VaEfeso 6:18-19
VaEfeso 6:18-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Uye munyengetere muMweya nguva dzose nemhando dzose dzeminyengetero nemikumbiro. Muine izvi mupfungwa dzenyu, murinde uye murambe muchinyengeterera vatsvene. Munyengeterere neniwo, kuti pose pandinoshama muromo wangu, ndipiwe mashoko kuitira kuti ndigozivisa chakavanzika chevhangeri ndisingatyi
VaEfeso 6:18-19 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
munyengetere nguva dzose nokunyengetera kwose nokukumbira muMweya, muchirinda pazvinhu izvi nokutsunga kwose nokukumbirira vatsvene vose, neniwo, kuti ndipiwe shoko kuti ndidudzire ndisingatyi zvakavanzika zveVhangeri
VaEfeso 6:18-19 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Namatai nguva dzose muina Mweya. Itai minamato nemikumbiro. Nechikonzero ichochi garai makangwaririra musingamborasa mwoyo muchikumbirira vatsvene vose. Ndikumbirireiwo ini kuti ndiwaniswe mashoko pandinenge ndave kuda kutaura kuti ndiparidze nechivindi chakavandika chiya chezveShoko Rakanaka
VaEfeso 6:18-19 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
munyeŋgetere ŋguʋa dzose nokunyeŋgetera kwose nokukumbira muMŋeya, mucirinda paɀinhu iɀi nokutsuŋga kwose nokukumbirira ʋatȿene ʋose, neni ʋo, kuti ndipiwe shoko kana ndicishamisa muromo waŋgu, kuti ndiɗudzire ndisiŋgatyi ɀakaʋanzika ɀeEvaŋgeri
VaEfeso 6:18-19 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)