Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Muparidzi 4:1-12

Muparidzi 4:1-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)

Uyewo ndakazorangarirazve ndikaona kudzvinyirira kunoitwa pasi pedenga. Panoti misodzi yokudzvinyirirwa kunoitwa vanhu vasina anovanyaradza, vanodzvinyirira vamwe zvakaipa ndivo vane masimba vasina anovanyaradza. Ndakakungura kuti zvavo vakafa, vakatofa kare vari nani zvavo pane vapenyu, vachino upenyu. Asi ari nani kupinda vose vari vaviri munhu asina zvake kumbovapo asina zvake kumboona zviito zvakaipa zvinoitwa pasi pedenga. Uyewo ndakaona kuti kushingaira nebasa kose kunoitwa nokubudirira kose kunoitwa kunobva mumapitse anoita munhu kune mumwe wake. Kana izvozvi hazvinzwisisiki uye kunongova kudzingirira mhepo. Benzi romunhu rinogara maoko rigopera muviri nokuonda. Asi zviri nani kuva neruoko rumwechete runerunyararo pane maoko maviri ari kushingaira nebasa achidzingirira zvawo mhepo. Panezvimwezve zvandakaonawo kuti hazvinzwisisiki pasi pedenga. Pangave nomunhu anongova oga, asina mwana kana munun'una asi asingazorore kushingaira nebasa maziso ake asingambogutsikani noupfumi hwake hwose nokuti haambozvibvunza kuti, “Ko wandiri kutamburira kudai ndiani ndichizvishaisa mufaro zvangu.” Izvozviwo izvi hazvinzwisisiki uye ibasa risina chinofadza mariri. Vanhu vaviri vari nani pane mumwechete, nokuti zvavanoita zvinobuda zvakanaka. Nokuti kana vakapunzika mumwe achasimudza mumwe wake; asi hamheno zvake anongova oga. Kana akawira pasi hapana anomusimudza. Chimwezve ndechokuti vaviri vakarara pamwechete vanodziirirwa. Ko anenge ari oga anodziirwa sei? Munhu angagone zvake kukurira munhu ari oga asi vaviri vanogona kumirisana naye. Tambo yakakoswa netambo nhatu haikurumidzi kudambuka.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Muparidzi 4

Muparidzi 4:1-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Ndakatarirazve ndikaona udzvinyiriri hwose hwaiitika pasi pezuva: Ndakaona misodzi yavanodzvinyirirwa, uye havana munyaradzi; simba raiva kudivi ravadzvinyiriri vavo, uye havana munyaradzi. Ndakati vakafa, vakanguri vafa kare, vano mufaro kupfuura vapenyu, vachiri kurarama. Asi ari nani kupfuura vose ndiye uyo asati atombovapo, uyo asati amboona zvakaipa zvinoitwa pasi pezuva. Uye ndakaona kuti kushanda kwose nokuwana kwose kwomunhu kunobva pakuchiva muvakidzani wake. Izviwo hazvina maturo, kudzinganisana nemhepo. Benzi rinopeta maoko aro, rozviparadza. Tsama imwe yorugare inopfuura tsama mbiri dzokutambudzika nokudzingana nemhepo. Zvino ndakaona chinhu chisina maturo pasi pezuva. Kwaiva nomunhu aigara ari oga; akanga asina mwanakomana, kana mununʼuna. Kushanda kwake kwakanga kusina magumo, kunyange zvakadaro meso ake haana kugutswa nepfuma yake. Akabvunza akati, “Ndinotambudzikira aniko, uye sei ndichizvinyima mafaro?” Naizvozviwo hazvina maturo, basa rokutambura! Vaviri vari nani pano mumwe chete, nokuti vano mugove wakanaka pakushanda kwavo: Kana mumwe akawira pasi, shamwari yake inogona kumubatsira kuti amire zvakare. Asi ane nhamo munhu anowira pasi, asina anomusimudza! Uyezve kana vaviri vachivata pamwe chete, vachadziyirwa. Asi mumwe chete angadziyirwa sei? Munhu mumwe chete angakurirwa simba, asi vaviri vanozvidzivirira. Rwodzi rwakakoswa mutatu harungakurumidzi kudamburwa.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Muparidzi 4

Muparidzi 4:1-12 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino ndakadzokazve, ndikaona kumanikidzwa kwose kunoitwa pasi pezuva; tarira, kwakanga kune misodzi yavanomanikidzwa, vachishaiwa munyaradzi; vamanikidzi vavo ndivo vakanga vane simba, asi ivo vakashaiwa munyaradzi. Naizvozvo ndakati vakafa, vakanguva vafa, vanomufaro kupfuura vapenyu vachiri vapenyu. Zvirokwazvo, ndakati agere kutongovapo, iye asina kuona basa rakaipa rinoitwa pasi pezuva anomufaro kupfuura vapenyu. Zvino ndakaona kubata kwose noumhizha hwose pakubata, kuti munhu anovengwa nowokwake pamusoro pazvo. Naizvozvo hazvina maturo, ndiko kudzingana nemhepo bedzi. Benzi rinofungatira maoko aro, richidya nyama yaro. Tsama imwe yorugare inopfuura nokunaka tsama mbiri dzokutambudzika nokudzingana nemhepo. Zvino ndakadzoka, ndikaona zvisina maturo pasi pezuva. Mumwe ariko anongogara ari oga, asina mumwe wake; zvirokwazvo, haana mwanakomana kana munun'una, kunyange zvakadaro kubata kwake hakuna mugumo, uye meso ake haaguti nepfuma. Anoti, “Zvino ndinobatira ani, ndichinyima mwoyo wangu zvinhu zvakanaka?” Naizvozvowo hazvina maturo, zvirokwazvo ndiko kutambudzika kukuru. Vaviri vanopfuura mumwe, nokuti vanomubayiro wakanaka wokubata kwavo. Nokuti kana vakawira pasi, mumwe achasimudza shamwari yake; asi ari oga ane nhamo kana achiwira pasi, haano mumwe angamusimudza. Uyezve, kana vaviri vachivata pamwechete, vachadziyirwa; asi mumwechete angadziyirwa sei? Kana munhu akavamba mumwe, vaviri vangamudzivisa; rwonzi rwakakoswa mutatu harungakurumidzi kudamburwa.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Muparidzi 4

