Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Esiteri 3:7-11

Esiteri 3:7-11 SNA2002

Zvino pamwedzi wokutanga, uri mwedzi weNisani, pagore regumi namaviri ramambo Ahashivheroshi, vakakanda Puri, ndiyo mijenya, pamberi paHamani zuva rimwe nerimwe, pamwedzi mumwe nomumwe, kusvikira pamwedzi wegumi nemiviri, ndiwo mwedzi weAdhari. Hamani akati kuna mambo Ahashivheroshi, “Rumwe rudzi rwavanhu ruriko, rwakapararira nokutekeshera pakati pavanhu pamativi ose enyika dzoushe hwenyu; mirau yavo yakasiyana neyavamwe vanhu, havachengeti mirau yamambo; saka mambo haafaniri kuvarega varipo. “Kana mambo achifara nazvo n’wadhi ngainyorwe kuti vaparadzwe; ini ndichabudisa matarenta ane zviuru zvine gumi esirivha pamaoko avatariri vebasa ramambo, vaaise pazvivigiro zvepfuma yamambo.” Ipapo mambo akabvisa chindori chake paruoko rwake, akachipa Hamani, mwanakomana waHamedhata muAgagi, muvengi wavaJudha. Mambo akati kuna Hamani, “Iwe navanhu vako mungatora sirivha iyo, muite nayo sezvaunoda iwe.”

Verenga chikamu Esiteri 3