Ekisodho 11:1-10
Ekisodho 11:1-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvino Jehovha akanga ati kuna Mozisi, “Ndichauyisa rimwezve dambudziko pamusoro paFaro napamusoro peIjipiti. Shure kwaizvozvo, achakutenderai kubva muno, uye paanozviita, achakudzingirai kunze zvachose. Udza vanhu kuti varume navakadzi, pamwe chete, vakumbire vavakidzani vavo zvishongo zvesirivha nezvegoridhe.” Jehovha akaita kuti vanhu vawanirwe nyasha navaIjipita, uye Mozisi pachake akanga achikudzwa zvikuru muIjipiti namachinda aFaro uye navanhu. Saka Mozisi akati, “Zvanzi naJehovha: ‘Pakati pousiku ndichafamba napakati peIjipiti. Mwanakomana wose wedangwe ari muIjipiti achafa, kubva pamwanakomana wedangwe waFaro, iye agere pachigaro choushe, kusvikira kumwanakomana wedangwe womurandakadzi, ari paguyo rake, namatangwe ose emombewo. Pachava nokuchema kukuru muIjipiti yose, kwakadaro hakuna kumbovapo uye hakungavepozve. Asi pakati pavaIsraeri hapana kana imbwa ichahukura munhu zvake kana chipfuwo.’ Ipapo uchaziva kuti Jehovha anoita mutsauko pakati peIjipiti neIsraeri. Machinda ako ose aya achauya kwandiri, vachipfugama pamberi pangu vachiti, ‘Chiendai, imi navanhu vose vanokuteverai!’ Shure kwaizvozvo ndichaenda.” Ipapo Mozisi, atsamwa kwazvo, akabva pana Faro. Jehovha akanga ati kuna Mozisi, “Faro acharamba kukuteerera, kuitira kuti zvishamiso zvangu zviwande muIjipiti.” Mozisi naAroni vakaita zvishamiso zvose izvi pamberi paFaro, asi Jehovha akaomesa mwoyo waFaro uye haana kuda kutendera vaIsraeri kuti vabude munyika yake.
Ekisodho 11:1-10 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Ndichauyisa dambudziko rimwezve pamusoro paFarao napamusoro peIjipiti, ipapo achakutenderai kubva pano; musi waachakutenderai kuenda, zvirokwazvo achakudzingai chose pano. Zvino udza vanhu vanzwe, kuti murume mumwe nomumwe akumbire kunowokwake, nomukadzi mumwe nomumwe akumbire kunowokwake, vapiwe zvishongo zvesirivha nezvishongo zvendarama.” Zvino Jehovha akapa vanhu nyasha pamberi pavaIjipiti. Naiye munhu uyu Mosesi, akanga ari mukuru kwazvo munyika yeIjipiti, pamberi pavaranda vaFarao, napamberi pavanhu. Zvino Mosesi akati, “Zvanzi naJehovha, ‘Kana pava pakati pousiku, ndichabuda ndikafamba napakati peIjipiti; madangwe ose munyika yeIjipiti achafa, kutanga padangwe raFarao anogara pachigaro choushe, kusvikira padangwe romurandakadzi ari paguyo, navana vose vemhongora dzezvipfuwo. Panyika yose yeIjipiti pachava nokuchema kukuru, kwakadaro hakuna kumbovapo, uye hakungavipozve.’ Asi pakati pavana vaIsiraeri vose, pakati pavanhu kana zvipfuwo, hapangavi nembwa ichasimudza rurimi rwayo; kuti muzive kuti Jehovha akatsaura pakati pavaIjipiti navaIsiraeri. Navaranda venyu vose ava vachaburukira kwandiri, vachandipfugamira, vachiti, ‘Ibvai henyu, navanhu vose vanokuteverai; shure kwaizvozvo ndichabuda.’ ” Akabuda pamberi paFarao, akatsamwa kwazvo. Jehovha akati kuna Mosesi, “Farao haangakuteerereyi kuti zvishamiso zvangu zviwanzwe panyika yeIjipiti.” Mosesi naAroni vakaita zvishamiso zviya zvose pamberi paFarao, asi Jehovha akaomesa mwoyo waFarao, akasatendera vana vaIsiraeri kubva munyika yake.
