Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ekisodho 18:1-27

Ekisodho 18:1-27 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Zvino Jeturo, muprista weMidhiani uye ari tezvara waMozisi, akanzwa zvinhu zvose zvakaitirwa Mozisi naMwari uye nokuvanhu vake vaIsraeri, uye kuti Jehovha akanga abudisa vaIsraeri sei kubva muIjipiti. Shure kwokunge Mozisi adzosera Zipora mukadzi wake, tezvara wake Jeturo akagamuchira Zipora navanakomana vake vaviri. Mumwe mwanakomana akatumidzwa kunzi Gerishomi nokuti akati, “Ndava mutorwa munyika yavamwe;” uye mumwe akatumidzwa kunzi Eriezeri, nokuti akati, “Mwari wababa vangu akanga ari mubatsiri wangu; akandiponesa kubva pamunondo waFaro.” Jeturo, tezvara waMozisi, pamwe chete navanakomana vaMozisi nomukadzi wake, vakauya kwaari kurenje, kwaakanga akadzika musasa pedyo negomo raMwari. Jeturo akanga atumira shoko kwaari achiti, “Ini, tezvara wako Jeturo, ndiri kuuya kwauri nomukadzi wako navanakomana vako vaviri.” Saka Mozisi akabuda kundochingamidza tezvara vake uye akakotama pasi akamutsvoda. Vakakwazisana ndokubva vapinda mutende. Mozisi akataurira tezvara wake zvinhu zvose zvakaitwa naJehovha kuna Faro nokuvaIjipita nokuda kwavaIsraeri, uyewo nokutambudzika kwavakasangana nako munzira, uye kuti Jehovha akavaponesa sei. Jeturo akafara kunzwa nezvezvinhu zvose zvakanaka zvakaitirwa vaIsraeri naJehovha, mukuvanunura kubva muruoko rwavaIjipita. Akati, “Jehovha ngaarumbidzwe, iye akakununura kubva muruoko rwavaIjipita norwaFaro, uye iye akanunura vanhu kubva muruoko rwavaIjipita. Zvino ndava kuziva kuti Jehovha mukuru kupfuura vamwe vamwari vose, nokuti akaita izvi kuna avo vakabata vaIsraeri nokuzvikudza.” Ipapo Jeturo, tezvara waMozisi, akauya nechipiriso chinopiswa nezvimwewo zvibayiro kuna Mwari, uye Aroni akauya navakuru vose veIsraeri kuti vazodya chingwa pamwe chete natezvara waMozisi pamberi paMwari. Fume mangwana, Mozisi akagara pachigaro chake kuti ashande somutongi wavanhu, uye ivo vakamira vakamupoteredza kubva mangwanani kusvikira madekwana. Tezvara wake akati aona zvose zvakanga zvichiitwa naMozisi kuvanhu, akati, “Chiiko ichi chauri kuitira vanhu? Seiko iwe uchitonga uri woga, asi vanhu vose ava vamire vakakupoteredza kubva mangwanani kusvikira madekwana?” Mozisi akamupindura akati, “Nokuti vanhu vanouya kwandiri kuzotsvaka kuda kwaMwari. Pose pavanouya negakava vanouya kwandiri, uye ini ndotonga pakati pavo uye ndovazivisa mitemo nemirayiro yaMwari.” Tezvara waMozisi akapindura akati, “Zvauri kuita hazvina kunaka. Iwe navanhu ava vanouya kwauri muchangozvinetesa chete. Basa iri rinorema kwazvo kwauri; haungagoni kuriita uri woga. Nditeerere iye zvino ndigokupa zano, uye Mwari ngaave newe. Unofanira kuva mumiririri wavanhu pamberi paMwari uye ugouyisa magakava avo kwaari. Uvadzidzise mitemo