VaEfeso 1:1-11
VaEfeso 1:1-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Pauro, mupostori waKristu Jesu nokuda kwaMwari, kuvatsvene vari muEfeso, vakatendeka muna Kristu Jesu: Nyasha norugare zvinobva kuna Mwari Baba vedu nokuna Ishe Jesu Kristu ngazvive kwamuri. Ngaarumbidzwe Mwari Baba vaIshe wedu Jesu Kristu, iye akatiropafadza muchadenga nokuropafadza kwose kwomweya muna Kristu Jesu. Nokuti akatisarudza maari nyika isati yasikwa kuti tive vatsvene vasina chavanopomerwa pamberi pake. Murudo akatirongera kare kuti tigoitwa vana vake kubudikidza naJesu Kristu, maererano nomufaro wake uye nokuda kwake, kuti kunakisisa kwenyasha dzake dzaakangotipa hake muna Iye waanoda kurumbidzwe. Iye watine dzikunuro maari kubudikidza neropa rake, iko kuregererwa kwezvivi, zviri maererano nokupfuma kwenyasha dzaMwari dzaakawanza pamusoro pedu nouchenjeri hwose uye nokunzwisisa kwose. Uye akazivisa kwatiri chakavanzika chokuda kwake, maererano nomufaro wake wakanaka, waakafunga muna Kristu, kuti chiitwe pakukwana kwenguva, auyise pamwe chete zvinhu zvose zviri kudenga nezviri panyika pasi pomusoro mumwe, anova Kristu. Iye watakasarudzwawo maari, tarongerwa kare nhaka maererano nokuronga kwaiye anoita zvose mukusimbisa vavariro yokuda kwake
VaEfeso 1:1-11 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Pauro, mupostori waKristu Jesu, nokuda kwaMwari, kuvatsvene vari paEfeso, nokuna vanotenda muna Kristu Jesu: Nyasha ngadzive nemi, norugare runobva kuna Mwari; baba vedu, naIshe Jesu Kristu. Ngaavongwe Mwari naBaba vaIshe wedu Jesu Kristu, akatiropafadza nokuropafadza kwose kwoMweya, kudenga muna Kristu, sezvaakatitsanangura maari nyika isati yavambwa, kuti tive vatsvene, vasina mhosva, pamberi pake murudo; akatitemera kare, kuti naJesu Kristu tiitwe vanakomana vake, sezvaakafadzwa pakuda kwake, kuti kunaka kukuru kwenyasha dzake dzakangotipa hake muMudikanwi wake, kurumbidzwe; uyo watine dzikinuro maari neropa rake, iko kukanganwirwa kwokudarika kwedu, nokuwanda kwenyasha dzake; dzakawanza kwatiri nokuchenjera kwose nokuziva; akatizivisa zvakavanzika zvokuda kwake, sezvaakafadzwa pakufunga kwake maari; kuti afambise kuzara kwenguva, aunganidzwe muna Kristu zvose zviri kudenga, nezviri pasi; muna iye, watakaitwawo nhaka maari, yatakatemerwa kare nokurayira kwaiye, anoita zvose nokufunga kwokuda kwake
VaEfeso 1:1-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndini Pauro ndakaitwa mupositori waKristu Jesu chiri chido chaMwari, ndinokunyorerai imi vatsvene uye vanhu vakatendeka muna Kristu Jesu. Mwari Baba vedu naTenzi Jesu Kristu ngaakuitirei nyasha akupei rugare. Ngaarumbidzwe Mwari naBaba vaTenzi wedu Jesu Kristu akatikomborera muna Kristu; akatikomborera namakomborero ose ezvomweya okumatenga. Akatisarudza maari pasi pasati pasikwa kuti tive vatsvene vakarurama pamberi pake. Mwari, nechido chake, zvakamufadza kufanotisarudza nokuna Jesu Kristu kuti tive vana vake murudo, kuti Mwari arumbidzwe pamusana penyasha dzake dzisingatauriki dzaakatiitira nokuMwanakomana wake wapamwoyo pasina muripo. Nokwaari takawana ruponeso neropa rake rwokuregererwa zvikanganiso zvedu, maererano nokuwanda kwenyasha dzake dzaakatipavhurira. Noungwaru hwose uye zviri pachenawo, akatizivisa zvinhu zvakavandika, maererano nechinangwa chake chaakanga anacho muna Kristu chourongwa hwake hwokuti kana nguva yakwana, abatanidze zvinhu zvose, zviri kudenga nezviri pasi agozviisa pasi paKristu. Maari, sokutemwa kwazvakaitwa muurongwa huri kushanda muna zvose, nokuti chakanga chiri chido chake
VaEfeso 1:1-11 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Pauro, muapostora waKristu Jesu, nokuɗa kwaMŋari, kuʋatȿene ʋari [paEfeso], nokunaʋanotenda munaKristu Jesu: Nyasha ŋgadziʋe nemi, norugare runobva kunaMŋari, Ƃaɓa ʋeɗu, naShe Jesu Kristu. Ŋgaaʋoŋgwe Mŋari naƂaɓa ʋaShe weɗu Jesu Kristu, wakatiropafadza nokuropafadza kwose kwoMŋeya, kuɗeŋga munaKristu, seɀaakatisanaŋgura maari nyika isati yaʋambga, kuti tiʋe ʋatȿene ʋasinemhoȿa pamberi pake muruɗo; akatitemera kare, kuti naJesu Kristu tiitwe ʋanakomana ʋake, seɀaakafadzwa pakuɗa kwake, kuti kunaka kukuru kwenyasha dzake dzaakaŋgotipa hake muMuɗikanwa wake, kurumbidzwe; uyo watinedzikinuro maari neropa rake, iko kukaŋganwirwa kwokuɗarika kweɗu, nokuwanda kwenyasha dzake; dzaakawanza kwatiri nokucenjera kwose nokuziʋa; akatiziʋisa ɀakaʋanzika ɀokuɗa kwake, seɀaakafadzwa pakufuŋga kwake maari; kuti afambise kuzara kweŋguʋa, aʋuŋganidze munaKristu ɀose ɀiri kuɗeŋga, neɀiri pasi; munaiye, watakaitwa ʋo nhaka maari, yatakatemerwa kare nokuraira kwaiye, unoita ɀose nokufuŋga kwokuɗa kwake
VaEfeso 1:1-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)