Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Esita 3:7-11

Esita 3:7-11 SCLBD

Mumwedzi wechiposhi, mwedzi waNisani, mugore regumi rechipiri rokutonga kwaAhasuerusi vakashandisa Puri, ndochin'ange ichocho pana Hamani zuva nezuva. Vaichiita mwedzi nomwedzi kudzamara pamwedzi wegumi nechipiri ndiwo mwedzi waAdhari iwoyo. Hamani akati kuna mambo Ahasuerusi, “Kune rumwe rudzi rwavanhu rwakatekeshera rwakaita mharadzirwa mukati mendudzi dzavanhu munyika dzose dzoumambo hwenyu. Mitemo yavo yakasiyana neyedzimwe ndudzi dzose dzavanhu uye havachengete mitemo yamambo zvokuti kuvarega zvavo vakangodaro, hapana chiyamuro kwamuri mambo. Kana muchida zvenyu mambo, panofanira kutemwa chirevo chokuti vaparadzwe. Ini ndini ndichabvisa mari yesirivha inosvika mazana matatu amatani ane matani makumi mana ane mashanu, ndoiisa mumaoko avanhu vanoona nezvebasa rokwamambo kuti vagoiisa munochengeterwa upfumi hwokwamambo.” Nokudaro mambo akabvisa muruoko ringi yake yechidhindo akapa kuna Hamani muvengi wevaJudha muAgagi mwanakomana wokwaHamedhata. Mambo akati kuna Hamani, “Mari yacho unopiwa iwe uye vanhu vacho vanoiswa mumaoko mako kuti uite zvaunoda navo.”

Verenga chikamu Esita 3