nemirayiro, ugovaratidza nzira yokurarama namabasa avanofanira kuita. Asi sarudza varume vanokwanisa kubva pakati pavanhu vose, varume vanotya Mwari, varume vakatendeka vanovenga fufuro, ugovagadza samachinda pamusoro pezviuru, pamusoro pamazana, pamusoro pamakumi mashanu napamusoro pegumi. Uvaite kuti vashande savatongi vavanhu panguva dzose, asi uvaite kuti vauye kwauri nenyaya dzose dzakaoma; nyaya dzakareruka ngavatonge ivo pachavo. Izvozvo zvicharerutsa mutoro wako, nokuti vanenge vachigovana newe. Kana uchiita izvi uye Mwari achikurayira, uchagona kutakura mutoro uyu, uye vanhu vose ava vachaenda kudzimba vagutsikana.” Mozisi akateerera tezvara wake akaita zvinhu zvose zvaakareva. Akasarudza varume vaikwanisa kubva pakati pavaIsraeri vose akavaita vatungamiriri vavanhu, akavaita vabati vezviuru, vabati vamazana, vabati vamakumi mashanu, navabati vegumi. Vakashanda savatongi vavanhu nguva dzose. Mhaka dzakaoma ndidzo dzavakauya nadzo kuna Mozisi, asi dzakareruka ndivo vaitonga ivo pachavo. Ipapo Mozisi akatendera tezvara vake kuti vaende havo, uye Jeturo akadzokera kunyika yake.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ekisodho 18

Ekisodho 18:1-27 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)

Vatezvara vaMosesi vainzi Jetero, aiva mupristi wokuMidhiani akanzwa zvose zvakaitwa naTenzi kuna Mosesi navaIsiraeri paakavaburitsa muIjipiti. Vatezvara vaMosesi, vaJetero vakagamuchira zvavo Zipora mudzimai waMosesi akanga ambodzorerwa kumusha pamwechete navanakomana vake vaviri. Mumwe ainzi Gerishomu nokuti Mosesi aiti, “Ndiri mutorwa munyika yavamwe.” Mumwe ainzi Eriezero, nokuti aiti, “Mwari wababa vangu ndiye akava mubatsiri wangu, akandinunura kuna Farao akasandiuraya.” Vatezvara vaMosesi, vaJetero, nomudzimai waMosesi navana vake vaviri vakaenda kurenje kwaiva naMosesi kugomo raMwari pavakanga vakadzika matendhe. Jetero akanga afanotuma shoko kuna Mosesi rokuti, “Ini, vatezvara vako, ndiri kuuyako nomudzimai wako navanakomana vake vaviri.” Mosesi akandochingura vatezvara vake akavakwazisa achivaremekedza kwazvo akavatsvoda. Vakabvunzana mufaro vakapinda zvavo mutendhe. Mosesi akarondedzera vatezvara vake zvose zvakanga zvaitwa naTenzi achirwadzisa Farao navaIjipiti pamusana pevaIsiraeri. Akaudzawo vatezvara vake nezvamatambudziko ose avakaona murwendo rwavo nezvakaitwa naTenzi achivanunura. Jetero akafara kwazvo paakanzwa zvinhu zvose zvakanaka zvakaitirwa vaIsiraeri naTenzi paakavanunura mumaoko avaIjipiti. Jetero akati, “Tenzi ngaarumbidzwe akakununurai mumaoko avaIjipiti nomumaoko aFarao, akanunura vanhu mumaoko evaIjipiti. Zvino ndazoziva kuti Tenzi ndiye mukuru kudarika vamwari vose zvavo nokuti akanunura vanhu kuvaIjipiti pavaizvikudza zvikuru vachivatambudza.” Ipapo vatezvara vaMosesi vaJetero vakapira Mwari chibayiro