Ekisodho 21:1-21
Ekisodho 21:1-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Iyi ndiyo mirayiro yaunofanira kumisa pamberi pavo: “Kana ukatenga muranda wechiHebheru, anofanira kukushandira kwamakore matanhatu. Asi mugore rechinomwe, anofanira kusunungurwa aende, asina chinhu chaanoripa. Kana akauya ari oga, anofanira kusunungurwa aende ari oga; asi kana ano mukadzi pakuuya kwake, anofanira kuenda nomukadzi wake. Kana tenzi wake akamupa mukadzi uye akamuberekera vanakomana kana vanasikana, mukadzi navana vake vachava vatenzi wake, uye murume chete ndiye achasunungurwa kuti aende hake. “Asi muranda akati, ‘Ndinoda tenzi wangu, mukadzi wangu navana vangu asi handisi kuda kusunungurwa,’ ipapo tenzi wake anofanira kuenda naye pamberi pavatongi. Achaenda naye pamukova kana pagwatidziro romukova agomuboora nzeve yake norunji. Ipapo achava muranda wake kwoupenyu hwake hwose. “Kana munhu akatengesa mwanasikana wake kuti ave murandakadzi, iyeye haafaniri kusunungurwa kuti aende sezvinoita varandarume. Kana asingafadzi tenzi akamusarudza kuti ave wake, anofanira kumurega kuti adzikinurwe. Haana mvumo yokumutengesa kuvatorwa, nokuti aputsa chitenderano naye. Kana akamusarudzira mwanakomana wake, anofanira kumupa kodzero dzomwanasikana. Kana akawana mumwe mukadzi, haafaniri kunyima mukadzi wokutanga zvokudya, nguo kana kodzero dzake dzokuwanikwa. Kana asingamupi zvinhu zvitatu izvi, anofanira kuenda akasununguka pasina kana mari yaanoripa. “Ani naani anorova munhu uye akamuuraya, zvirokwazvo naiye achaurayiwa. Kunyange zvakadaro hazvo, kana asingazviiti nobwoni, asi Mwari atendera kuti zviitike, iye anofanira kutizira kunzvimbo yandichatsaura. Asi kana munhu akaronga uye akauraya mumwe munhu nobwoni, mumubvise paaritari yangu uye mumuuraye. “Ani naani anorova baba vake kana mai vake anofanira kuurayiwa. “Ani naani anoba mumwe munhu uye akamutengesa kana kuti akawanikwa achinaye paanenge abatwa, anofanira kuurayiwa. “Ani naani anotuka baba vake kana mai vake anofanira kuurayiwa. “Kana vanhu vakakakavadzana uye mumwe akarova mumwe nebwe kana nechibhakera chake uye akasafa asi akavata panhoo, munhu arova haazobatwi nemhosva kana mumwe wacho akamuka akafamba-famba kunze nomudonzvo wake; kunyange zvakadaro hazvo, anofanira kuripa munhu akakuvara nokuda kwokurasikirwa kwake nenguva yake uye aone kuti apora zvachose. “Kana munhu akarova murandarume wake kana murandakadzi netsvimbo uye muranda akafa nokuda kwokurohwa, anofanira kurangwa, asi haafaniri kurangwa kana muranda akamuka shure kwezuva rimwe chete kana maviri, sezvo muranda ari mudziyo wake.
