VaEfeso 6:11-13
VaEfeso 6:11-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Shongai nhumbi dzose dzokurwa nadzo dzaMwari kuti mugogona kumira muchirwa namano adhiabhori. Nokuti hatirwi nenyama neropa, asi navabati, navanesimba, namasimba enyika ino yerima uye namasimba emweya yakaipa ari muchadenga. Naizvozvo shongai nhumbi dzose dzokurwa nadzo dzaMwari, kuti panosvika zuva rakaipa, mugokwanisa kumira, uye mushure mokunge maita zvinhu zvose, kuti mumire.
VaEfeso 6:11-13 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Shongai nhumbi dzose dzokurwa nadzo dzaMwari, mugone kumira muchirwa namano aDhiabhori. Nokuti hatirwi nenyama neropa, asi navabati, navane simba, namadzishe enyika erima rino, nemweya yakaipa yedenga. Saka torai nhumbi dzose dzokurwa nadzo dzaMwari, kuti mugone kudzivisa pazuva rakaipa, nokuramba mumire mapedza zvose.
VaEfeso 6:11-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Pfekai zvose zvokurwisa nazvo zvaMwari kuti mukwanise kumirisana namazano akaipa aDhiabhori nokuti hatisi kurwisana navanhu asi nomweya ine ukuru ukuru, neino ushe nemweya inotonga pasi pose pano pane rima riripo iri uye tiri kurwisana nehondo nehondo dzomweya youipi iri mumatenga'mu. Naizvozvo torai zvose zvokurwisa nazvo zvaMwari kuti mukwanise kumira pazuva iroro rinenge rakaipa. Kana marwisa zvakaomarara zvazvo kudaro imi mucharamba makamira.
VaEfeso 6:11-13 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Shoŋgai nhumbi dzose dzokurwa nadzo dzaMŋari, mugone kumira mucirwa namano aDiaborosi. Nokuti hatirwi nenyama neropa, asi naʋaɓati, naʋanesimba, namadzishe enyika erima rino, nemŋeya yakaipa yeɗeŋga. Saka torai nhumbi dzose dzokurwa nadzo dzaMŋari, kuti mugone kudziʋisa pazuʋa rakaipa, nokuramba mumire mapedza ɀose.
VaEfeso 6:11-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)