Dhuteronomi 31:9-13
Dhuteronomi 31:9-13 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Mosesi akanyora murayiro uyu, akaupa vapristi navana vaRevhi, vaitakura areka yesungano yaJehovha, navakuru vose vaIsiraeri. Mosesi akavaraira, akati, “Nguva dzose pakupera kwamakore manomwe, panguva yakatarwa pagore resununguro, pamutambo wemisasa, kana vaIsiraeri vose vauya kuzviratidza pamberi paJehovha Mwari wako panzvimbo ichatsaurwa naye, unofanira kurava murayiro uyu pamberi pavaIsiraeri vose, vaunzwe. Unganidza vanhu, varume navakadzi, nepwere, navatorwa vako vari pakati pamasuo ako, kuti vanzwe, vadzidze, vatye Jehovha Mwari wenyu, vachenjere kuita mashoko ose omurayiro uyu; uye kuti vana vavo vakanga vasingazivi vanzwe, vadzidze kutya Jehovha Mwari wenyu, nguva yose yamuchazogara panyika yamunoyambuka Jorodhani kwairi, kuti ive yenyu.”
Dhuteronomi 31:9-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Mosesi akanyora mutemo uyu akaupa vapristi, vaRevhi, vaitakura bhokisi rechitenderano chaTenzi, navakuru vakuru vavaIsiraeri. Mosesi akavati, “Pakupera koga koga kwamakore manomwe, panguva yakatemwa yegore rerusununguko pamazuva makuru amatumba, panounganidzana vaIsiraeri vose pana Tenzi Mwari wenyu panzvimbo ichasarudzwa naTenzi, unofanira kuverengera vaIsiraeri vose mutemo uyu vachinzwa. Unganidza vanhu varume navakadzi navana navatorwa vaunenge unavo mumaguta ako kuti vanzwe, vadzidze kuremekedza Tenzi Mwari wenyu, nokunyatsochengeta zvinorehwa nomutemo uyu. Uyewo kuti vana vavo vasingauzivi vaunzwe, vadzidzewo kuremekedza Tenzi Mwari wenyu mazuva ose amuchagara munyika yamuri kuyambukira kundotora kuti ive yenyu kumhiri kwaJorodhani.”
Dhuteronomi 31:9-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Saka Mozisi akanyora murayiro uyu akaupa kuvaprista, vanakomana vaRevhi, vaitakura areka yesungano yaJehovha, uye nokuvakuru vose veIsraeri. Ipapo Mozisi akavarayira, akati, “Panopera makore manomwe nguva dzose, mugore rokukanganwira zvikwereti, panguva yoMutambo waMatumba, vaIsraeri vose pavanouya kuzozviratidza pamberi paJehovha Mwari wenyu panzvimbo yaachasarudza, muchaverenga murayiro uyu pamberi pavo vachinzwa. Unganidzai vanhu, varume, vakadzi navana uye navatorwa vagere mumaguta enyu, kuti vanzwe uye vazive kutya Jehovha Mwari wenyu nokutevera zvakanaka mashoko ose omurayiro uyu. Vana vavo, vasingazivi murayiro uyu, vanofanira kuunzwa uye vagodzidza kutya Jehovha Mwari wenyu panguva yose yamuchagara munyika yamuri kuyambuka Jorodhani kuti muitore.”
Dhuteronomi 31:9-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mosesi akanyora mutemo uyu akaupa vapristi, vaRevhi, vaitakura bhokisi rechitenderano chaTenzi, navakuru vakuru vavaIsiraeri. Mosesi akavati, “Pakupera koga koga kwamakore manomwe, panguva yakatemwa yegore rerusununguko pamazuva makuru amatumba, panounganidzana vaIsiraeri vose pana Tenzi Mwari wenyu panzvimbo ichasarudzwa naTenzi, unofanira kuverengera vaIsiraeri vose mutemo uyu vachinzwa. Unganidza vanhu varume navakadzi navana navatorwa vaunenge unavo mumaguta ako kuti vanzwe, vadzidze kuremekedza Tenzi Mwari wenyu, nokunyatsochengeta zvinorehwa nomutemo uyu. Uyewo kuti vana vavo vasingauzivi vaunzwe, vadzidzewo kuremekedza Tenzi Mwari wenyu mazuva ose amuchagara munyika yamuri kuyambukira kundotora kuti ive yenyu kumhiri kwaJorodhani.”
Dhuteronomi 31:9-13 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Mosesi akanyora murairo uyu, akaupa ʋaprista naʋana ʋaRevi, ʋaitakura areka yesuŋgano yaJehova, naʋakuru ʋose ʋaIsraeri. Mosesi akaʋaraira, akati: Ŋguʋa dzose pakupera kwamakore manomŋe, paŋguʋa yakatarwa pagore resunuŋguro, pamutambo wemisasa, kana ʋaIsraeri ʋose ʋaʋuya kuɀiratidza pamberi paJehova Mŋari wako panɀimbo icatsaurwa naye, unofanira kuraʋa murairo uyu pamberi paʋaIsraeri ʋose, ʋaunzwe. Ʋuŋganidza ʋanhu, ʋarume naʋakadzi, nepxere, naʋatorwa ʋako ʋari pakati pamasuʋo ako, kuti ʋanzwe, ʋadzidze, ʋatye Jehova Mŋari wenyu, ʋacenjere kuita mashoko ose omurairo uyu; ʋuye kuti ʋana ʋaʋo ʋakaŋga ʋasiŋgaziʋi ʋanzwe, ʋadzidze kutya Jehova Mŋari wenyu, ŋguʋa yose yamucazogara panyika yamunoyambuka Joridani kwairi, kuti iʋe yenyu.