Muparidzi 11:1-10
Muparidzi 11:1-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Kanda chingwa chako pamusoro pemvura zhinji, nokuti mushure mamazuva mazhinji uchachiwanazve. Govera vanomwe, kunyange navaserewo; nokuti hauzivi kuti idambudziko rakadii richauya panyika. Kana makore azara nemvura anonayisa mvura panyika. Hazvinei kuti muti wawira zasi kana kumusoro, panzvimbo paunowira, ndipo paucharara. Ani naani anotarira mhepo haangadyari; ani naani anotarira makore haangakohwi. Sezvo usingazivi nzira yemhepo, kana magadzirirwo omuviri mudumbu ramai, saizvozvowo haunganzwisisi basa raMwari, Muiti wezvose. Kusha mbeu dzako mangwanani, uye madekwana urege kugarira maoko ako, nokuti hauzivi kuti chichabudirira ndechipi, chingava ichi kana icho, kana kuti zvose zviri zviviri zvichafanana pakunaka. Chiedza chakanaka, uye zvinofadza meso kuona zuva. Kunyange zvazvo munhu akararama makore mazhinji, ngaafadzwe nawo ose. Asi ngaarangarire mazuva erima, nokuti achava mazhinji. Zvose zvichazouya hazvina maturo. Fara zvako jaya, pauduku hwako, uye mwoyo wako ngaukupe mufaro pamazuva ouduku hwako. Tevera nzira dzomwoyo wako, nezvose zvingaonekwe nameso ako, asi uzive kuti pazvinhu zvose izvi Mwari achakusvitsa pakutongwa. Saka zvino dzinga zvinonetsa pamwoyo wako ugobvisa zvinotambudza pamuviri wako, nokuti uduku nesimba hazvina maturo.
Muparidzi 11:1-10 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Kandira zvokudya zvako pamusoro pemvura, nokuti uchazviwanazve mazuva mazhinji apfuura. Goverana navanomwe, kunyange navaserewo, nokuti hauzivi zvakaipa zvakadini zvingava panyika. Kana makore azara nemvura, anoidururira panyika; uye kana muti ukawira pasi kurutivi rwezasi, kana rwokumusoro, ipo panowira muti ndipo pauchavata. Anogara achicherekedza mhepo haangakushi; uye anotarira makore, haangacheki. Sezvausingazivi mufambiro wemhepo, kana mukuriro amapfupa mudumbu romukadzi ane mimba, saizvozvowo hauzivi basa raMwari, anoita zvose. Kusha mbeu dzako mangwanani, usabvisa ruoko rwako madekwana; nokuti hauzivi kuti chichakura ndechipi, kana ichi kana icho, kana zvimwe zviviri zvose zvichafanana pakunaka. Zvirokwazvo, chiedza chakanaka, uye meso anofara nokuona zuva. Zvirokwazvo, kana munhu akararama makore mazhinji, ngaafarire ose; asi ngaarangarire mazuva erima, kuti achava mazhinji; zvose zvinozouya hazvina maturo. Fara hako, iwe jaya, pauduku hwako, mwoyo wako ngaukufadze pamazuva ohujaya hwako; famba nenzira dzomwoyo wako, napakuona kwameso ako; asi uzive kuti Mwari uchazokutonga pamusoro paizvozvo zvose. Dzinga zvinonetsa pamwoyo pako, ubvise zvakaipa panyama yako, nokuti uduku noujaya hazvinamaturo.
Muparidzi 11:1-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Tumira mbeswa dzako mhiri kwamakungwa mushure zvichakudzorera. Isa mari yako kunhu kunomwe kana kusere nokuti hauzivi chinokuwira pasi pano. Kana makore azere mvura anoidururira pasi kana muti ukawira kumaodzanyemba kana kuchamhembe, paunowira ndipo paucharara. Munhu anogara akatarisa mhepo haambodyara uye anodyara akatarisa makore haakohwe. Sokusaziva kwaunoita kuti mweya unouya sei mumapfupa munhumbu memukadzi anepamuviri, saizvozvo hauzivi mabasa aMwari anoita zvose. Kumangwanani dyara mbeu dzako. Kumanheru usagare maoko nokuti hauzivi kuti chichabudirira ndechipi, chinoichi kana kuti icho pamwe zvose zviri zviviri zvinoita zvakanaka. Chiedza chakanaka, uye chinhu chakanaka kumaziso kuona zuva. Munhu akagara makore mazhinji, anofanira kufara maari ose asi ayeuke kuti mazuva erima achawanda zvose zvinozouya hazvinzwisisiki. Iwe wechiduku fara pamazuva ako ohuduku mwoyo wako ngaufare pamazuva ako ohuduku ita zvinoda mwoyo wako uye zvaunofunga asi ziva kuti pana izvozvi zvose Mwari achakutonga. Rega kuzvidya mwoyo bvisa zvose zvinokurwadza muviri nokuti uduku noujaya hazvinzwisisiki.
Muparidzi 11:1-10 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Kandira ɀokudya ɀako pamsoro pemvura, nokuti ucaɀiwana ɀe mazuʋa mazhinji apfuʋura. Goʋerana naʋanomŋe, kunyaŋge naʋasere ʋo, nokuti hauziʋi ɀakaipa ɀakaɗini ɀiŋgaʋa panyika. Kana makore azara nemvura, anoiɗururira panyika; ʋuye kana muti ukawira pasi kurutiʋi rwezasi, kana rwokumsoro, ipo panowira muti ndi’po paucaʋata. Unogara acicerekedza mhepo haaŋgakushi; ʋuye unotarira makore, haaŋgaceki. Seɀausiŋgaziʋi mufambire wemhepo, kana mukurire wamafupa muɗumbu romukadzi unemimba, saiɀoɀo ʋo hauziʋi ɓasa raMŋari, unoita ɀose. Kusha mbeu dzako maŋgwanani, usabvisa ruʋoko rwako maɗekwana; nokuti hauziʋi kuti cicakura ndecipi, kana ici kana ico, kana ɀimŋe ɀiʋiri ɀose ɀicafanana pakunaka. Ɀirokwaɀo, ciedza cakanaka, ʋuye meso anofara nokuʋona zuʋa. Ɀirokwaɀo, kana munhu akararama makore mazhinji, ŋgaafarire ose; asi ŋgaaraŋgarire mazuʋa erima, kuti acaʋa mazhinji; ɀose ɀinozoʋuya haɀinamaturo. Fara hako, iwe jaya, paʋuɗuku bgako, mŋoyo wako ŋgaukufadze pamazuʋa oʋujaya bgako; famba nenzira dzomŋoyo wako, napakuʋona kwameso ako; asi uziʋe kuti Mŋari ucazokutoŋga pamsoro paiɀoɀo ɀose. Dziŋga ɀinonetsa pamŋoyo pako, ubvise ɀakaipa panyama yako, nokuti ʋuɗuku noʋujaya haɀinamaturo.
Muparidzi 11:1-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)