Mosesi aifudza hwai nembudzi dzavatezvara vake vainzi vaJetero vaiva mupristi wokuMidhiani. Rimwe zuva Mosesi akaenda nezvipfuwo izvozvo kumadokero kwerenje akandosvika kugomo raMwari rinonzi Horebhu. Ipapo mutumwa waTenzi akazviratidza ari murimi romoto raiva mugwenzi. Mosesi akatarira akaona kuti gwenzi raibvira moto, asi rakanga risingaroti. Mosesi ndokuti, “Regai ndiendepo ndione chishamiso chikuru chakadai chokuti seiko gwenzi richibvira moto asi risingabva rarota.”
Tenzi paakaona kuti Mosesi ari kuswederapo kuzoona, Mwari akadaidzira kwaari ari mugwenzi iroro achiti, “Mosesi! Mosesi!” Iye akati, “Ndiri pano!”
Mwari ndokuti, “Rega kuswedera pedyo. Chitobvisa shangu dzako nokuti paumire ipapo inzvimbo inoera. Ndini Mwari wamadzitateguru ako. Ndini Mwari waAbhurahamu, ndini Mwari waIsaki, ndini Mwari waJakobho.” Mosesi akabva afukidza chiso chake achitya kutarisa Mwari.
Tenzi ndokuti, “Ndanyatsoona kutambudzwa kwavanhu vangu vari muIjipiti. Ndanzwa kuchema kwavo nokuti vari kuoneswa nhamo navanhu vari kuvashandisa. Ndinoziva nhamo dzavo dzose. Zvino ndaburuka kuzovanunura mumaoko evaIjipiti. Ndichavabvisa muIjipiti ndichindovaisa kunyika huru yakanaka, nyika yomukaka nouchi, kunyika yavaKanani navaHiti navaAmori navaPerizi navaHivhi navaJebhusi. Zvino chinzwa, kuchema kwevaIsiraeri ndakunzwa, uye ndaona kutambudzwa kwavari kuitwa navaIjipiti. Saka zvino chiuya ndikutume kuna Farao, kundoburitsa vanhu vangu vaIsiraeri muIjipiti.”
Asi Mosesi akati kuna Mwari, “Pangu pano! Ndiri aniwo zvangu ndingabva ndaenda kuna Farao kundoburitsa vaIsiraeri muIjipiti?”
Mwari akati, “Ini ndichava newe. Hechino chiratidzo chinoratidza kuti ndini ndakutuma. Kana wandoburitsa vanhu vangu muIjipiti, muchauya monamateni Mwari pano pagomo rino irori.”
Mosesi ndokuti kuna Mwari, “Hongu kuenda kuvaIsiraeri ndingaende zvangu ndichisvikovaudza kuti Mwari wamadzibaba enyu andituma kwamuri. Ko vakandibvunza kuti, ‘Zita raMwari iyeyo ndiani?’ Ndichavapindura ndichiti kudii?”
Mwari akapindura Mosesi achiti, “Ndiri iye wandiri. Unofanira kutaurira vaIsiraeri kuti, ndiri ndiye andituma kwamuri.”
Mwari akataurirazve Mosesi achiti, “Unofanira kutaurira vaIsiraeri kuti, ‘Tenzi, Mwari wamadzitateguru enyu, Mwari waAbhurahamu, Mwari waIsaki, Mwari waJakobho andituma kwamuri.’ Iri ndiro zita rangu narini narini. Zvizvarwa zvenyu zvose zvichandidaidza nezita irori.
“Enda undokokorodza vakuru vakuru vevaIsiraeri uvati, ‘Tenzi Mwari wamadzibaba enyu, Mwari waAbhurahamu naIsaki naJakobho, akazviratidza kwandiri. Akati ndakakushanyirai ndikaongorora zvose zvamuri kuitwa navaIjipiti.’ Ndinotsidza kuti, ‘Ndichakuburitsai muIjipiti mamuri muuranda ndichikuendesai kunyika yakanaka inoerera mukaka nouchi, kunyika yavaKanani navaHiti navaAmori navaPerizi navaHivhi navaJebhusi.’
“VaIsiraeri vachateerera zvaunoreva. Iwe navakuru vakuru vevaIsiraeri mozoenda kuna mambo weIjipiti, mundoti, ‘Tenzi, Mwari wavaHebheru, akasangana nesu. Saka tinokumbira kuti mutibvumirewo kufamba rwendo rwamazuva matatu murenje, kundopira Tenzi, Mwari wedu mupiro.’ Ndinoziva zvangu kuti mambo weIjipiti haakubvumirei kuti muende, kusatoti aita zvokumanikidzwa. Naizvozvo ini noruoko rwangu ndichatoita zvokushandisa simba ndichirova Ijipiti namanenji ose andichaita mukati mavo. Mambo ndopaachazobvuma kuti muende zvenyu.
“Ndichaita kuti vaIjipiti vakuitirei zvakanaka, nokudaro pamunozoenda, hamuzoendi musina chamunacho. Ipapo mudzimai mumwe nomumwe ngaakumbire zvishongo zvesirivha nezvendarama nehanzu apiwe nomudzimai wechiIjipiti waanogarisana naye mumba kana pamana, apfekedze vana vake vose zvinhu izvozvo. Ndiko kupamba kwamuchaita upfumi hwevaIjipiti.”