Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Dhuteronomi 4:32-40

Dhuteronomi 4:32-40 SNA2002

“Nokuti bvunzai henyu zvino pamazuva akapfuura, imi musati mavapo, kubva pazuva rokusikwa kwavanhu panyika naMwari, kubva panorumwe rutivi rwedenga kusvikira kuno rumwe, kana kwaimbovapo chinhu chikuru chakadai, kunyange kumbonzwika chakadai? Ko kuna vanhu, vakambonzwa izwi raMwari richitaura riri mukati momoto, sezvamakanzwa imi, vakararama here? Kana Mwari wakatongoidza kundozvitsaurira rudzi pakati porumwe rudzi, nemiidzo, nezviratidzo, nezvinoshamisa, nehondo, nechanza chine simba, noruoko rwakatambanudzwa, nezvinotyisa kwazvo, sezvamakona zvamakaitirwa zvose naJehovha paIjipiti here? Imi makaratidzwa izvozvo, kuti muzive kuti Jehovha ndiye Mwari; hakuno mumwe kunze kwake. Wakakunzwisai izwi rake ari kudenga, kuti akudzidzise; panyika wakakuonesa moto wake mukuru; iwe wakanzwa mashoko ake ari mukati momoto. Wakada madzibaba ako, naizvozvo akazvitsaurira vana vavo vakavatevera, akakubudisa paIjipiti, iye anewe nesimba rake guru; kuti adzinge pamberi pako ndudzi dzinokupfuura noukuru nesimba, akupinze iwe, akupe nyika yavo ive nhaka yako, sezvaakaita nhasi. Naizvozvo uzive nhasi, uzvichengete mumwoyo mako, kuti Jehovha ndiye Mwari kudenga kumusoro napanyika pasi; hakuno mumwe. Unofanira kuchengeta zvaakatema, nemirairo yake, yandinokuraira nhasi, kuti ufare iwe navana vako vanokutevera, kuti uwedzere mazuva ako panyika yaunopiwa naJehovha Mwari wako nokusingaperi.”