Ekisodho 11:1-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Zvino kwasara dambudziko rimwechete randichaunzira Farao nenyika yeIjipiti ozokuregai zvenyu moenda. Farao paachanyatsoti muende achaita zvokukudzingai muno. Saka taurira vaIsiraeri vose vazvinzwe kuti munhu wese murume kana mukadzi ngaakumbire muIjipiti waakavakidzana naye kuti amupe zvinhu zvesirivha nezvendarama.” Tenzi ndokuitawo kuti vaIjipiti vaitire vaIsiraeri mwoyochena. Zvakarewo Mosesi aiva munhu anoremekedzwa kwazvo munyika yeIjipiti airemekedzwa namachinda aFarao navanhu vake. Mosesi akati, “Zvanzi naTenzi, ‘Nhasi uno pakati pousiku ndichapfuura nomuIjipiti. Matangwe ose echirume omunyika yeIjipiti achafa, kubvira pamwanakomana waFarao wedangwe achazogara nhaka youmambo kusvikira kumwanakomana wedangwe womuranda wechikadzi anoita basa rokukuya pamwechete namatangwe ose ezvipfuwo achafa. Munyika yose yeIjipiti muchava nokuchema kukuru kusati kwambovamo, uye hakuchazombofi kwakanzwikazve. Asi kuvaIsiraeri nezvipfuwo zvavo uchange uri muchete, kusina kunyange imbwa zvayo ichahukura kwavari. Ndipo pamuchazoziva kuti ini Tenzi ndinobata vaIsiraeri navaIjipiti zvakasiyana.’ ” Mosesi akazopedzesa achiti, “Machinda enyu ose aya achazopfugama pasi achinditeterera kuti ini ndiende navanhu vangu vose. Ndipo pandichasimuka ndopinda munzira ndoenda.” Ipapo Mosesi akabva pana Farao akashatirwa kwazvo. Tenzi akanga amboudza Mosesi achiti, “Farao acharamba asinganzwi zvauchamutaurira kuitira kuti ini ndiite zviratidzo zvangu zvakawanda zvinoshamisa munyika yeIjipiti.” Mosesi naAroni vakaita zviratidzo zvose izvozvi zvinoshamisa Farao achiona. Tenzi akaita kuti Farao aomese mwoyo akaramba kuti vaIsiraeri vabve munyika yake.
Ekisodho 11:1-10 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Jehova wakati kunaMosesi: Ndicaʋuyisa ɗambudziko rimŋe ɀe pamsoro paFarao napamsoro peEgipita, ipapo ucakutenderai kubva pano; musi waacakutenderai kuenda, ɀirokwaɀo ucakudziŋgai cose pano. Ɀino ʋudza ʋanhu ʋanzwe, kuti murume mumŋe nomumŋe akumbire kunowokwake, nomukadzi mumŋe nomumŋe akumbire kunowokwake, ʋapiwe ɀishoŋgo ɀesirveri neɀishoŋgo ɀendarama. Ɀino Jehova akapa ʋanhu nyasha pamberi paʋaEgipita. Naiye munhu uyu Mosesi, wakaŋga ari mukuru kwaɀo munyika yeEgipita, pamberi paʋaranda ʋaFarao, napamberi paʋanhu. Ɀino Mosesi akati: Ɀanzi naJehova: Kana paʋa pakati poʋusiku, ndicaɓuɗa ndikafamba napakati peEgipita; mataŋgwe ose munyika yeEgipita acafa, kutaŋga paɗaŋgwe raFarao unogara pacigaro coʋushe, kuȿikira paɗaŋgwe romurandakadzi uri paguyo, naʋana ʋose ʋemhoŋgora dzeɀipfuwo. Pan ika yose yeEgipita pacaʋa nokucema kukuru, kwakaɗaro hakuna‐kumboʋa’po, ʋuye hakuŋgaʋi’po ɀe. Asi pakati paʋana ʋaIsraeri ʋose, pakati paʋanhu kana ɀipfuwo, hapaŋgaʋi nembga icasimudza rurimi rwayo; kuti muziʋe kuti Jehova wakatsaura pakati paʋaEgipita naʋaIsraeri. Naʋaranda ʋenyu ʋose aʋa ʋacaɓurukira kwandiri, ʋacandifugamira, ʋaciti: Ibvai henyu, naʋanhu ʋose ʋanokuteʋerai; shure kwaiɀoɀo ndicaɓuɗa. Akaɓuɗa pamberi paFarao, akatsamŋa kwaɀo. Jehova akati kunaMosesi: Farao haaŋgakutereriyi kuti ɀishamiso ɀaŋgu ɀiwanzwe panyika yeEgipita. Mosesi naAroni ʋakaita ɀishamiso ɀiya ɀose pamberi paFarao, asi Jehova wakawomesa mŋoyo waFarao, akasatendera ʋana ʋaIsraeri kubva munyika yake.
Ekisodho 11:1-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)