chinopiswa vakapirawo mimwe mipiro. Aroni navakuru vakuru vose vavaIsiraeri vakauya kuzodya pamwechete navatezvara vaMosesi ipapo pana Mwari. Ava mangwana Mosesi akagara padare achitonga mhosva dzevaIsiraeri. Vanhu vakaswera padare, kubvira mangwanani kudzamara manheru. Vatezvara vaMosesi vakaona mabatiro ose aaiita vanhu, vakati, “Ko ndicho chii chauri kuitira vanhu ichochi? Pamusana pei uriwe woga woga chete wokutonga mhosva dzavanhu uchiswedza vanhu vakangokumirira padare?” Mosesi akapindura vatezvara vake achiti, “Vanhu vanouya kwandiri vachida kuziva kuti Mwari anoti kudii pamhosva dzavo, kana vanhu vatadzirana, vakauya kwandiri ndinovatonganisa mhosva yavo ndichivaudza mitemo nemirao yaMwari.” Vatezvara vake vakamuti, “Zvauri kuita izvozvi hazvina kunaka. Iwe uchazviuraya nebasa, uchitambudzisawo vanhu vanouya kudare. Basa irori ibasa guru kwazvo haungariiti uri oga oga. Zvino chirega ndikupe zano, dai Mwari akakubatsira. Iwe chiva mumiriri wavaIsiraeri kuna Mwari, wokuturira mhosva dzavo kwaari, uvewo wokuvatsanangurira mitemo nemirao, uchivadzidzisa mugariro wakanaka nezvavanosungirwa kuita. Zvaungaitewo kusarudza mukati mavanhu ava varume vanoziva basa, vanotya Mwari. Vanofanira kuva varume vari pachokwadi, vanovenga zvepfumbamuromo, uvape basa rokutungamirira mapoka akasiyana-siyana avanhu. Vamwe vave vatungamiriri vamapoka anenge aine chiuru chavanhu, mukati macho vamwe vave vatungamiriri vetumapoka tunenge tuine zana ravanhu, tumwe tuine makumi mashanu, tumwewo tuine gumi ravanhu. Vatungamiriri ivavo ndivo vova vokutonga mhosva dzavanhu mazuva ose. Kana pazoita mhosva huru ndidzo dzavangauye nadzo kwauri, asi mhosva nduku dzose vachidzitonga ivo pachavo. Naizvozvo iwe ucharerukirwa nebasa nokuti vanenge votakudzana newe mutoro iwoyu. Dai kuri kuti Mwari anotiwo uite zvandareva, uchakwanisa kuita basa rako, vanhuwo ava vose vachadzokera kwavo vasingagunun'uni mumwoyo.” Mosesi akabvuma zano raakapiwa navatezvara vake akaita zvose zvavakareva. Mosesi akasarudza mukati mavaIsiraeri vose varume vanoziva basa. Akavapa basa rokutungamirira mapoka akasiyana-siyana. Vamwe akaita vatungamiriri vamapoka aiva nechiuru chavanhu. Mukati macho vamwe vachitungamirira mapoka ezana ravanhu, vamwe makumi mashanu, vamwewo gumi ravanhu. Ndivo vakazenge vava vokutonga mhosva dzavanhu mazuva ose. Mhosva dzainge dzanetsa ndidzo dzavaipira kuna Mosesi. Nduku dzose vaingotongawo ivo pachavo. Mosesi akaonekana navatezvara vake. Vatezvara ava vakadzokera kunyika kwavo.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ekisodho 18

