Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Kubuda 21:1-21

Kubuda 21:1-21 SCLBD

“Iyi ndiyo mitemo yaunofanira kundopa vaIsiraeri. Kana uchinge watenga muranda wechiHebheru, ngaakushandire kwamakore matanhatu. Asi mugore rechinomwe, muranda iyeyo murege aende zvake pasina chaanoripa. Kana munhu akatengwa achingova iye oga ngaaende zvake ari oga, asi kana akatengwa aine mudzimai ngaaende pamwechete nomudzimai wake. Kana tenzi wake akamupa mukadzi, mukadzi iyeyo akabereka vana vakomana navanasikana, mukadzi iyeyo navana vake vanofanira kupiwa kuna vatenzi vomudzimai iyeyo, murume uya oenda zvake ari oga. Asi kana muranda akatengwa wacho akati, ‘Ini ndinoda tenzi wangu, ndinodawo mudzimai wangu navana, musandisunungure zvenyu kuti ndiende, pakadaro, tenzi wake ngaauye naye kuna Mwari, amumise negwatidziro romusuo, atore mutsunda amuboore nzeve yake, achava muranda watenzi wake upenyu hwake hwose.’ “Kana munhu akatengesa mwanasikana wake kuti ave muranda, haazosunungurwa muuranda sezvinoitwa munhurume. Kana murume iyeyu akamutengera kuroora asisamudi, ngaamurege achidzikinurwa pamusana pokuti haana mvumo yokumutengesa kuvatorwa nokuti haana kuvimbika kwaari. Kana murume akamutengera kupa mwanakomana wake, ngaamuitire zvaangaitire mwanasikana wake. Kana akatora mumwe mukadzi ngaarambe achipa mukadzi wake zvaanga achimupa zvezvokudya nezvokupfeka, aregewo kushomekesa mazuva aaipinda naye mumba. Kana akarega kumuitira zvinhu zvitatu izvozvi, mukadzi iyeyo ngaaende zvake pasina mari inoripwa. “Ani naani zvake anorova munhu zvokumuuraya, ngaaurayiwewo. Asi kana akauraya munhu asina kuita zvokumuhwandira, zvangoitikawo iri tsaona, ngaatize andopotera kunzvimbo yandichasarudza kwaasingazourayiwa. Asi kana munhu akaita maune okuvirukira mumwe nehasha, akamuuraya noujarijari, mutorei paatari yangu paanenge andopotera ipapo aurayiwe. “Ani naani zvake anorova baba vake kana amai vake, anofanira kutofa. “Ani naani zvake anoba munhu achimutengesa, kana kuwanikwa ainaye, anofanira kuuraiwa. “Ani naani zvake anoti rushambwa ngaruwire baba vake kana amai vake, anofanira kuuraiwa. “Ngatiti vanhu vaviri vaitirana nharo, mumwe ozomutema mumwe nedombo kana kuti nechibhakera, nyakurohwa orega kufa, asi ongosara achirwara, ozoita nani okwanisawo kutora mudonzvo achifamba zvake panze, nyakurova mumwe anenge asisapiwi mhosva, asi anosungirwa kuripa waakarova nguva yaakarasikirwa nayo achirwara, uyewo amurapise kusvikira apora. “Kana munhu akatora mubhadha akarova muranda wake wechirume kana kuti wechikadzi muranda achibva afa pakarepo, munhu iyeyo ngaarangwe. Asi kana muranda iyeyo akazorarama zuva rimwechete kana maviri zvawo, tenzi wake haazorangwa nokuti muranda wacho anenge ari wake.

Verenga chikamu Kubuda 21