Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ekisodho 3:1-22

Ekisodho 3:1-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Zvino Mozisi akanga achifudza makwai aJeturo tezvara wake, muprista weMidhiani, uye akatungamirira makwai kurutivi rwuri kure mugwenga akasvika kuHorebhi, gomo raMwari. Ikoko, mutumwa waJehovha akazviratidza kwaari mumarimi omoto aiva mugwenzi. Mozisi akaona kuti kunyange zvazvo gwenzi rakanga richipfuta, rakanga risingatsvi. Saka Mozisi akafunga akati, “Ndichaenda apo ndinoona chishamiso ichi, kuti seiko gwenzi risingatsvi.” Jehovha akati aona kuti akanga aendako kuti andoona, Mwari akadana kwaari kubva mugwenzi akati, “Mozisi! Mozisi!” Uye Mozisi akati, “Ndiri pano hangu.” Mwari akati, “Usaswedera pedyo. Bvisa shangu dzako nokuti nzvimbo yaumire itsvene.” Ipapo akati, “Ndini Mwari wababa vako, Mwari waAbhurahama, Mwari waIsaka naMwari waJakobho.” Uye Mozisi akafukidza chiso chake, nokuti akanga achitya kutarisa Mwari. Jehovha akati, “Zvirokwazvo ndaona kutambudzika kwavanhu vangu muIjipiti. Ndanzwa kuchema kwavo nokuda kwavatariri vavo vamabasa, uye ndinoziva kutambudzika kwavo. Saka ndaburuka kuti ndivanunure vabve muruoko rwavaIjipita uye kuti ndivabudise munyika iyo ndivaise kunyika yakanaka uye yakakura, nyika inoyerera mukaka nouchi, nzvimbo yavaKenani, vaHiti, vaAmori, vaPerezi, vaHivhi navaJebhusi. Uye zvino kuchema kwavaIsraeri kwasvika kwandiri, uye ndaona nzira yavanotambudzwa nayo navaIjipita. Saka chienda, zvino, ndiri kukutuma kuna Faro kuti undobudisa vanhu vangu vaIsraeri kubva muIjipiti.” Asi Mozisi akati kuna Mwari, “Ndini aniko ini kuti ndiende kuna Faro kuti ndinobudisa vaIsraeri kubva muIjipiti?” Uye Mwari akati, “Ndichava newe. Uye ichi chichava chiratidzo kwauri chokuti ndini ndakutuma: Paunenge wabudisa vanhu kubva muIjipiti, muchanamata Mwari pagomo rino.” Mozisi akati kuna Mwari, “Ko, kana ndikaenda kuvaIsraeri uye ndikanoti kwavari, ‘Mwari wamadzibaba enyu andituma kwamuri,’ uye ivo vakandibvunza kuti, ‘Zita rake ndiani?’ ipapo ndichavaudzeiko?” Mwari akati kuna Mozisi, “NDIRI WANDIRI. Izvi ndizvo zvaunofanira kutaura kuvaIsraeri: ‘NDIRI’ andituma kwamuri.” Mwari akatiwo kuna Mozisi, “Uti kuvaIsraeri, ‘Jehovha, Mwari wamadzibaba enyu, Mwari waAbhurahama, Mwari waIsaka naMwari waJakobho andituma kwamuri.’ Iri ndiro zita rangu nokusingaperi, zita randinofanira kurangarirwa naro kusvikira kuzvizvarwa zvose. “Enda undounganidza vakuru vavaIsraeri ugoti kwavari, ‘Jehovha, Mwari wamadzibaba enyu, Mwari waAbhurahama, Mwari waIsaka, naMwari waJakobho, akazviratidza kwandiri uye akati, “Ndakatarira pamusoro penyu uye ndikaona zvakanga zvichiitwa kwamuri muIjipiti. Uye ndakavimbisa kukubudisai mukutambudzika kwenyu muIjipiti ndikuisei kunyika yavaKenani, navaHiti, vaAmori, vaPerezi, vaHivhi navaJebhusi, nyika inoyerera mukaka nouchi.” ’ “Vakuru vavaIsraeri vachakuteerera. Ipapo iwe navakuru vavaIsraeri munofanira kuenda kuna mambo weIjipiti munoti kwaari, ‘Jehovha Mwari wavaHebheru akasangana nesu. Regai tifambe rwendo rwamazuva matatu tiende kurenje kuti tindobayira kuna Jehovha Mwari wedu.’ Asi ndinoziva kuti mambo weIjipiti haasi kuzokutenderai kunze kwokunge ruoko rune simba rwamumanikidza. Saka ndichatambanudza ruoko rwangu ndigorova vaIjipiti nezvishamiso zvose zvandichaita pakati pavo. Shure kwaizvozvo achakutenderai kuenda. “Uye ndichaita kuti vaIjipita vaitire vanhu ava nyasha, zvokuti pamunoenda hamuendi musina chinhu. Mukadzi mumwe nomumwe anofanira kukumbira muvakidzani wake nomukadzi upi zvake waagere naye mumba make, zvishongo zvesirivha nezvegoridhe uye nguo dzamuchapfekedza vanakomana venyu nevanasikana venyu. Uye saizvozvo muchapamba vaIjipita.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ekisodho 3

Ekisodho 3:1-22 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino Mosesi akanga achifudza makwai aJeturo, mukarabwe wake, mupristi weMidhiani; akaisa makwai mberi murenje, akasvika kugomo raMwari rinonzi Horebi. Ipapo mutumwa waJehovha akazviratidza kwaari mumurazvo womoto pakati pegwenzi; akatarira, akaona gwenzi richipfuta nomoto, asi rakanga risingatsvi. Mosesi akati, “Regai, nditsaukire ndione chishamiso icho chikuru, kuti gwenzi haritsvi neiko.” Zvino Jehovha akati achiona kuti wotsaukira kuti aone, Mwari akadana ari mukati megwenzi, akati, “Mosesi, Mosesi!” Iye akati, “Ndiri pano hangu.” Akati, “Usaswedera pano; bvisa shangu dzako patsoka dzako, nokuti paumire patsvene.” Akatiwo, “Ndini Mwari wababa vako, naMwari waAbhurahamu, naMwari waIsaka, naMwari waJakobho.” Mosesi akavanza chiso chake, nokuti akatya kutarira Mwari. Zvino Mwari akati, “Zvirokwazvo, ndakaona kunetswa kwavanhu vangu vari muIjipiti, ndikanzwa kudanidzira kwavo nokuda kwavatariri vavo vamabasa; nokuti ndinoziva kuchema kwavo; ndaburuka kuti ndivarwire mumaoko avaIjipiti nokuvabudisa munyika iyoyo, ndindovaisa kunyika yakanaka huru, kunyika inoyerera mukaka nouchi; uko kunogara vaKenani, navaHeti, navaAmori, navaPerezi, navaHivhi, navaJebhusi. Zvino tarira, kuchema kwavana vaIsiraeri kwasvika kwandiri, ndaona kutambudzwa kwavanotambudzwa nako navaIjipiti. Naizvozvo zvino uya ndikutume kuna Farao, kuti undobudisa vanhu vangu, vana vaIsiraeri muIjipiti.” Zvino Mosesi akati kuna Mwari, “Ini ndini aniko, kuti ndiende kuna Farao, ndibudise vana vaIsiraeri muIjipiti here?” Akati, “Zvirokwazvo ndichava newe; hechi chiratidzo chokuti ndakutuma: Kana mabudisa vanhu vangu muIjipiti, muchanamata Mwari pagomo rino.” Ipapo Mosesi akati kuna Mwari, “Tarirai, kana ndikasvika kuvana vaIsiraeri, ndikati kwavari, ‘Mwari wamadzibaba enyu akandituma kwamuri,’ ivo vakati kwandiri, ‘Ko zita rake ndiani?’ Ndichatiyi kwavari?” Mwari akati kuna Mosesi, “NDICHAVA IYE WANDICHAVA.” Akati, “Unoti kuvana vaIsiraeri, ‘NDICHAVA ndiye akandituma kwamuri.’ ” Mwari akatiwo kuna Mosesi, “Unoti kuvana vaIsiraeri, Jehovha, Mwari waAbhurahamu, naMwari waIsaka, naMwari waJakobho, akandituma kwamuri; ndiro zita rangu nokusingaperi, ndiro zita ravachandirangarira naro kusvikira kumarudzi ose. Enda, undounganidza vakuru vaIsiraeri, uti kwavari, ‘Jehovha, Mwari wamadzibaba enyu, Mwari waAbhurahamu, nowaIsaka, nowaJakobho, akazviratidza kwandiri,’ akati, ‘Ndakakushanyirai zvirokwazvo, ndikaona izvo zvamakaitirwa Ijipiti;’ ndikati, ‘Ndichakubudisai pakunetswa kwenyu paIjipiti, ndimuise kunyika yavaKenani, neyavaHeti, neyavaAmori, neyavaPerezi, neyavaHivhi, neyavaJebhusi, kunyika inoyerera mukaka nouchi.’ Vachateerera izwi rako; uende, iwe navakuru vaIsiraeri, kuna mambo weIjipiti, muti kwaari, ‘Jehovha, Mwari wavaHebheru, akasangana nesu; zvino titendere kuenda rwendo rwamazuva matatu murenje, tindobayira Jehovha, Mwari wedu.’ Ndinoziva kuti mambo weIjipiti haangakutendereyi kuenda, kwete, kunyange noruoko rune simba. Ndichatambanudza ruoko rwangu, ndirove Ijipiti nezvishamiso zvangu zvose, zvandichaitamo; pashure achakutenderai kuenda. Ndichapa vanhu ava nyasha pamberi pavaIjipiti, kuti kana muchizoenda, murege kuenda musina chinhu. Asi mukadzi mumwe nomumwe anofanira kukumbira kune waanogara naye, nokumutorwa anogara mumba make, zvishongo zvesirivha nozvendarama, nenguo, kuti mufukidze vanakomana venyu navanasikana venyu; munofanira kutorera vaIjipiti nhumbi dzavo.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ekisodho 3

Ekisodho 3:1-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Mosesi aifudza hwai nembudzi dzavatezvara vake vainzi vaJetero vaiva mupristi wokuMidhiani. Rimwe zuva Mosesi akaenda nezvipfuwo izvozvo kumadokero kwerenje akandosvika kugomo raMwari rinonzi Horebhu. Ipapo mutumwa waTenzi akazviratidza ari murimi romoto raiva mugwenzi. Mosesi akatarira akaona kuti gwenzi raibvira moto, asi rakanga risingaroti. Mosesi ndokuti, “Regai ndiendepo ndione chishamiso chikuru chakadai chokuti seiko gwenzi richibvira moto asi risingabva rarota.” Tenzi paakaona kuti Mosesi ari kuswederapo kuzoona, Mwari akadaidzira kwaari ari mugwenzi iroro achiti, “Mosesi! Mosesi!” Iye akati, “Ndiri pano!” Mwari ndokuti, “Rega kuswedera pedyo. Chitobvisa shangu dzako nokuti paumire ipapo inzvimbo inoera. Ndini Mwari wamadzitateguru ako. Ndini Mwari waAbhurahamu, ndini Mwari waIsaki, ndini Mwari waJakobho.” Mosesi akabva afukidza chiso chake achitya kutarisa Mwari. Tenzi ndokuti, “Ndanyatsoona kutambudzwa kwavanhu vangu vari muIjipiti. Ndanzwa kuchema kwavo nokuti vari kuoneswa nhamo navanhu vari kuvashandisa. Ndinoziva nhamo dzavo dzose. Zvino ndaburuka kuzovanunura mumaoko evaIjipiti. Ndichavabvisa muIjipiti ndichindovaisa kunyika huru yakanaka, nyika yomukaka nouchi, kunyika yavaKanani navaHiti navaAmori navaPerizi navaHivhi navaJebhusi. Zvino chinzwa, kuchema kwevaIsiraeri ndakunzwa, uye ndaona kutambudzwa kwavari kuitwa navaIjipiti. Saka zvino chiuya ndikutume