Zvino ndakadzokazve, ndikaona kumanikidzwa kwose kunoitwa pasi pezuva; tarira, kwakanga kune misodzi yavanomanikidzwa, vachishaiwa munyaradzi; vamanikidzi vavo ndivo vakanga vane simba, asi ivo vakashaiwa munyaradzi. Naizvozvo ndakati vakafa, vakanguva vafa, vanomufaro kupfuura vapenyu vachiri vapenyu.
Zvirokwazvo, ndakati agere kutongovapo, iye asina kuona basa rakaipa rinoitwa pasi pezuva anomufaro kupfuura vapenyu.
Zvino ndakaona kubata kwose noumhizha hwose pakubata, kuti munhu anovengwa nowokwake pamusoro pazvo. Naizvozvo hazvina maturo, ndiko kudzingana nemhepo bedzi. Benzi rinofungatira maoko aro, richidya nyama yaro. Tsama imwe yorugare inopfuura nokunaka tsama mbiri dzokutambudzika nokudzingana nemhepo.
Zvino ndakadzoka, ndikaona zvisina maturo pasi pezuva. Mumwe ariko anongogara ari oga, asina mumwe wake; zvirokwazvo, haana mwanakomana kana munun'una, kunyange zvakadaro kubata kwake hakuna mugumo, uye meso ake haaguti nepfuma. Anoti, “Zvino ndinobatira ani, ndichinyima mwoyo wangu zvinhu zvakanaka?” Naizvozvowo hazvina maturo, zvirokwazvo ndiko kutambudzika kukuru.
Vaviri vanopfuura mumwe, nokuti vanomubayiro wakanaka wokubata kwavo. Nokuti kana vakawira pasi, mumwe achasimudza shamwari yake; asi ari oga ane nhamo kana achiwira pasi, haano mumwe angamusimudza. Uyezve, kana vaviri vachivata pamwechete, vachadziyirwa; asi mumwechete angadziyirwa sei? Kana munhu akavamba mumwe, vaviri vangamudzivisa; rwonzi rwakakoswa mutatu harungakurumidzi kudamburwa.