Muparidzi 4:1-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Uyewo ndakazorangarirazve ndikaona kudzvinyirira kunoitwa pasi pedenga. Panoti misodzi yokudzvinyirirwa kunoitwa vanhu vasina anovanyaradza, vanodzvinyirira vamwe zvakaipa ndivo vane masimba vasina anovanyaradza. Ndakakungura kuti zvavo vakafa, vakatofa kare vari nani zvavo pane vapenyu, vachino upenyu. Asi ari nani kupinda vose vari vaviri munhu asina zvake kumbovapo asina zvake kumboona zviito zvakaipa zvinoitwa pasi pedenga. Uyewo ndakaona kuti kushingaira nebasa kose kunoitwa nokubudirira kose kunoitwa kunobva mumapitse anoita munhu kune mumwe wake. Kana izvozvi hazvinzwisisiki uye kunongova kudzingirira mhepo. Benzi romunhu rinogara maoko rigopera muviri nokuonda. Asi zviri nani kuva neruoko rumwechete runerunyararo pane maoko maviri ari kushingaira nebasa achidzingirira zvawo mhepo. Panezvimwezve zvandakaonawo kuti hazvinzwisisiki pasi pedenga. Pangave nomunhu anongova oga, asina mwana kana munun'una asi asingazorore kushingaira nebasa maziso ake asingambogutsikani noupfumi hwake hwose nokuti haambozvibvunza kuti, “Ko wandiri kutamburira kudai ndiani ndichizvishaisa mufaro zvangu.” Izvozviwo izvi hazvinzwisisiki uye ibasa risina chinofadza mariri. Vanhu vaviri vari nani pane mumwechete, nokuti zvavanoita zvinobuda zvakanaka. Nokuti kana vakapunzika mumwe achasimudza mumwe wake; asi hamheno zvake anongova oga. Kana akawira pasi hapana anomusimudza. Chimwezve ndechokuti vaviri vakarara pamwechete vanodziirirwa. Ko anenge ari oga anodziirwa sei? Munhu angagone zvake kukurira munhu ari oga asi vaviri vanogona kumirisana naye. Tambo yakakoswa netambo nhatu haikurumidzi kudambuka.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Muparidzi 4

Muparidzi 4:1-12 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino ndakadzoka ɀe, ndikaʋona kumanikidzwa kwose kunoitwa pasi pezuʋa; tarira, kwakaŋga kunemisodzi yaʋanomanikidzwa, ʋacishaiwa munyaradzi; ʋamanikidzi ʋaʋo ndiʋo ʋakaŋga ʋanesimba, asi iʋo ʋakashaiwa munyaradzi. Naiɀoɀo ndakati ʋakafa, ʋakaŋguʋa ʋafa, ʋanomufaro kupfuʋura ʋapenyu ʋaciri ʋapenyu; Ɀirokwaɀo, ndakati ugere kutoŋgoʋa’po, unomufaro kupfuʋura aʋa ʋose, iye usina‐kuʋona ɓasa rakaipa rinoitwa pasi pezuʋa. Ɀino ndakaʋona kuɓata kwose noʋumhizha bgose pakuɓata, kuti munhu unoʋeŋgwa nowokwake pamsoro paɀo. Naiɀoɀo haɀinamaturo, ndiko kudziŋgana nemhepo ɓedzi. Ƃenzi rinofuŋgatira maʋoko aro, ricidya nyama yaro. Tsama imŋe yorugare inopfuʋura nokunaka tsama mbiri dzokutambudzika nokudziŋgana nemhepo. Ɀino ndakadzoka, ndikaʋona ɀisinamaturo pasi pezuʋa. Mumŋe uri’ko unoŋgogara ari oga, asinawecipiri; ɀirokwaɀo, haanomŋanakomana kana munuŋuna, kunyaŋge ɀakaɗaro kuɓata kwake hakunomugumo, ʋuye meso ake haaguti nefuma. Unoti: Ɀino ndinoɓatira ani, ndicinyima mŋeya waŋgu ɀinhu ɀakanaka? Naiɀoɀo ʋo haɀinamaturo, ɀirokwaɀo ndiko kutambudzika kukuru. Ʋaʋiri ʋanopfuʋura mumŋe, nokuti ʋanomuɓairo wakanaka wokuɓata kwaʋo. Nokuti kana ʋakawira pasi, mumŋe ucasimudza shamŋari yake; asi uri oga unenhamo kana aciwira pasi, haanomumŋe uŋgamusimudza. Ʋuye ɀe, kana ʋaʋiri ʋaciʋata pamŋe cete, ʋacadziyirwa; asi mumŋe cete uŋgadziyirwa sei? Kana munhu akaʋamba mumŋe, ʋaʋiri ʋaŋgamudziʋisa; rwonzi rwakakoshwa mutatu haruŋgakurumidzi kuɗamburwa.