Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Muparidzi 4:1-12

Muparidzi 4:1-12 SCLB

Uyewo ndakazorangarirazve ndikaona kudzvinyirira kunoitwa pasi pedenga. Panoti misodzi yokudzvinyirirwa kunoitwa vanhu vasina anovanyaradza, vanodzvinyirira vamwe zvakaipa ndivo vane masimba vasina anovanyaradza. Ndakakungura kuti zvavo vakafa, vakatofa kare vari nani zvavo pane vapenyu, vachino upenyu. Asi ari nani kupinda vose vari vaviri munhu asina zvake kumbovapo asina zvake kumboona zviito zvakaipa zvinoitwa pasi pedenga. Uyewo ndakaona kuti kushingaira nebasa kose kunoitwa nokubudirira kose kunoitwa kunobva mumapitse anoita munhu kune mumwe wake. Kana izvozvi hazvinzwisisiki uye kunongova kudzingirira mhepo. Benzi romunhu rinogara maoko rigopera muviri nokuonda. Asi zviri nani kuva neruoko rumwechete runerunyararo pane maoko maviri ari kushingaira nebasa achidzingirira zvawo mhepo. Panezvimwezve zvandakaonawo kuti hazvinzwisisiki pasi pedenga. Pangave nomunhu anongova oga, asina mwana kana munun'una asi asingazorore kushingaira nebasa maziso ake asingambogutsikani noupfumi hwake hwose nokuti haambozvibvunza kuti, “Ko wandiri kutamburira kudai ndiani ndichizvishaisa mufaro zvangu.” Izvozviwo izvi hazvinzwisisiki uye ibasa risina chinofadza mariri. Vanhu vaviri vari nani pane mumwechete, nokuti zvavanoita zvinobuda zvakanaka. Nokuti kana vakapunzika mumwe achasimudza mumwe wake; asi hamheno zvake anongova oga. Kana akawira pasi hapana anomusimudza. Chimwezve ndechokuti vaviri vakarara pamwechete vanodziirirwa. Ko anenge ari oga anodziirwa sei? Munhu angagone zvake kukurira munhu ari oga asi vaviri vanogona kumirisana naye. Tambo yakakoswa netambo nhatu haikurumidzi kudambuka.

Verenga chikamu Muparidzi 4