Ekisodho 18:1-27 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino Jeturo, mupristi weMidhiani, mukarahwa waMosesi, akanzwa zvose zvakaitira Jehovha Mosesi navaIsiraeri, vanhu vake, kuti Jehovha akabudisa vaIsiraeri muIjipiti. Jeturo, mukarahwa waMosesi, akatora Zipora, mukadzi waMosesi, nokuti akanga amudzosera kuna baba vake, navanakomana vake vaviri zita romumwe rainzi Geshomi, nokuti akati, “Ndakanga ndiri mweni panyika yavamwe”; nezita romumwe rainzi Ereazari, nokuti akati, “Mwari wababa vangu akanga ari mubatsiri wangu, akandirwira pamunondo waFarao.” Jeturo mukarahwa waMosesi akauya navanakomana vaMosesi nomukadzi wake kuna Mosesi murenje, pagomo raMwari, paakanga avaka misasa; akati kuna Mosesi, “Ini mukarahwa wako, Jeturo, ndauya kwauri nomukadzi wako navanakomana vake vaviri vanaye.” Mosesi akandosangana nomukarahwa wake, akakotamira pasi pamberi pake, akamutsvoda; vakabvunzana mufaro, vakapinda mutende. Zvino Mosesi akaudza mukarahwa wake zvose zvakanga zvaitira Jehovha Farao navaIjipiti nokuda kwavaIsiraeri, nokutambudzika kwose kwakavawira panzira nokurwirwa kwavo naJehovha. Jeturo akafara pamusoro pezvose zvakanaka zvakanga zvaitirwa vaIsiraeri naJehovha, kuti akavarwira pamaoko avaIjipiti. Jeturo akati, “Jehovha ngaakudzwe akakurwirai pamaoko avaIjipiti, napamaoko aFarao, iye akarwira vanhu pamaoko avaIjipiti. Zvino ndinoziva kuti Jehovha mukuru kuvamwari vose pachinhu icho chavakazvikudza nacho kwavari.” Ipapo Jeturo, mukarahwa waMosesi, akauya kuna Mwari nechipiriso chokupisa nezvimwe zvibayiro; Aroni navakuru vose vaIsiraeri vakauya vakadya zvokudya nomukarahwa waMosesi pamberi paMwari. Zvino fume mangwana Mosesi akagara achitambira vanhu mhaka dzavo, vanhu vakamira pamberi paMosesi kubva mangwanani kusvikira madekwana. Zvino mukarahwa waMosesi akati achiona zvose zvaakanga achiitira vanhu akati, “Unoitireiko vanhu zvinhu izvi? Unogarireiko uri woga, vanhu vachimira pamberi pako kubva mangwanani kusvikira madekwana?” Mosesi akati kumukarahwa wake, “Nokuti vanhu vanouya kwandiri kuzobvunza Mwari; kana vane shoko vanosiuya kwandiri; ndinositamba mhaka dziri pakati pomunhu nowokwake, ndichivazivisa zvakatemwa naMwari nemirairo yake.” Zvino mukarahwa waMosesi akati kwaari, “Chinhu ichi chaunoita hachina kunaka. Zvirokwazvo uchaneta kwazvo, iwe navanhu vaunavo; nokuti chinhu ichi chinokuremera; haungagoni kuchiita uri woga. Teerera zvino izwi rangu, ndikurairire, Mwari agova newe. Iwe umirire vanhu pamberi paMwari, uise mashoko avo kuna Mwari; uvadzidzise zvakatemwa nemirairo, uvaratidze nzira yavanofanira kufamba nayo, nebasa ravanofanira kuita. Asi utsvake pakati pavanhu vose varume vezvokwadi vanovenga kufufurwa; uvaite vabati vavo vezvuru, navabati vamazana, navabati vamakumi mashanu, navabati vamakumi; ivo ngavatambire vanhu mhaka dzavo nguva dzose; zvino kana pane shoko guru, ngavariise kwauri, asi kana ari mashoko maduku ngavaatambe vamene; naizvozvo iwe ucharerusirwa, naivo vachatakura mutoro pamwechete newe. Kana ukaita chinhu ichi, Mwari akakuraira saizvozvo, iwe uchagona kutsunga, navanhu ava vose vachaenda kudzimba dzavo norugare.” Mosesi akateerera izwi romukarahwa wake, akaita zvose zvaakanga audzwa naye. Mosesi akatsaura varume vakachenjera pakati pavaIsiraeri vose, akavaita vakuru vavanhu, vabati vezviuru, navabati vamazana, navabati vamakumi mashanu, navabati vamakumi. Ivo vakatamba mhaka dzavanhu nguva dzose; mashoko makuru vaisiuya nawo kuna Mosesi, asi mashoko ose maduku vaiatamba vamene. Zvino Mosesi akatendera mukarahwa wake kuenda hake; iye akaenda kunyika yake.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ekisodho 18

Ekisodho 18:1-27 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Vatezvara vaMosesi vainzi Jetero, aiva mupristi wokuMidhiani akanzwa zvose zvakaitwa naTenzi kuna Mosesi navaIsiraeri paakavaburitsa muIjipiti. Vatezvara vaMosesi, vaJetero vakagamuchira zvavo Zipora mudzimai waMosesi akanga ambodzorerwa kumusha pamwechete navanakomana vake vaviri. Mumwe ainzi Gerishomu nokuti Mosesi aiti, “Ndiri mutorwa munyika yavamwe.” Mumwe ainzi Eriezero, nokuti aiti, “Mwari wababa vangu ndiye akava mubatsiri wangu, akandinunura kuna Farao akasandiuraya.” Vatezvara vaMosesi, vaJetero, nomudzimai waMosesi navana vake vaviri vakaenda kurenje kwaiva naMosesi kugomo raMwari pavakanga vakadzika matendhe. Jetero akanga afanotuma shoko kuna Mosesi rokuti, “Ini, vatezvara vako, ndiri kuuyako nomudzimai wako navanakomana vake vaviri.” Mosesi akandochingura vatezvara vake akavakwazisa achivaremekedza kwazvo akavatsvoda. Vakabvunzana mufaro vakapinda zvavo mutendhe. Mosesi akarondedzera vatezvara vake zvose zvakanga zvaitwa naTenzi achirwadzisa Farao navaIjipiti pamusana pevaIsiraeri. Akaudzawo vatezvara vake nezvamatambudziko ose avakaona murwendo rwavo nezvakaitwa naTenzi achivanunura. Jetero akafara kwazvo paakanzwa zvinhu zvose zvakanaka zvakaitirwa vaIsiraeri naTenzi paakavanunura mumaoko avaIjipiti. Jetero akati, “Tenzi ngaarumbidzwe akakununurai mumaoko avaIjipiti nomumaoko aFarao, akanunura vanhu mumaoko evaIjipiti. Zvino ndazoziva kuti Tenzi ndiye mukuru kudarika vamwari vose zvavo nokuti akanunura vanhu kuvaIjipiti pavaizvikudza zvikuru vachivatambudza.” Ipapo vatezvara vaMosesi vaJetero vakapira Mwari chibayiro chinopiswa vakapirawo mimwe mipiro. Aroni navakuru vakuru vose vavaIsiraeri vakauya kuzodya pamwechete navatezvara vaMosesi ipapo pana Mwari. Ava mangwana Mosesi akagara padare achitonga mhosva dzevaIsiraeri. Vanhu vakaswera padare, kubvira mangwanani kudzamara manheru. Vatezvara vaMosesi vakaona mabatiro ose aaiita vanhu, vakati, “Ko ndicho chii chauri kuitira vanhu ichochi? Pamusana pei uriwe woga woga chete wokutonga mhosva dzavanhu uchiswedza vanhu vakangokumirira padare?” Mosesi akapindura vatezvara vake achiti, “Vanhu vanouya kwandiri vachida kuziva kuti Mwari anoti kudii pamhosva dzavo, kana vanhu vatadzirana, vakauya kwandiri ndinovatonganisa mhosva yavo ndichivaudza mitemo nemirao yaMwari.” Vatezvara vake vakamuti, “Zvauri kuita izvozvi hazvina kunaka. Iwe uchazviuraya nebasa, uchitambudzisawo vanhu vanouya kudare. Basa irori ibasa guru kwazvo haungariiti uri oga oga. Zvino chirega ndikupe zano, dai Mwari akakubatsira. Iwe chiva mumiriri wavaIsiraeri kuna Mwari, wokuturira mhosva dzavo kwaari, uvewo wokuvatsanangurira mitemo nemirao, uchivadzidzisa mugariro wakanaka nezvavanosungirwa kuita. Zvaungaitewo kusarudza mukati mavanhu ava varume vanoziva basa, vanotya Mwari. Vanofanira kuva varume vari pachokwadi, vanovenga zvepfumbamuromo, uvape basa rokutungamirira mapoka akasiyana-siyana avanhu. Vamwe vave vatungamiriri vamapoka anenge aine chiuru chavanhu, mukati macho vamwe vave vatungamiriri vetumapoka tunenge tuine zana ravanhu, tumwe tuine makumi mashanu, tumwewo tuine gumi ravanhu. Vatungamiriri ivavo ndivo vova vokutonga mhosva dzavanhu mazuva ose. Kana pazoita mhosva huru ndidzo dzavangauye nadzo kwauri, asi mhosva nduku dzose vachidzitonga ivo pachavo. Naizvozvo iwe ucharerukirwa nebasa nokuti vanenge votakudzana newe mutoro iwoyu. Dai kuri kuti Mwari anotiwo uite zvandareva, uchakwanisa kuita basa rako, vanhuwo ava vose vachadzokera kwavo vasingagunun'uni mumwoyo.” Mosesi akabvuma zano raakapiwa navatezvara vake akaita zvose zvavakareva. Mosesi akasarudza mukati mavaIsiraeri vose varume vanoziva basa. Akavapa basa rokutungamirira mapoka akasiyana-siyana. Vamwe akaita vatungamiriri vamapoka aiva nechiuru chavanhu. Mukati macho vamwe vachitungamirira mapoka ezana ravanhu, vamwe makumi mashanu, vamwewo gumi ravanhu. Ndivo vakazenge vava vokutonga mhosva dzavanhu mazuva ose. Mhosva dzainge dzanetsa ndidzo dzavaipira kuna Mosesi. Nduku dzose vaingotongawo ivo pachavo. Mosesi akaonekana navatezvara vake. Vatezvara ava vakadzokera kunyika kwavo.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ekisodho 18

Ekisodho 18:1-27 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino Jetero, muprista weMidiani, mukarabga waMosesi, wakanzwa ɀose ɀakaitira Jehova Mosesi naʋaIsraeri, ʋanhu ʋake, kuti Jehova wakaɓuɗisa ʋaIsraeri muEgipita. Jetero, mukarabga waMosesi, akatora Zipora, mukadzi waMosesi, nokuti wakaŋga amudzosera kunaɓaɓa ʋake, naʋanakomana ʋake ʋaʋiri — zita romumŋe rainzi Gershomi, nokuti wakati: Ndakaŋga ndiri mŋeni panyika yaʋamŋe; nezita romumŋe rainzi Eriezeri, nokuti wakati: Mŋari waɓaɓa ʋaŋgu wakaŋga ari muɓatsiri waŋgu, akandirwira pamunondo waFarao — Jetero, mukarabga waMosesi, akaʋuya naʋanakomana ʋaMosesi nomukadzi wake kunaMosesi murenje, pagomo raMŋari, paakaŋga aʋaka misasa; akati kunaMosesi: Ini mukarabga wako, Jetero, ndaʋuya kwauri nomukadzi wako naʋanakomana ʋake