Dhuteronomi 8:18-20
Dhuteronomi 8:18-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Asi urangarire Jehovha Mwari wako, nokuti ndiye anokupa simba rokuita upfumi, naizvozvo achisimbisa sungano yake, yaakapikira madzitateguru enyu, sezvazviri nhasi. Kana mukangokanganwa Jehovha Mwari wenyu muchitevera vamwe vamwari nokuvanamata uye nokuvapfugamira, ndinokupupurirai nhasi kuti zvirokwazvo muchaparadzwa. Imi muchaparadzwa sendudzi dzakaparadzwa naJehovha pamberi penyu, kana mukaramba kuteerera Jehovha Mwari wenyu.
Dhuteronomi 8:18-20 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Asi unofanira kurangarira Jehovha Mwari wako, nokuti ndiye unokupa simba rokupfuma; kuti asimbise sungano yake, yaakapikira madzibaba ako, sezvaanoita nhasi. Zvino kana ukakanganwa Jehovha Mwari wako, ukatevera vamwe vamwari, ukavashumira, ukanamata kwavari, ndinokupupurirai nhasi kuti muchaparadzwa zvirokwazvo. Imi muchaparadzwa sendudzi dzinoparadzwa naJehovha pamberi penyu; nokuti makaramba kuterera izwi raJehovha Mwari wenyu.
Dhuteronomi 8:18-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Naizvozvo unofanira kurangarira Tenzi Mwari wako nokuti ndiye anokupa simba rinokuwanisa upfumi. Anoita izvi kuti achengete chitenderano chaakapika kumadzitateguru ako sezvazviri pari nhasi. Kana zvikazoitika kuti unokanganwa zvako Tenzi Mwari wako wotevera vamwe vamwari uchivashandira nokuvapfugamira, ndinokutsidzirai nhasi kuti muchapera mose kuti dhu. Samaparadziro amuri kuitirwa mamwe marudzi naTenzi, ndokuparadzwa kwamuchaitwawo naTenzi Mwari wenyu, nokuti makaramba kuteerera izwi raTenzi Mwari wenyu.
Dhuteronomi 8:18-20 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Asi unofanira kuraŋgarira Jehova Mŋari wako, nokuti ndiye unokupa simba rokufuma; kuti asimbise suŋgano yake, yaakapikira madziɓaɓa ako, seɀaanoita nhasi. Ɀino kana ukakaŋganwa Jehova Mŋari wako, ukateʋera ʋamŋe ʋamŋari, ukaʋashumira, ukanamata kwaʋari, ndinokupupurirai nhasi kuti mucaparadzwa ɀirokwaɀo. Imi mucaparadzwa sendudzi dzinoparadzwa naJehova pamberi penyu; nokuti makaramba kuterera inzwi raJehova Mŋari wenyu.
Dhuteronomi 8:18-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)