VaEfeso 6:10-24
VaEfeso 6:10-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Pakupedzisira, ivai nesimba muna She nomusimba rake guru. Shongai nhumbi dzose dzokurwa nadzo dzaMwari kuti mugogona kumira muchirwa namano adhiabhori. Nokuti hatirwi nenyama neropa, asi navabati, navanesimba, namasimba enyika ino yerima uye namasimba emweya yakaipa ari muchadenga. Naizvozvo shongai nhumbi dzose dzokurwa nadzo dzaMwari, kuti panosvika zuva rakaipa, mugokwanisa kumira, uye mushure mokunge maita zvinhu zvose, kuti mumire. Zvino mirai nesimba, makasunga bhanhire rechokwadi muchiuno chenyu, nechidzitiro chechipfuva chokururama, uye tsoka dzenyu dzakashongedzwa negadziriro inobva pavhangeri rorugare. Pamusoro paizvozvi zvose, torai nhoo yokutenda, iyo yamunogona kudzima nayo miseve inopfuta yowakaipa. Torai nguwani yoruponeso nomunondo womweya, iro shoko raMwari. Uye munyengetere muMweya nguva dzose nemhando dzose dzeminyengetero nemikumbiro. Muine izvi mupfungwa dzenyu, murinde uye murambe muchinyengeterera vatsvene. Munyengeterere neniwo, kuti pose pandinoshama muromo wangu, ndipiwe mashoko kuitira kuti ndigozivisa chakavanzika chevhangeri ndisingatyi, iro randiri nhume yakasungwa nengetani. Nyengeterai kuti ndiritaure ndisingatyi, sezvandinofanira. Tikikasi, hama inodikanwa nomuranda akatendeka muna She, achakuudzai zvinhu zvose, kuitira kuti nemiwo muzive zvandiri nezvandinoita. Ndiri kumutuma kwamuri nokuda kwechinangwa ichi, kuti muzive zvatiri, uye kuti akukurudzirei. Rugare kuhama, norudo nokutenda zvinobva kuna Mwari Baba naIshe Jesu Kristu. Nyasha kuna vose vanoda Ishe wedu Jesu Kristu norudo rusingaperi.
VaEfeso 6:10-24 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Pakupedzisira ivai nesimba muna Ishe, nomusimba rake guru. Shongai nhumbi dzose dzokurwa nadzo dzaMwari, mugone kumira muchirwa namano aDhiabhori. Nokuti hatirwi nenyama neropa, asi navabati, navane simba, namadzishe enyika erima rino, nemweya yakaipa yedenga. Saka torai nhumbi dzose dzokurwa nadzo dzaMwari, kuti mugone kudzivisa pazuva rakaipa, nokuramba mumire mapedza zvose. Naizvozvo mirai makasunga zviuno zvenyu nechokwadi, makapfeka chidzitiro chechipfuva chokururama, makasunga patsoka dzenyu kugadzirwa kweVhangeri yorugare; pamusoro paizvozvi makatora nhoo huru yokutenda, yamungagona kudzima nayo miseve yose yomoto yowakaipa. Torai ngowani yoruponeso, nomunondo woMweya, iro shoko raMwari; munyengetere nguva dzose nokunyengetera kwose nokukumbira muMweya, muchirinda pazvinhu izvi nokutsunga kwose nokukumbirira vatsvene vose, neniwo, kuti ndipiwe shoko kuti ndidudzire ndisingatyi zvakavanzika zveVhangeri, yandiri nhume yayo yakasungwa nengetani; kuti ndizvitaure ndisingatyi, sezvandinofanira kutaura. Zvino kuti muzivewo zvangu, kuti ndakadiniko, Tikiko, hama inodikanwa, nomushumiri akatendeka muna Ishe, uchakuzivisai zvose; ndakamutuwa kwamuri neshoko iri, kuti muzive zvinhu zvedu, anyaradze mwoyo yenyu. Rugare ngaruve nehama, norudo pamwechete nokutenda, zvinobva kuna Mwari, Baba, naIshe Jesu Kristu. Nyasha ngadzive navose vanoda Ishe wedu, Jesu Kristu, norudo rusingaori.