ʋaʋiri ʋanaye. Mosesi akandosoŋgana nomukarabga wake, akakotamira pasi pamberi pake, akamuȿeta; ʋakabvunzana mufaro, ʋakapinda mutente. Ɀino Mosesi akaʋudza mukarabga wake ɀose ɀakaŋga ɀaitira Jehova Farao naʋaEgipita nokuɗa kwaʋaIsraeri, nokutambudzika kwose kwakaʋawira panzira nokurwirwa kwaʋo naJehova. Jetero akafara pamsoro peɀose ɀakanaka ɀakaŋga ɀaitirwa ʋaIsraeri naJehova, kuti wakaʋarwira pamaʋoko aʋaEgipita. Jetero akati: Jehova ŋgaakudzwe wakakurwirai pamaʋoko aʋaEgipita, napamaʋoko aFarao, iye wakarwira ʋanhu pamaʋoko aʋaEgipita. Ɀino ndinoziʋa kuti Jehova mukuru kuʋamŋari ʋose pacinhu ico caʋakaɀikudza naco kwaʋari. Ipapo Jetero, mukarabga waMosesi, wakaʋuya kunaMŋari necipiriso cokupisa neɀimŋe ɀiɓayiro; Aroni naʋakuru ʋose ʋaIsraeri ʋakaʋuya ʋakadya ɀokudya nomukarabga waMosesi pamberi paMŋari. Ɀino fume maŋgwana Mosesi wakagara acitambira ʋanhu mhaka dzaʋo, ʋanhu ʋakamira pamberi paMosesi kubva maŋgwanani kuȿikira maɗekwana. Ɀino mukarabga waMosesi wakati aciʋona ɀose ɀaakaŋga aciitira ʋanhu, akati: Unoitireiko ʋanhu ɀinhu iɀi? Unogarireiko uri woga, ʋanhu ʋacimira pamberi pako kubva maŋgwanani kuȿikira maɗekwana? Mosesi akati kumukarabga wake: Nokuti ʋanhu ʋanoʋuya kwandiri kuzobvunza Mŋari; kana ʋaneshoko ʋanosiʋuya kwandiri; ndinositamba mhaka dziri pakati pomunhu nowokwake, ndiciʋaziʋisa ɀakatemŋa naMŋari nemirairo yake. Ɀino mukarabga waMosesi akati kwaari: Cinhu ici caunoita hacina‐kunaka. Ɀirokwaɀo ucaneta kwaɀo, iwe naʋanhu ʋaunaʋo; nokuti cinhu ici cinokuremera; hauŋgagoni kuciita uri woga. Terera ɀino inzwi raŋgu, ndikurairire, Mŋari agoʋa newe. Iwe umirire ʋanhu pamberi paMŋari, uise mashoko aʋo kunaMŋari; uʋadzidzise ɀakatemŋa nemirairo, uʋaratidze nzira yaʋanofanira kufamba nayo, neɓasa raʋanofanira kuita. Asi utȿake pakati paʋanhu ʋose ʋarume ʋakacenjera, ʋanotya Mŋari, ʋarume ʋeɀokwaɗi, ʋanoʋeŋga kufufurwa; uʋaite ʋaɓati ʋaʋo ʋeɀuru, naʋaɓati ʋamazana, naʋaɓati ʋamakumi mashanu, naʋaɓati ʋamakumi; iʋo ŋgaʋatambire ʋanhu mhaka dzaʋo ŋguʋa dzose; ɀino kana paneshoko guru, ŋgaʋariise kwauri; asi kana ari mashoko maɗuku ŋgaʋaatambe ʋamene; naiɀoɀo iwe ucarerusirwa, naiʋo ʋacatakura mutoro pamŋe cete newe. Kana ukaita cinhu ici, Mŋari akakuraira saiɀoɀo, iwe ucagona kutsuŋga, naʋanhu aʋa ʋose ʋacaenda kudzimba dzaʋo norugare. Mosesi akaterera inzwi romukarabga wake, akaita ɀose ɀaakaŋga aʋudzwa naye. Mosesi akatsaura ʋarume ʋakacenjera pakati paʋaIsraeri ʋose, akaʋaita ʋakuru ʋaʋanhu, ʋaɓati ʋeɀuru, naʋaɓati ʋamazana, naʋaɓati ʋamakumi mashanu, naʋaɓati ʋamakumi. Iʋo ʋakatamba mhaka dzaʋanhu ŋguʋa dzose; mashoko makuru ʋaisiʋuya nawo kunaMosesi, asi mashoko ose maɗuku ʋaiatamba ʋamene. Ɀino Mosesi akatendera mukarabga wake kuenda hake; iye akaenda kunyika yake.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ekisodho 18