Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Dhuteronomi 4:32-40

Dhuteronomi 4:32-40 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Bvunzai zvino pamusoro pamazuva akapfuura kare imi musati mavapo, kubva nezuva iro Mwari akasika munhu panyika; bvunzai kubva kuno rumwe rutivi rwedenga kusvikira kuno rumwe. Kune chinhu chakamboitika chakakura seichi here, kana chimwe chakafanana nacho chakambonzwika? Kune vamwe vanhu vakambonzwa inzwi raMwari achitaura ari mukati momoto here, sezvamakanzwa imi uye vakararama? Kune mumwe mwari here akaedza kundozvitsaurira rudzi pakati porumwe rudzi, nemiedzo, nezviratidzo, nezvishamiso, nehondo, noruoko rune simba, noruoko rwakatambanudzwa, kana namabasa makuru anotyisa, sezvinhu zvose zvakaitwa naJehovha Mwari wenyu pamberi penyu muIjipiti? Makaratidzwa zvinhu zvose izvi kuti muzive kuti Jehovha ndiMwari; kunze kwake hakuna mumwe. Kubva kudenga akaita kuti munzwe inzwi rake kuti akudzidzisei. Panyika akakuratidzai moto wake mukuru, uye makanzwa mashoko ake kubva mukati momoto. Nokuti akada madzibaba enyu uye akazvitsaurira zvizvarwa zvavo zvakavatevera shure kwavo, akakubudisai muIjipiti noKuvapo kwake nesimba rake guru, kuti adzinge pamberi penyu ndudzi dzinokupfuurai pakukura napasimba uye nokukuuyisai munyika yavo kuti aipe kwamuri senhaka sezvazviri nhasi. Zvizivei nokuzvichengeta mumwoyo nhasi kuti Jehovha ndiMwari ari kudenga kumusoro uye napanyika pasi. Hakunazve mumwe. Chengetai mitemo nemirayiro yake yandinokupai nhasi, kuitira kuti zvigokuitirai zvakanaka imi navana venyu vanokuteverai uye kuti mugogara mazuva mazhinji panyika yamunopiwa naJehovha Mwari wenyu nokusingaperi.

Dhuteronomi 4:32-40 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

“Imbobvunzaiwo zvepasi chigare, pamakange musati maberekwa kubvira pazuva rakasika Tenzi, munhu panyika. Bvunzai kubvira kumugumo mumwe wenyika kusvikira kune mumwe kana kwakamboitika kana kunzwika chinhu chakadai. Ndorupiko rudzi rwavanhu vakambonzwa izwi raMwari achitaura ari mumoto samanzwiro amakaita vakaramba vari vapenyu? Ko kune mumwe mwari here akambotora rumwe rudzi achirubvisa mune rumwe rudzi achiruita rwake sezvakaitwa imi naTenzi Mwari wenyu muIjipiti? Tenzi akaratidza simba rake guru akaita zviedzo nezviratidzo nezvishamiso nehondo nezvimwe zvinotyisa zvaakaita muchiona. Akakuratidzai izvozvo kuti muzive kuti Tenzi ndiye Mwari oga, hakuna mumwezve kunze kwake. Akakuregai muchinzwa izwi rake richibva kudenga kuti akudzidzisei, akakuitai kuti muone moto wake mukuru pasi pano, mukanzwa izwi rake richibva mukati memoto. Tenzi zvaakada madzitateguru enyu, akazosarudza vana vavo, akakubudisai muIjipiti achikuratidzai kuvapo kwake. Akadzinga ndudzi huru dzavanhu dzakanga dzakasimba kupfuura imi, kuti akupinzei imomo, akupei nyika yavo kuti ive yenyu sezvairi nanhasi. Naizvozvo nhasi chibatisisai izvi muzviise mumwoyo yenyu zvokuti Tenzi ndiye Mwari, kumusoro kudenga napasi pano hakuna mumwezve kunze kwake. Saka chiteererai mitemo nemirao yandinokuudzai nhasi kuti zvikunakirei imi nezvizvarwa zvenyu, mazuva enyu agowanda amuchagara munyika yamuri kupiwa naTenzi Mwari wenyu nokusingaperi.”

Dhuteronomi 4:32-40 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Nokuti bvunzai henyu ɀino pamazuʋa akapfuʋura, imi musati maʋa’po, kubva pazuʋa rokusikwa kwaʋanhu panyika naMŋari, kubva panorumŋe rutiʋi rweɗeŋga kuȿikira kunorumŋe, kana kwaimboʋa’po cinhu cikuru cakaɗai, kunyaŋge kumbonzwika cakaɗai? Ko kunaʋanhu, ʋakambonzwa inzwi raMŋari ricitaura riri mukati momŋoto, seɀamakanzwa imi, ʋakararama here? Kana Mŋari wakatoŋgoidza kundoɀitsaurira rudzi pakati porumŋe rudzi, nemiidzo, neɀiratidzo, neɀinoshamisa, nehondo, necanza cinesimba, noruʋoko rwakatambanudzwa, neɀinotyisa kwaɀo, seɀamakaʋona ɀamakaitirwa ɀose naJehova paEgipita here? Imi makaratidzwa iɀoɀo, kuti muziʋe kuti Jehova ndiye Mŋari; hakunomumŋe kunze kwake. Wakakunzwisai inzwi rake ari kuɗeŋga, kuti akudzidzise; panyika wakakuʋonesa mŋoto wake mukuru; iwe wakanzwa mashoko ake ari mukati momŋoto. Wakaɗa madziɓaɓa ako, naiɀoɀo akaɀitsaurira ʋana ʋaʋo ʋakaʋateʋera, akakuɓuɗisa paEgipita, iye anewe nesimba rake guru; kuti adziŋge pamberi pako ndudzi dzinokupfuʋura noʋukuru nesimba, akupinze iwe, akupe nyika yaʋo iʋe nhaka yako, seɀaakaita nhasi. Naiɀoɀo uziʋe nhasi, uɀiceŋgete mumŋoyo mako, kuti Jehova ndiye Mŋari kuɗeŋga kumsoro napanyika pasi; hakunomumŋe. Unofanira kuceŋgeta ɀaakatema, nemirairo yake, yandinokuraira nhasi, kuti ufare iwe naʋana ʋako ʋanokuteʋera, kuti uwedzere mazuʋa ako panyika yaunopiwa naJehova Mŋari wako nokusiŋgaperi.

Dhuteronomi 4:32-40 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)