kuna Farao, kundoburitsa vanhu vangu vaIsiraeri muIjipiti.” Asi Mosesi akati kuna Mwari, “Pangu pano! Ndiri aniwo zvangu ndingabva ndaenda kuna Farao kundoburitsa vaIsiraeri muIjipiti?” Mwari akati, “Ini ndichava newe. Hechino chiratidzo chinoratidza kuti ndini ndakutuma. Kana wandoburitsa vanhu vangu muIjipiti, muchauya monamateni Mwari pano pagomo rino irori.” Mosesi ndokuti kuna Mwari, “Hongu kuenda kuvaIsiraeri ndingaende zvangu ndichisvikovaudza kuti Mwari wamadzibaba enyu andituma kwamuri. Ko vakandibvunza kuti, ‘Zita raMwari iyeyo ndiani?’ Ndichavapindura ndichiti kudii?” Mwari akapindura Mosesi achiti, “Ndiri iye wandiri. Unofanira kutaurira vaIsiraeri kuti, ndiri ndiye andituma kwamuri.” Mwari akataurirazve Mosesi achiti, “Unofanira kutaurira vaIsiraeri kuti, ‘Tenzi, Mwari wamadzitateguru enyu, Mwari waAbhurahamu, Mwari waIsaki, Mwari waJakobho andituma kwamuri.’ Iri ndiro zita rangu narini narini. Zvizvarwa zvenyu zvose zvichandidaidza nezita irori. “Enda undokokorodza vakuru vakuru vevaIsiraeri uvati, ‘Tenzi Mwari wamadzibaba enyu, Mwari waAbhurahamu naIsaki naJakobho, akazviratidza kwandiri. Akati ndakakushanyirai ndikaongorora zvose zvamuri kuitwa navaIjipiti.’ Ndinotsidza kuti, ‘Ndichakuburitsai muIjipiti mamuri muuranda ndichikuendesai kunyika yakanaka inoerera mukaka nouchi, kunyika yavaKanani navaHiti navaAmori navaPerizi navaHivhi navaJebhusi.’ “VaIsiraeri vachateerera zvaunoreva. Iwe navakuru vakuru vevaIsiraeri mozoenda kuna mambo weIjipiti, mundoti, ‘Tenzi, Mwari wavaHebheru, akasangana nesu. Saka tinokumbira kuti mutibvumirewo kufamba rwendo rwamazuva matatu murenje, kundopira Tenzi, Mwari wedu mupiro.’ Ndinoziva zvangu kuti mambo weIjipiti haakubvumirei kuti muende, kusatoti aita zvokumanikidzwa. Naizvozvo ini noruoko rwangu ndichatoita zvokushandisa simba ndichirova Ijipiti namanenji ose andichaita mukati mavo. Mambo ndopaachazobvuma kuti muende zvenyu. “Ndichaita kuti vaIjipiti vakuitirei zvakanaka, nokudaro pamunozoenda, hamuzoendi musina chamunacho. Ipapo mudzimai mumwe nomumwe ngaakumbire zvishongo zvesirivha nezvendarama nehanzu apiwe nomudzimai wechiIjipiti waanogarisana naye mumba kana pamana, apfekedze vana vake vose zvinhu izvozvo. Ndiko kupamba kwamuchaita upfumi hwevaIjipiti.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ekisodho 3

Ekisodho 3:1-22 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino Mosesi wakaŋga acifudza makwai aJetero, mukarabga wake, muprista weMidiani; akaisa makwai mberi murenje, akaȿika kugomo raMŋari rinonzi Horebi. Ipapo mutumŋa waJehova akaɀiratidza kwaari mumuraɀo womŋoto pakati pegwenzi; akatarira, akaʋona gwenzi ricipfuta nomŋoto, asi rakaŋga risiŋgatȿi. Mosesi akati: Regai, nditsaukire ndiʋone cishamiso ico cikuru, kuti gwenzi haritȿi neiko. Ɀino Jehova wakati aciʋona kuti wotsaukira kuti aʋone, Mŋari akaɗana ari mukati megwenzi, akati: Mosesi, Mosesi! Iye akati: Ndiri pano haŋgu. Akati: