Dhuteronomi 8:10-11
Dhuteronomi 8:10-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Kana uchinge wadya waguta rumbidza Jehovha Mwari wako nokuda kwenyika yakanaka yaakakupa, chenjera kuti urege kukanganwa Jehovha Mwari wako uchirega kuchengeta zvaakarayira, mirayiro yake nemitemo yake yandinokupai nhasi.
Dhuteronomi 8:10-11 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Uchadya ukaguta, ukavonga Jehovha Mwari wako nokuda kwenyika yakanaka yaakakupa. “Chenjera kuti urege kukanganwa Jehovha Mwari wako, ukasachengeta mirairo yake, nezvaakatonga, nezvaakatema, zvandinokuraira nhasi
Dhuteronomi 8:10-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Uchadya uchiguta, ucharumbidza Tenzi Mwari wako nokuti akakupa nyika yakanaka. “Chenjerera kuti ungadaro ukazokanganwa Tenzi Mwari wako, worega kuchengeta zvirevo nemitemo nemirao yake yandiri kukuudza nhasi uno.
Dhuteronomi 8:10-11 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ucadya ukaguta, ukaʋoŋga Jehova Mŋari wako nokuɗa kwenyika yakanaka yaakakupa. Cenjera kuti urege kukaŋganwa Jehova Mŋari wako, ukasaceŋgeta mirairo yake, neɀaakatoŋga, neɀaakatema, ɀandinokuraira nhasi
Dhuteronomi 8:10-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)