Dhuteronomi 31:1-6
Dhuteronomi 31:1-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo Mozisi akaenda akandotaura mashoko aya kuvaIsraeri vose achiti: “Zvino ndava namakore zana namakumi maviri uye handichagoni kukutungamirirai. Jehovha akati kwandiri, ‘Iwe haufaniri kuyambuka Jorodhani urwu.’ Jehovha Mwari wenyu pachake ndiye achayambuka ari pamberi penyu. Achaparadza ndudzi idzi dzose pamberi penyu, mugotora nyika yavo. Joshua ndiye achayambuka ari pamberi penyu, sezvakataurwa naJehovha. Zvino Jehovha achavaitira ivo zvaakaitira Sihoni naOgi, madzimambo avaAmori, vaakaparadza pamwe chete nenyika yavo. Jehovha achavaisa kwamuri, uye munofanira kuvaitira zvose zvandakakurayirai. Simbai mutsunge mwoyo. Musatya kana kuvhundutswa nokuda kwavo, nokuti Jehovha Mwari wenyu achaenda nemi; haangakusiyei kana kukurasai.”
Dhuteronomi 31:1-6 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Mosesi akaenda kundotaura mashoko awa kuvaIsiraeri vose, akati kwavari, “Ndava namakore ane zana namakumi maviri nhasi, handichagoni kubuda nokupinda; zvino Jehovha wakati kwandiri, ‘Iwe haungayambuki Jorodhani urwu.’ Jehovha Mwari wako ndiye uchakutungamirira pakuyambuka; iye uchaparadza ndudzi idzi dzose pamberi pako, dzichava dzako; Joshua ndiye uchakutungamirira pakuyambuka, sezvakataurwa naJehovha. Jehovha uchavaitira ivo sezvaakaitira Sihoni naOgi, madzimambo avaAmori, nenyika yavo, vaakaparadza. Jehovha uchavaisa mumaoko enyu, nemi munofanira kuvaitira zvose sezvandakakurairai. Simbai, mutsunge mwoyo, musatya kana kuvhunduswa navo; nokuti Jehovha Mwari wako ndiye unoenda newe, haangakuregi, haangakusiyi.”

Dhuteronomi 31:1-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvino Mosesi akaenderera mberi achitaura mazwi aya kuvaIsiraeri vose achiti, “Pari nhasi uno, ndava namakore zana namakumi maviri okuberekwa. Handichakwanisa kumhanya-mhanya nebasa. Tenziwo akanditi, ‘Iwe hauyambuke Jorodhani iyeyu.’ Tenzi Mwari wenyu pachake achakutungamirirai pakuyambuka. Ndiye achakuparadzirai ndudzi idzodzi kuti muvatorere nyika yavo. Joshuwa ndiye achakutungamirirai sokutaura kwakaita Tenzi. Tenzi achaita kwavari zviya zvaakaita kuna Sihoni naOgu madzimambo avaAmori nenyika yavo paakavaparadza. Tenzi achavaisa mumaoko enyu, saka imi itai kwavari zvose zvandakakuudzai kuti muite. Shingai, mutsunge mwoyo, murege kuvatya kana kuvadedera nokuti Tenzi Mwari wenyu ndiye ari kukuperekedzai, haambokufuratirai kana kukusiyai moga.”
Dhuteronomi 31:1-6 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Mosesi akaenda kundotaura mashoko awa kuʋaIsraeri ʋose, akati kwaʋari: Ndaʋa namakore anezana namakumi maʋiri nhasi, handicagoni kuɓuɗa nokupinda; ɀino Jehova wakati kwandiri: Iwe hauŋgayambuki Joridani urwu. Jehova Mŋari wako ndiye ucakutuŋgamirira pakuyambuka; iye ucaparadza ndudzi idzi dzose pamberi pako, dzicaʋa dzako; Joshua ndiye ucakutuŋgamirira pakuyambuka, seɀakataurwa naJehova. Jehova ucaʋaitira iʋo seɀaakaitira Sihoni naOgi, madzimambo aʋaAmori, nenyika yaʋo, ʋaakaparadza. Jehova ucaʋaisa mumaʋoko enyu, nemi munofanira kuʋaitira ɀose seɀandakakurairai. Simbai, mutsuŋge mŋoyo, musatya kana kuvunduswa naʋo; nokuti Jehova Mŋari wako ndiye unoenda newe, haaŋgakuregi, haaŋgakusiyi.
Dhuteronomi 31:1-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)