VaEfeso 6:10-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Pokupedzisira itosimbai muna Tenzi uye nokusimbarara kwesimba rake. Pfekai zvose zvokurwisa nazvo zvaMwari kuti mukwanise kumirisana namazano akaipa aDhiabhori nokuti hatisi kurwisana navanhu asi nomweya ine ukuru ukuru, neino ushe nemweya inotonga pasi pose pano pane rima riripo iri uye tiri kurwisana nehondo nehondo dzomweya youipi iri mumatenga'mu. Naizvozvo torai zvose zvokurwisa nazvo zvaMwari kuti mukwanise kumira pazuva iroro rinenge rakaipa. Kana marwisa zvakaomarara zvazvo kudaro imi mucharamba makamira. Saizvozvo mirai makazvisunga zviuno zvenyu nechokwadi sebhande makapfeka demautare rapaditi rokururama. Mutsoka dzenyu pfekai shangu dzokuda kuparidza Shoko Rakanaka rorugare uyewo garai nguva dzose makabata nhoo yechitendero yamunogona kudzima nayo miseve yose yomoto yewakaipa. Dzikai mumusoro ruponeso senguwani muine bakatwa raMweya zvichireva Shoko raMwari. Namatai nguva dzose muina Mweya. Itai minamato nemikumbiro. Nechikonzero ichochi garai makangwaririra musingamborasa mwoyo muchikumbirira vatsvene vose. Ndikumbirireiwo ini kuti ndiwaniswe mashoko pandinenge ndave kuda kutaura kuti ndiparidze nechivindi chakavandika chiya chezveShoko Rakanaka randiri nhume yaro iri muusungwa kuti ndiriparidze ndakashinga sezvandinofanira kuita. Zvino kuti imi muzivewo kuti ndakadii uye kuti ndiri kuitei, Tikikusi achakutaurirai zvose. Iye ihama yedu yapamwoyo uye mushandi wedu akatendeka muna Tenzi. Ndamutumira ikoko nechikonzero ichochi kuti muzive kuti takadii kuno uye kuti akusimbaradzei mwoyo. Hama Mwari Baba naTenzi Jesu Kristu ngaakuwanisei rugare norudo nechitendero. Dai vose vanoda Tenzi Jesu Kristu norudo rusingaperi vangoitirwa nyasha.
VaEfeso 6:10-24 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Pakupedzisira iʋai nesimba munaShe, nomusimba rake guru. Shoŋgai nhumbi dzose dzokurwa nadzo dzaMŋari, mugone kumira mucirwa namano aDiaborosi. Nokuti hatirwi nenyama neropa, asi naʋaɓati, naʋanesimba, namadzishe enyika erima rino, nemŋeya yakaipa yeɗeŋga. Saka torai nhumbi dzose dzokurwa nadzo dzaMŋari, kuti mugone kudziʋisa pazuʋa rakaipa, nokuramba mumire mapedza ɀose. Naiɀoɀo mirai makasuŋga ɀiʋuno ɀenyu neɀokwaɗi, makapfeka cidzitiro cecifuʋa cokururama, makasuŋga patsoka dzenyu kugadzirwa kweEvaŋgeri yorugare; pamsoro paiɀoɀi makatora nhoʋo huru yokutenda, yamuŋgagona kudzima nayo miseʋe yose yomŋoto yowakaipa. Torai ŋgowani yoruponeso, nomunondo woMŋeya, iro Shoko raMŋari; munyeŋgetere ŋguʋa dzose nokunyeŋgetera kwose nokukumbira muMŋeya, mucirinda paɀinhu iɀi nokutsuŋga kwose nokukumbirira ʋatȿene ʋose, neni ʋo, kuti ndipiwe shoko kana ndicishamisa muromo waŋgu, kuti ndiɗudzire ndisiŋgatyi ɀakaʋanzika ɀeEvaŋgeri, yandiri nhume yayo yakasuŋgwa namatare; kuti ndiɀitaure ndisiŋgatyi, seɀandinofanira kutaura. Ɀino kuti muziʋe ʋo ɀaŋgu, kuti ndakaɗiniko, Tikiko, hama inoɗikanwa, nomushumiri wakatendeka munaShe, ucakuziʋisai ɀose; ndakamutuma kwamuri neshoko iri, kuti muziʋe ɀinhu ɀeɗu, anyaradze mŋoyo yenyu. Rugare ŋgaruʋe nehama, noruɗo pamŋe cete nokutenda, ɀinobva kunaMŋari, Ƃaɓa, naShe Jesu Kristu. Nyasha ŋgadziʋe naʋose ʋanoɗa Ishe weɗu, Jesu Kristu, noruɗo rusiŋgaʋori
VaEfeso 6:10-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)