurayiwe, kuwana anoshanda pazuva iroro, ngaachekaniswe ukama navanhu wokwakwe. 15Basa ngariitwe zvaro mumazuva matanhatu, asi zuva rechinomwe iSabata rokunyatsozorora, izuva rinoera rinoereserwa Tenzi. Kuwana anoita basa pazuva irori, anofanira kutourayiwa. 16Saka vaIsiraeri ngavachengete Sabata pazvizvarwa zvavo zvose ngavachengete sechitenderano chokugara nokugara. 17Iwoyo mucherechedzo wechitenderano changu navaIsiraeri narini wose wokuti ini Tenzi ndakasika denga napasi pamazuva matanhatu, pazuva rechinomwe ndikarega kuita basa ndikafurwa zvangu nemhepo.”
18Mwari akapedza kutaura naMosesi pagomo reSinai, akabva amupa mafendefa maviri echitenderano, matombo maviri akanyorwa noruoko rwaMwari.

Zvasarudzwa nguva ino

Kubuda 31: SCLB

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda