Esteri 3:7-11
Esteri 3:7-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mugore regumi namaviri raMambo Zekisesi mumwedzi wokutanga, mwedzi waNisani, vakakanda puri (ndiwo mujenya) pamberi paHamani kuti vasarudze zuva nomwedzi. Mujenya wakawira pamwedzi wegumi nemiviri, mwedzi waAdha. Ipapo Hamani akati kuna Mambo Zekisesi, “Kuna vamwe vanhu vakapararira nokutekeshera vari pakati pamarudzi mumatunhu oushe hwenyu vane tsika yakasiyana navamwe vanhu vose uye havateereri mirayiro yamambo; hazvinganakiri mambo kuti muvaregerere. Kana mambo achifara nazvo, ngapaiswe chirevo chokuti vaparadzwe, uye ini ndicharipa matarenda zviuru gumi esirivha mudura repfuma yamambo kuti igoshandiswa kuripira avo vachabata basa iri ramambo.” Naizvozvo mambo akatora mhete yechindori kubva pamunwe wake akaipa kuna Hamani mwanakomana waHamedhata, muAgagi, muvengi wavaJudha. Mambo akati kuna Hamani, “Chengeta mari uye uite zvaunoda navanhu.”
Esteri 3:7-11 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino pamwedzi wokutanga, uri mwedzi weNisani, pagore regumi namaviri ramambo Ahashivheroshi, vakakanda Puri, ndiyo mijenya, pamberi paHamani zuva rimwe nerimwe, pamwedzi mumwe nomumwe, kusvikira pamwedzi wegumi nemiviri, ndiwo mwedzi weAdhari. Hamani akati kuna mambo Ahashivheroshi, “Rumwe rudzi rwavanhu ruriko, rwakapararira nokutekeshera pakati pavanhu pamativi ose enyika dzoushe hwenyu; mirau yavo yakasiyana neyavamwe vanhu, havachengeti mirau yamambo; saka mambo haafaniri kuvarega varipo. “Kana mambo achifara nazvo n’wadhi ngainyorwe kuti vaparadzwe; ini ndichabudisa matarenta ane zviuru zvine gumi esirivha pamaoko avatariri vebasa ramambo, vaaise pazvivigiro zvepfuma yamambo.” Ipapo mambo akabvisa chindori chake paruoko rwake, akachipa Hamani, mwanakomana waHamedhata muAgagi, muvengi wavaJudha. Mambo akati kuna Hamani, “Iwe navanhu vako mungatora sirivha iyo, muite nayo sezvaunoda iwe.”
Esteri 3:7-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mumwedzi wechiposhi, mwedzi waNisani, mugore regumi rechipiri rokutonga kwaAhasuerusi vakashandisa Puri, ndochin'ange ichocho pana Hamani zuva nezuva. Vaichiita mwedzi nomwedzi kudzamara pamwedzi wegumi nechipiri ndiwo mwedzi waAdhari iwoyo. Hamani akati kuna mambo Ahasuerusi, “Kune rumwe rudzi rwavanhu rwakatekeshera rwakaita mharadzirwa mukati mendudzi dzavanhu munyika dzose dzoumambo hwenyu. Mitemo yavo yakasiyana neyedzimwe ndudzi dzose dzavanhu uye havachengete mitemo yamambo zvokuti kuvarega zvavo vakangodaro, hapana chiyamuro kwamuri mambo. Kana muchida zvenyu mambo, panofanira kutemwa chirevo chokuti vaparadzwe. Ini ndini ndichabvisa mari yesirivha inosvika mazana matatu amatani ane matani makumi mana ane mashanu, ndoiisa mumaoko avanhu vanoona nezvebasa rokwamambo kuti vagoiisa munochengeterwa upfumi hwokwamambo.” Nokudaro mambo akabvisa muruoko ringi yake yechidhindo akapa kuna Hamani muvengi wevaJudha muAgagi mwanakomana wokwaHamedhata. Mambo akati kuna Hamani, “Mari yacho unopiwa iwe uye vanhu vacho vanoiswa mumaoko mako kuti uite zvaunoda navo.”
Esteri 3:7-11 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino pamŋedzi wokutaŋga, uri mŋedzi weNisani, pagore regumi namaʋiri ramambo Ahashveroshi, ʋakakanda Puri, ndiyo mijenya, pamberi paHamani zuʋa rimŋe nerimŋe, pamŋedzi mumŋe nomumŋe, kuȿikira pamŋedzi wegumi nemiʋiri, ndiwo mŋedzi weAdari. Hamani akati kunamambo Ahashveroshi: Rumŋe rudzi rwaʋanhu ruri’ko, rwakapararira nokutekeshera pakati paʋanhu pamatiʋi ose enyika dzoʋushe bgenyu; mirau yaʋo yakasiyana neyaʋamŋe ʋanhu, haʋaceŋgeti mirau yamambo; saka mambo haafaniri kuʋarega ʋari’po. Kana mambo acifara naɀo, ŋwadi ŋgainyorwe kuti ʋaparadzwe; ini ndicaɓuɗisa matarenta aneɀuru ɀinegumi esirveri pamaʋoko aʋatariri ʋeɓasa ramambo, ʋaaise paɀiʋigiro ɀefuma yamambo. Ipapo mambo akabvisa cindori cake paruʋoko rwake, akacipa Hamani mŋanakomana waHamedata muAgagi, muʋeŋgi waʋaJuda. Mambo akati kunaHamani: Iwe naʋanhu ʋako muŋgatora sirveri iyo, muite nayo seɀaunoɗa iwe.
Esteri 3:7-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)