Tumira mbeswa dzako mhiri kwamakungwa mushure zvichakudzorera. Isa mari yako kunhu kunomwe kana kusere nokuti hauzivi chinokuwira pasi pano. Kana makore azere mvura anoidururira pasi kana muti ukawira kumaodzanyemba kana kuchamhembe, paunowira ndipo paucharara. Munhu anogara akatarisa mhepo haambodyara uye anodyara akatarisa makore haakohwe. Sokusaziva kwaunoita kuti mweya unouya sei mumapfupa munhumbu memukadzi anepamuviri, saizvozvo hauzivi mabasa aMwari anoita zvose. Kumangwanani dyara mbeu dzako. Kumanheru usagare maoko nokuti hauzivi kuti chichabudirira ndechipi, chinoichi kana kuti icho pamwe zvose zviri zviviri zvinoita zvakanaka. Chiedza chakanaka, uye chinhu chakanaka kumaziso kuona zuva. Munhu akagara makore mazhinji, anofanira kufara maari ose asi ayeuke kuti mazuva erima achawanda zvose zvinozouya hazvinzwisisiki. Iwe wechiduku fara pamazuva ako ohuduku mwoyo wako ngaufare pamazuva ako ohuduku ita zvinoda mwoyo wako uye zvaunofunga asi ziva kuti pana izvozvi zvose Mwari achakutonga. Rega kuzvidya mwoyo bvisa zvose zvinokurwadza muviri nokuti uduku noujaya hazvinzwisisiki.
Verenga chikamu Muparidzi 11
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Muparidzi 11:1-10
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo