Nokuti bvunzai henyu ɀino pamazuʋa akapfuʋura, imi musati maʋa’po, kubva pazuʋa rokusikwa kwaʋanhu panyika naMŋari, kubva panorumŋe rutiʋi rweɗeŋga kuȿikira kunorumŋe, kana kwaimboʋa’po cinhu cikuru cakaɗai, kunyaŋge kumbonzwika cakaɗai? Ko kunaʋanhu, ʋakambonzwa inzwi raMŋari ricitaura riri mukati momŋoto, seɀamakanzwa imi, ʋakararama here? Kana Mŋari wakatoŋgoidza kundoɀitsaurira rudzi pakati porumŋe rudzi, nemiidzo, neɀiratidzo, neɀinoshamisa, nehondo, necanza cinesimba, noruʋoko rwakatambanudzwa, neɀinotyisa kwaɀo, seɀamakaʋona ɀamakaitirwa ɀose naJehova paEgipita here? Imi makaratidzwa iɀoɀo, kuti muziʋe kuti Jehova ndiye Mŋari; hakunomumŋe kunze kwake. Wakakunzwisai inzwi rake ari kuɗeŋga, kuti akudzidzise; panyika wakakuʋonesa mŋoto wake mukuru; iwe wakanzwa mashoko ake ari mukati momŋoto. Wakaɗa madziɓaɓa ako, naiɀoɀo akaɀitsaurira ʋana ʋaʋo ʋakaʋateʋera, akakuɓuɗisa paEgipita, iye anewe nesimba rake guru; kuti adziŋge pamberi pako ndudzi dzinokupfuʋura noʋukuru nesimba, akupinze iwe, akupe nyika yaʋo iʋe nhaka yako, seɀaakaita nhasi. Naiɀoɀo uziʋe nhasi, uɀiceŋgete mumŋoyo mako, kuti Jehova ndiye Mŋari kuɗeŋga kumsoro napanyika pasi; hakunomumŋe. Unofanira kuceŋgeta ɀaakatema, nemirairo yake, yandinokuraira nhasi, kuti ufare iwe naʋana ʋako ʋanokuteʋera, kuti uwedzere mazuʋa ako panyika yaunopiwa naJehova Mŋari wako nokusiŋgaperi.