Dhuteronomi 8:11-14
Dhuteronomi 8:11-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
chenjera kuti urege kukanganwa Jehovha Mwari wako uchirega kuchengeta zvaakarayira, mirayiro yake nemitemo yake yandinokupai nhasi. Nokuti zvichida kana wadya ukaguta, kana ukavaka dzimba dzakanaka uye wagadzikana, uye kana mombe dzako namapoka amakwai ako zvawanda, nesirivha negoridhe rako zvawanda uye zvose zvaunazvo zvikawanda, ipapo mwoyo wako uchazvikudza zvino uchakanganwa Jehovha Mwari wako, akakubudisa kubva kuIjipiti, kubva kunyika youranda.
Dhuteronomi 8:11-14 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Chenjera kuti urege kukanganwa Jehovha Mwari wako, ukasachengeta mirairo yake, nezvaakatonga, nezvaakatema, zvandinokuraira nhasi; kuti kana wadya ukaguta, ukavaka dzimba dzakanaka, ukagara madziri, nemombe dzako namakwai ako akawanda, nesirivha yako nendarama yako ikawanda, nezvose zvaunazvo zvikawanda, mwoyo wako ukazvikudza, ukakanganwa Jehovha Mwari wako, wakakubudisa panyika yeIjipiti paimba youranda
Dhuteronomi 8:11-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Chenjerera kuti ungadaro ukazokanganwa Tenzi Mwari wako, worega kuchengeta zvirevo nemitemo nemirao yake yandiri kukuudza nhasi uno. Ungazoti kana wadya ukaguta, ukavaka dzimba dzakanaka uchigaramo, kana zvipfuwo zvako zvawanda, wava nesirivha nendarama yakawanda, zvose zvaunazvo zvikange zvawanda, wova nomwoyo wokuzvikudza, wokanganwa Tenzi Mwari wako akakuburitsa muIjipiti muuranda.
Dhuteronomi 8:11-14 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Cenjera kuti urege kukaŋganwa Jehova Mŋari wako, ukasaceŋgeta mirairo yake, neɀaakatoŋga, neɀaakatema, ɀandinokuraira nhasi; kuti kana wadya ukaguta, ukaʋaka dzimba dzakanaka, ukagara madziri, neŋombe dzako namakwai ako akawanda, nesirveri yako nendarama yako ikawanda, neɀose ɀaunaɀo ɀikawanda, mŋoyo wako ukaɀikudza, ukakaŋganwa Jehova Mŋari wako, wakakuɓuɗisa panyika yeEgipita, paimba yoʋuranda
Dhuteronomi 8:11-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)