Ekisodho 21:1-21 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino ndiyo mirairo yaunofanira kuisa pamberi pavo: Kana ukatenga muranda muHebheru, ngaakubatire makore matanhatu; asi nerechinomwe anofanira kubuda hake asina chaanoripa. Kana achipinda ari oga, anofanira kubuda ari oga; kana ano mukadzi, mukadzi wake anofanira kubuda naye. Kana tenzi wake akamupa mukadzi, iye akamuberekera vanakomana navanasikana, mukadzi navana vake vanofanira kuva vatenzi wake, asi iye anofanira kubuda ari oga. Asi kana iye muranda akati, “Ndinoda tenzi wangu nomukadzi wangu navana vangu, handidi kubuda hangu”; zvino tenzi wake anofanira kumuisa kuna Mwari, nokumuisa kumukova, kana kugwatidziro romukova; ipapo tenzi wake anofanira kumuurura nzeve yake norunji; zvino anofanira kumubatira nokusingaperi. Kana munhu akatengesa mukunda wake kuti ave murandakadzi, iye haafaniri kubuda savaranda varume. Kana asingafadzi tenzi wake, akafunga kumuwana amene, anofanira kutendera kuti adzikinurwe; haangavi nesimba rokumutengesa kuvatorwa, nokuti amunyengedzera. Kana akamuwanisa nomwanakomana wake, anofanira kumuitira nenzira yavakunda. Kana akazowana mumwe mukadzi, haafaniri kutapudza zvokudya zvake, kana nguo dzake, kana zvaanofanirwa nazvo pakuwanikwa. Kana akasamuitira zvinhu izvi zvitatu, anofanira kubuda hake asingaripi chinhu, asingaripi mari. Anorova munhu, akafa, zvirokwazvo iye anofanira kuurawa. Asi kana munhu asina kumuvandira, asi Mwari achinge atendera kuti awire muruoko rwake, ndichakutarira nzvimbo kwaangatizira. Kana munhu akaita nobwoni kuno wokwake, akamuuraya nokunyengedzera, iwe unofanira kumubvisa paatari yangu afe. Anorova baba vake kana mai vake, zvirokwazvo anofanira kuurawa. Anoba munhu, akamutengesa, kana zvimwe akawanikwa ari muruoko rwake, zvirokwazvo anofanira kuurawa. Anotuka baba vake kana mai vake, zvirokwazvo anofanira kuurawa. Kana vanhu vakaita nharo, mumwe akarova mumwe nebwe, kana netsiva, akasafa, asi akavata panhoo; kana akazomukazve, akafamba panze achidonzva, akamurova haangavi nemhosva, asi anofanira kuripira nguva yaakarasikirwa nayo, uye anofanira kumurapisa kusvikira apora kwazvo. Kana munhu akarova muranda wake kana murandakadzi wake neshamhu, akafira paruoko rwake, zvirokwazvo anofanira kutsiviwa. Asi kana akararama zuva rimwe kana maviri, haafaniri kutsiviwa; nokuti iye imari yake.
Ekisodho 21:1-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Iyi ndiyo mitemo yaunofanira kundopa vaIsiraeri. Kana uchinge watenga muranda wechiHebheru, ngaakushandire kwamakore matanhatu. Asi mugore rechinomwe, muranda iyeyo murege aende zvake pasina chaanoripa. Kana munhu akatengwa achingova iye oga ngaaende zvake ari oga, asi kana akatengwa aine mudzimai ngaaende pamwechete nomudzimai wake. Kana tenzi wake akamupa mukadzi, mukadzi iyeyo akabereka vana vakomana navanasikana, mukadzi iyeyo navana vake vanofanira kupiwa kuna vatenzi vomudzimai iyeyo, murume uya oenda zvake ari oga. Asi kana muranda akatengwa wacho akati, ‘Ini ndinoda tenzi wangu, ndinodawo mudzimai wangu navana, musandisunungure zvenyu kuti ndiende, pakadaro, tenzi wake ngaauye naye kuna Mwari, amumise negwatidziro romusuo, atore mutsunda amuboore nzeve yake, achava muranda watenzi wake upenyu hwake hwose.’ “Kana munhu akatengesa mwanasikana wake kuti ave muranda, haazosunungurwa muuranda sezvinoitwa munhurume. Kana murume iyeyu akamutengera kuroora asisamudi, ngaamurege achidzikinurwa pamusana pokuti haana mvumo yokumutengesa kuvatorwa nokuti haana kuvimbika kwaari. Kana murume akamutengera kupa mwanakomana wake, ngaamuitire zvaangaitire mwanasikana wake. Kana akatora mumwe mukadzi ngaarambe achipa mukadzi wake zvaanga achimupa zvezvokudya nezvokupfeka, aregewo kushomekesa mazuva aaipinda naye mumba. Kana akarega kumuitira zvinhu zvitatu izvozvi, mukadzi iyeyo ngaaende zvake pasina mari inoripwa. “Ani naani zvake anorova munhu zvokumuuraya, ngaaurayiwewo. Asi kana akauraya munhu asina kuita zvokumuhwandira, zvangoitikawo iri tsaona, ngaatize andopotera kunzvimbo yandichasarudza kwaasingazourayiwa. Asi kana munhu akaita maune okuvirukira mumwe nehasha, akamuuraya noujarijari, mutorei paatari yangu paanenge andopotera ipapo aurayiwe. “Ani naani zvake anorova baba vake kana amai vake, anofanira kutofa. “Ani naani zvake anoba munhu achimutengesa, kana kuwanikwa ainaye, anofanira kuuraiwa. “Ani naani zvake anoti rushambwa ngaruwire baba vake kana amai vake, anofanira kuuraiwa. “Ngatiti vanhu vaviri vaitirana nharo, mumwe ozomutema mumwe nedombo kana kuti nechibhakera, nyakurohwa orega kufa, asi ongosara achirwara, ozoita nani okwanisawo kutora mudonzvo achifamba zvake panze, nyakurova mumwe anenge asisapiwi mhosva, asi anosungirwa kuripa waakarova nguva yaakarasikirwa nayo achirwara, uyewo amurapise kusvikira apora. “Kana munhu akatora mubhadha akarova muranda wake wechirume kana kuti wechikadzi muranda achibva afa pakarepo, munhu iyeyo ngaarangwe. Asi kana muranda iyeyo akazorarama zuva rimwechete kana maviri zvawo, tenzi wake haazorangwa nokuti muranda wacho anenge ari wake.
