Eksodo 3
3
Mosesi unotumŋa kundosunuŋgura ʋaIsraeri.
1Ɀino Mosesi wakaŋga acifudza makwai aJetero, mukarabga wake, muprista weMidiani; akaisa makwai mberi murenje, akaȿika kugomo raMŋari rinonzi Horebi. 2Ipapo mutumŋa waJehova akaɀiratidza kwaari mumuraɀo womŋoto pakati pegwenzi; akatarira, akaʋona gwenzi ricipfuta nomŋoto, asi rakaŋga risiŋgatȿi. 3Mosesi akati: Regai, nditsaukire ndiʋone cishamiso ico cikuru, kuti gwenzi haritȿi neiko. 4Ɀino Jehova wakati aciʋona kuti wotsaukira kuti aʋone, Mŋari akaɗana ari mukati megwenzi, akati: Mosesi, Mosesi! Iye akati: Ndiri pano haŋgu. 5Akati: Usasweɗera pano; bvisa shaŋgu dzako patsoka dzako, nokuti paumire patȿene. 6Akati ʋo: Ndini Mŋari waɓaɓa ʋako, naMŋari waAbrahama, naMŋari waIsaka, naMŋari waJakobo. Mosesi akaʋanza ciso cake, nokuti wakatya kutarira Mŋari. 7Ɀino Mŋari akati: Ɀirokwaɀo, ndakaʋona kunetswa kwaʋanhu ʋaŋgu ʋari muEgipita, ndikanzwa kuɗanidzira kwaʋo nokuɗa kwaʋatariri ʋaʋo ʋamaɓasa; nokuti ndinoziʋa kucema kwaʋo; 8ndaɓuruka kuti ndiʋarwire mumaʋoko aʋaEgipita nokuʋaɓuɗisa munyika iyo, ndindoʋaisa kunyika yakanaka huru, kunyika inoyerera mukaka noʋuci; uko kunogara ʋaKanani, naʋaHeti, naʋaAmori, naʋaPerezi, naʋaHivi, naʋaJebusi. 9Ɀino tarira, kucema kwaʋana ʋaIsraeri kwakaȿika kwandiri, ndaʋona kutambudzwa kwaʋanotambudzwa nako naʋaEgipita. 10Naiɀoɀo ɀino ʋuya ndikutume kunaFarao, kuti undoɓuɗisa ʋanhu ʋaŋgu, ʋana ʋaIsraeri muEgipita. 11Ɀino Mosesi akati kunaMŋari: Ini ndini aniko, kuti ndiende kunaFarao, ndiɓuɗise ʋana ʋaIsraeri muEgipita here? 12Akati: Ɀirokwaɀo ndicaʋa newe; heci ciratidzo cokuti ndakutuma: Kana maɓuɗisa ʋanhu ʋaŋgu muEgipita, mucanamata Mŋari pagomo rino. 13Ipapo Mosesi akati kunaMŋari: Tarirai, kana ndikaȿika kuʋana ʋaIsraeri, ndikati kwaʋari: Mŋari wamadziɓaɓa enyu wakandituma kwamuri, iʋo ʋakati kwandiri: Ko zita rake ndiani? ndicatiyi kwaʋari? 14Mŋari akati kunaMosesi: NDICAƲA IYE WANDICAƲA. Akati: Undoti kuʋana ʋaIsraeri: NDICAƲA ndiye wakandituma kwamuri. 15Mŋari akati ʋo kunaMosesi: Undoti kuʋana ʋaIsraeri: Jehova, Mŋari wamadziɓaɓa enyu, Mŋari waAbrahama, naMŋari waIsaka, naMŋari waJakobo, wakandituma kwamuri; ndiro zita raŋgu nokusiŋgaperi, ndiro zita raʋacandiraŋgarira naro kuȿikira kumarudzi ose. 16Enda, undoʋuŋganidza ʋakuru ʋaIsraeri, uti kwaʋari: Jehova, Mŋari wamadziɓaɓa enyu, Mŋari waAbrahama, nowaIsaka, nowaJakobo, wakaɀiratidza kwandiri, akati: Ndakakushanyirai ɀirokwaɀo, ndikaʋona iɀo ɀamakaitirwa Egipita; 17ndikati: Ndicakuɓuɗisai pakunetswa kwenyu paEgipita, ndimuise kunyika yaʋaKanani, neyaʋaHeti, neyaʋaAmori, neyaʋaPerezi, neyaʋaHivi, neyaʋaJebusi, kunyika inoyerera mukaka noʋuci. 18Ʋacaterera inzwi rako; uende, iwe naʋakuru ʋaIsraeri, kunamambo weEgipita, muti kwaari: Jehova, Mŋari waʋaHeberu, wakasoŋgana nesu; ɀino titendere kuenda rwendo rwamazuʋa matatu murenje, tindoɓayira Jehova, Mŋari weɗu. 19Ndinoziʋa kuti mambo weEgipita haaŋgakutenderiyi kuenda, kwete, kunyaŋge noruʋoko runesimba. 20Ndicatambanudza ruʋoko rwaŋgu, ndiroʋe Egipita neɀishamiso ɀaŋgu ɀose, ɀandicaita’mo; pashure ucakutenderai kuenda. 21Ndicapa ʋanhu aʋa nyasha pamberi paʋaEgipita, kuti kana mucizoenda, murege kuenda musinecinhu. 22Asi mukadzi mumŋe nomumŋe unofanira kukumbira kunowaanogara naye, nokumutorwa unogara mumba make, ʋukomba bgesirveri nobgendarama, neŋguʋo, kuti mufukidze ʋanakomana ʋenyu naʋanasikana ʋenyu; munofanira kutorera ʋaEgipita nhumbi dzaʋo.
Zvasarudzwa nguva ino
Eksodo 3: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018