Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Kubuda 11:1-10

Kubuda 11:1-10 SCLB

Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Zvino kwasara dambudziko rimwechete randichaunzira Farao nenyika yeIjipiti ozokuregai zvenyu moenda. Farao paachanyatsoti muende achaita zvokukudzingai muno. Saka taurira vaIsiraeri vose vazvinzwe kuti munhu wese murume kana mukadzi ngaakumbire muIjipiti waakavakidzana naye kuti amupe zvinhu zvesirivha nezvendarama.” Tenzi ndokuitawo kuti vaIjipiti vaitire vaIsiraeri mwoyochena. Zvakarewo Mosesi aiva munhu anoremekedzwa kwazvo munyika yeIjipiti airemekedzwa namachinda aFarao navanhu vake. Mosesi akati, “Zvanzi naTenzi, ‘Nhasi uno pakati pousiku ndichapfuura nomuIjipiti. Matangwe ose echirume omunyika yeIjipiti achafa, kubvira pamwanakomana waFarao wedangwe achazogara nhaka youmambo kusvikira kumwanakomana wedangwe womuranda wechikadzi anoita basa rokukuya pamwechete namatangwe ose ezvipfuwo achafa. Munyika yose yeIjipiti muchava nokuchema kukuru kusati kwambovamo, uye hakuchazombofi kwakanzwikazve. Asi kuvaIsiraeri nezvipfuwo zvavo uchange uri muchete, kusina kunyange imbwa zvayo ichahukura kwavari. Ndipo pamuchazoziva kuti ini Tenzi ndinobata vaIsiraeri navaIjipiti zvakasiyana.’ ” Mosesi akazopedzesa achiti, “Machinda enyu ose aya achazopfugama pasi achinditeterera kuti ini ndiende navanhu vangu vose. Ndipo pandichasimuka ndopinda munzira ndoenda.” Ipapo Mosesi akabva pana Farao akashatirwa kwazvo. Tenzi akanga amboudza Mosesi achiti, “Farao acharamba asinganzwi zvauchamutaurira kuitira kuti ini ndiite zviratidzo zvangu zvakawanda zvinoshamisa munyika yeIjipiti.” Mosesi naAroni vakaita zviratidzo zvose izvozvi zvinoshamisa Farao achiona. Tenzi akaita kuti Farao aomese mwoyo akaramba kuti vaIsiraeri vabve munyika yake.

Verenga chikamu Kubuda 11