Usasweɗera pano; bvisa shaŋgu dzako patsoka dzako, nokuti paumire patȿene. Akati ʋo: Ndini Mŋari waɓaɓa ʋako, naMŋari waAbrahama, naMŋari waIsaka, naMŋari waJakobo. Mosesi akaʋanza ciso cake, nokuti wakatya kutarira Mŋari. Ɀino Mŋari akati: Ɀirokwaɀo, ndakaʋona kunetswa kwaʋanhu ʋaŋgu ʋari muEgipita, ndikanzwa kuɗanidzira kwaʋo nokuɗa kwaʋatariri ʋaʋo ʋamaɓasa; nokuti ndinoziʋa kucema kwaʋo; ndaɓuruka kuti ndiʋarwire mumaʋoko aʋaEgipita nokuʋaɓuɗisa munyika iyo, ndindoʋaisa kunyika yakanaka huru, kunyika inoyerera mukaka noʋuci; uko kunogara ʋaKanani, naʋaHeti, naʋaAmori, naʋaPerezi, naʋaHivi, naʋaJebusi. Ɀino tarira, kucema kwaʋana ʋaIsraeri kwakaȿika kwandiri, ndaʋona kutambudzwa kwaʋanotambudzwa nako naʋaEgipita. Naiɀoɀo ɀino ʋuya ndikutume kunaFarao, kuti undoɓuɗisa ʋanhu ʋaŋgu, ʋana ʋaIsraeri muEgipita. Ɀino Mosesi akati kunaMŋari: Ini ndini aniko, kuti ndiende kunaFarao, ndiɓuɗise ʋana ʋaIsraeri muEgipita here? Akati: Ɀirokwaɀo ndicaʋa newe; heci ciratidzo cokuti ndakutuma: Kana maɓuɗisa ʋanhu ʋaŋgu muEgipita, mucanamata Mŋari pagomo rino. Ipapo Mosesi akati kunaMŋari: Tarirai, kana ndikaȿika kuʋana ʋaIsraeri, ndikati kwaʋari: Mŋari wamadziɓaɓa enyu wakandituma kwamuri, iʋo ʋakati kwandiri: Ko zita rake ndiani? ndicatiyi kwaʋari? Mŋari akati kunaMosesi: NDICAƲA IYE WANDICAƲA. Akati: Undoti kuʋana ʋaIsraeri: NDICAƲA ndiye wakandituma kwamuri. Mŋari akati ʋo kunaMosesi: Undoti kuʋana ʋaIsraeri: Jehova, Mŋari wamadziɓaɓa enyu, Mŋari waAbrahama, naMŋari waIsaka, naMŋari waJakobo, wakandituma kwamuri; ndiro zita raŋgu nokusiŋgaperi, ndiro zita raʋacandiraŋgarira naro kuȿikira kumarudzi ose. Enda, undoʋuŋganidza ʋakuru ʋaIsraeri, uti kwaʋari: Jehova, Mŋari wamadziɓaɓa enyu, Mŋari waAbrahama, nowaIsaka, nowaJakobo, wakaɀiratidza kwandiri, akati: Ndakakushanyirai ɀirokwaɀo, ndikaʋona iɀo ɀamakaitirwa Egipita; ndikati: Ndicakuɓuɗisai pakunetswa kwenyu paEgipita, ndimuise kunyika yaʋaKanani, neyaʋaHeti, neyaʋaAmori, neyaʋaPerezi, neyaʋaHivi, neyaʋaJebusi, kunyika inoyerera mukaka noʋuci. Ʋacaterera inzwi rako; uende, iwe naʋakuru ʋaIsraeri, kunamambo weEgipita, muti kwaari: Jehova, Mŋari waʋaHeberu, wakasoŋgana nesu; ɀino titendere kuenda rwendo rwamazuʋa matatu murenje, tindoɓayira Jehova, Mŋari weɗu. Ndinoziʋa kuti mambo weEgipita haaŋgakutenderiyi kuenda, kwete, kunyaŋge noruʋoko runesimba. Ndicatambanudza ruʋoko rwaŋgu, ndiroʋe Egipita neɀishamiso ɀaŋgu ɀose, ɀandicaita’mo; pashure ucakutenderai kuenda. Ndicapa ʋanhu aʋa nyasha pamberi paʋaEgipita, kuti kana mucizoenda, murege kuenda musinecinhu. Asi mukadzi mumŋe nomumŋe unofanira kukumbira kunowaanogara naye, nokumutorwa unogara mumba make, ʋukomba bgesirveri nobgendarama, neŋguʋo, kuti mufukidze ʋanakomana ʋenyu naʋanasikana ʋenyu; munofanira kutorera ʋaEgipita nhumbi dzaʋo.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ekisodho 3

Ekisodho 3:1-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)