Dhuteronomi 8:2-6
Dhuteronomi 8:2-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Rangarirai matungamirirwo amakaitwa naJehovha Mwari wenyu munzira yose yomurenje makore ose aya makumi mana, achikuninipisai uye achikuedzai kuti azive zvaiva mumwoyo menyu, kana makanga muchida kuchengeta mirayiro yake kana kuti kwete. Akakuninipisai, akakuitai kuti muziye nenzara akakugutsai nemana, iyo yakanga isingazivikanwi nemi kunyange namadzibaba enyu, kuti akudzidzisei kuti munhu haararame nechingwa chete asi neshoko rimwe nerimwe rinobva mumuromo maJehovha. Nguo dzenyu hadzina kusakara uye tsoka dzenyu hadzina kuzvimba pamakore aya makumi mana. Naizvozvo zvizive mumwoyo wako kuti Jehovha Mwari wako anokuranga, somunhu anoranga mwanakomana wake. Chengeta mirayiro yaJehovha Mwari wako, ufambe munzira dzake uye umukudze.
Dhuteronomi 8:2-6 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Unofanira kurangarira nzira yose yawakafambiswa nayo naJehovha Mwari wako murenje makore awa makumi mana, kuti akuninipise, nokukuidza, kuti azive zvaiva mumwoyo mako, kana wakanga uchida kuchengeta mirairo yake, kana kwete. Akakuninipisa, akakuziyisa nenzara, akakugutsa nemana yawakanga usingazivi, kunyange madzibaba ako akanga asingaziviwo; kuti akuzivise kuti munhu haararami nezvokudya zvoga, asi kuti munhu unorarama nezvose zvinobuda mumuromo waJehovha. Nguo dzako hadzina kukusakarira, netsoka dzako hadzina kuzvimba makore awa makumi mana. Funga mumwoyo mako, kuti Jehovha Mwari wako unokuranga somunhu unoranga mwanakomana wake. Unofanira kuchengeta mirairo yaJehovha Mwari wako, kuti ufambe nenzira dzake nokumutya.
Dhuteronomi 8:2-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Rangarira zvose zvawakaona murwendo rwawakatungamirirwa naTenzi Mwari wako nomurenje kwamakore makumi mana, akaitira kuti akuninipise. Akakuedza achida kuona paumire, kuti unochengeta here mitemo yake kana kuti kwete. Akakuninipisa, akaita kuti unzwe nzara. Akakupa mana yokudya, yawakanga usingazivi, yakanga isingazikanwi namadzitateguru ako kuti uzive kuti munhu haararame nechokudya chete, asi anorarama nezvose zvinotaurwa nomuromo waTenzi. Hanzu dzako dzaive dziri pauri hadzina kusakara, tsoka dzako hadzina kuzvimba pamakore makumi mana aya. Chiziva nomumwoyo mako kuti sokurayira kunoitwa munhu mwana wake, ndiko kurayira kunoita naTenzi Mwari wako. Naizvozvo chengeta mitemo yaTenzi Mwari wako, uite zvaanoda, umutye
Dhuteronomi 8:2-6 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Unofanira kuraŋgarira nzira yose yawakafambiswa nayo naJehova Mŋari wako murenje makore awa makumi manna, kuti akuninipise, nokukuidza, kuti aziʋe ɀaiʋa mumŋoyo mako, kana wakaŋga uciɗa kuceŋgeta mirairo yake, kana kwete. Akakuninipisa, akakuziyisa nenzara, akakugutsa nemana, yawakaŋga usiŋgaziʋi, kunyaŋge madziɓaɓa ako akaŋga asiŋgaziʋi ʋo; kuti akuziʋise kuti munhu haararami neɀokudya ɀoga, asi kuti munhu unorarama neɀose ɀinoɓuɗa mumuromo waJehova. Ŋguʋo dzako hadzinakukusakarira, netsoka dzako hadzina‐kuɀimba makore awa makumi manna. Fuŋga mumŋoyo mako, kuti Jehova Mŋari wako unokuraŋga somunhu unoraŋga mŋanakomana wake. Unofanira kuceŋgeta mirairo yaJehova Mŋari wako, kuti ufambe nenzira dzake nokumutya.
Dhuteronomi 8:2-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)