Ekisodho 21:1-21 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ndiyo mirairo yaunofanira kuisa pamberi paʋo: Kana ukateŋga muranda muHeberu, ŋgaakuɓatire makore matanhatu; asi nerecinomŋe unofanira kuɓuɗa hake asina‐caanoripa. Kana acipinda ari oga, unofanira kuɓuɗa ari oga; kana anomukadzi, mukadzi wake unofanira kuɓuɗa naye. Kana tenzi wake akamupa mukadzi, iye akamuɓerekera ʋanakomana naʋanasikana, mukadzi naʋana ʋake ʋanofanira kuʋa ʋatenzi wake, asi iye unofanira kuɓuɗa ari oga. Asi kana iye muranda akati: Ndinoɗa tenzi waŋgu nomukadzi waŋgu naʋana ʋaŋgu, handiɗi kuɓuɗa haŋgu; ɀino tenzi wake unofanira kumuisa kunaMŋari, ndokumuisa kumukoʋa, kana kugwatidziro romukoʋa; ipapo tenzi wake unofanira kumuʋurura nzeʋe yake norunji; ɀino unofanira kumuɓatira nokusiŋgaperi. Kana munhu akateŋgesa mukunda wake kuti aʋe murandakadzi, iye haafaniri kuɓuɗa saʋaranda ʋarume. Kana asiŋgafadzi tenzi wake, wakafuŋga kumuwana amene, unofanira kutendera kuti adzikinurwe; haaŋgaʋi nesimba rokumuteŋgesa kuʋatorwa, nokuti wamunyeŋgedzera. Kana akamuwanisa nomŋanakomana wake, unofanira kumuitira nenzira yaʋakunda. Kana akazowana mumŋe mukadzi, haafaniri kutapudza ɀokudya ɀake, kana ŋguʋo dzake, kana ɀaanofanirwa naɀo pakuwanikwa. Kana akasamuitira ɀinhu iɀi ɀitatu, unofanira kuɓuɗa hake asiŋgaripi cinhu, asiŋgaripi mari. Unoroʋa munhu, akafa, ɀirokwaɀo iye unofanira kuʋurawa. Asi kana munhu asina‐kumuʋandira, asi Mŋari aciŋge atendera kuti awire muruʋoko rwake, ndicakutarira nɀimbo kwaaŋgatizira. Kana munhu akaita nobgoni kunowokwake, akamuʋuraya nokunyeŋgedzera, iwe unofanira kumubvisa paartari yaŋgu afe. Unoroʋa ɓaɓa ʋake kana mai ʋake, ɀirokwaɀo unofanira kuʋurawa Unoɓa munhu, akamuteŋgesa, kana ɀimŋe akawanikwa ari muruʋoko rwake, ɀirokwaɀo unofanira kuʋurawa. Unotuka ɓaɓa ʋake kana mai ʋake, ɀirokwaɀo unofanira kuʋurawa. Kana ʋanhu ʋakaita nharo, mumŋe akaroʋa mumŋe nebge, kana netsiʋa, akasafa, asi akaʋata panhoʋo; kana akazomuka ɀe, akafamba panze aciɗonɀa, wakamuroʋa haaŋgaʋi nemhoȿa, asi unofanira kuripira ŋguʋa yaakarashikirwa nayo, ʋuye unofanira kumurapisa kuȿikira apora kwaɀo. Kana munhu akaroʋa muranda wake kana murandakadzi wake neshamhu, akafira paruʋoko rwake, ɀirokwaɀo unofanira kutsibga. Asi kana akararama zuʋa rimŋe kana maʋiri, haafaniri kutsibga; nokuti iye imari yake.
Ekisodho 21:1-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)