Kandira ɀokudya ɀako pamsoro pemvura, nokuti ucaɀiwana ɀe mazuʋa mazhinji apfuʋura. Goʋerana naʋanomŋe, kunyaŋge naʋasere ʋo, nokuti hauziʋi ɀakaipa ɀakaɗini ɀiŋgaʋa panyika. Kana makore azara nemvura, anoiɗururira panyika; ʋuye kana muti ukawira pasi kurutiʋi rwezasi, kana rwokumsoro, ipo panowira muti ndi’po paucaʋata. Unogara acicerekedza mhepo haaŋgakushi; ʋuye unotarira makore, haaŋgaceki. Seɀausiŋgaziʋi mufambire wemhepo, kana mukurire wamafupa muɗumbu romukadzi unemimba, saiɀoɀo ʋo hauziʋi ɓasa raMŋari, unoita ɀose. Kusha mbeu dzako maŋgwanani, usabvisa ruʋoko rwako maɗekwana; nokuti hauziʋi kuti cicakura ndecipi, kana ici kana ico, kana ɀimŋe ɀiʋiri ɀose ɀicafanana pakunaka. Ɀirokwaɀo, ciedza cakanaka, ʋuye meso anofara nokuʋona zuʋa. Ɀirokwaɀo, kana munhu akararama makore mazhinji, ŋgaafarire ose; asi ŋgaaraŋgarire mazuʋa erima, kuti acaʋa mazhinji; ɀose ɀinozoʋuya haɀinamaturo. Fara hako, iwe jaya, paʋuɗuku bgako, mŋoyo wako ŋgaukufadze pamazuʋa oʋujaya bgako; famba nenzira dzomŋoyo wako, napakuʋona kwameso ako; asi uziʋe kuti Mŋari ucazokutoŋga pamsoro paiɀoɀo ɀose. Dziŋga ɀinonetsa pamŋoyo pako, ubvise ɀakaipa panyama yako, nokuti ʋuɗuku noʋujaya haɀinamaturo.
Verenga chikamu Muparidzi 11
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Muparidzi 11:1-10
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo