Pauro, mupostori waKristu Jesu, nokuda kwaMwari, kuvatsvene vari paEfeso, nokuna vanotenda muna Kristu Jesu: Nyasha ngadzive nemi, norugare runobva kuna Mwari; baba vedu, naIshe Jesu Kristu. Ngaavongwe Mwari naBaba vaIshe wedu Jesu Kristu, akatiropafadza nokuropafadza kwose kwoMweya, kudenga muna Kristu, sezvaakatitsanangura maari nyika isati yavambwa, kuti tive vatsvene, vasina mhosva, pamberi pake murudo; akatitemera kare, kuti naJesu Kristu tiitwe vanakomana vake, sezvaakafadzwa pakuda kwake, kuti kunaka kukuru kwenyasha dzake dzakangotipa hake muMudikanwi wake, kurumbidzwe; uyo watine dzikinuro maari neropa rake, iko kukanganwirwa kwokudarika kwedu, nokuwanda kwenyasha dzake; dzakawanza kwatiri nokuchenjera kwose nokuziva; akatizivisa zvakavanzika zvokuda kwake, sezvaakafadzwa pakufunga kwake maari; kuti afambise kuzara kwenguva, aunganidzwe muna Kristu zvose zviri kudenga, nezviri pasi; muna iye, watakaitwawo nhaka maari, yatakatemerwa kare nokurayira kwaiye, anoita zvose nokufunga kwokuda kwake
Verenga chikamu VaEfeso 1
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: VaEfeso 1:1-11
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo