Dhuteronomi 31:1-18
Dhuteronomi 31:1-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo Mozisi akaenda akandotaura mashoko aya kuvaIsraeri vose achiti: “Zvino ndava namakore zana namakumi maviri uye handichagoni kukutungamirirai. Jehovha akati kwandiri, ‘Iwe haufaniri kuyambuka Jorodhani urwu.’ Jehovha Mwari wenyu pachake ndiye achayambuka ari pamberi penyu. Achaparadza ndudzi idzi dzose pamberi penyu, mugotora nyika yavo. Joshua ndiye achayambuka ari pamberi penyu, sezvakataurwa naJehovha. Zvino Jehovha achavaitira ivo zvaakaitira Sihoni naOgi, madzimambo avaAmori, vaakaparadza pamwe chete nenyika yavo. Jehovha achavaisa kwamuri, uye munofanira kuvaitira zvose zvandakakurayirai. Simbai mutsunge mwoyo. Musatya kana kuvhundutswa nokuda kwavo, nokuti Jehovha Mwari wenyu achaenda nemi; haangakusiyei kana kukurasai.” Ipapo Mozisi akadana Joshua akati kwaari, pamberi pavaIsraeri vose, “Simba utsunge mwoyo, nokuti unofanira kuenda navanhu ava munyika iyo Jehovha akapika kumadzitateguru avo kuti achavapa, uye unofanira kuigovera kwavari senhaka. Jehovha pachake achakutungamirira uye achava newe; haangakusiyi kana kukurasa. Usatya kana kuora mwoyo.” Saka Mozisi akanyora murayiro uyu akaupa kuvaprista, vanakomana vaRevhi, vaitakura areka yesungano yaJehovha, uye nokuvakuru vose veIsraeri. Ipapo Mozisi akavarayira, akati, “Panopera makore manomwe nguva dzose, mugore rokukanganwira zvikwereti, panguva yoMutambo waMatumba, vaIsraeri vose pavanouya kuzozviratidza pamberi paJehovha Mwari wenyu panzvimbo yaachasarudza, muchaverenga murayiro uyu pamberi pavo vachinzwa. Unganidzai vanhu, varume, vakadzi navana uye navatorwa vagere mumaguta enyu, kuti vanzwe uye vazive kutya Jehovha Mwari wenyu nokutevera zvakanaka mashoko ose omurayiro uyu. Vana vavo, vasingazivi murayiro uyu, vanofanira kuunzwa uye vagodzidza kutya Jehovha Mwari wenyu panguva yose yamuchagara munyika yamuri kuyambuka Jorodhani kuti muitore.” Jehovha akati kuna Mozisi, “Zvino zuva rokufa kwako rava pedyo. Dana Joshua mugondomira muTende Rokusangana kuti ndimurayire.” Saka Mozisi naJoshua vakauya vakazviratidza paTende Rokusangana. Ipapo Jehovha akazviratidza paTende mushongwe yegore, uye gore rikamira pamusuo weTende. Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, “Uchavata namadzibaba ako, uye vanhu ava, zvino zvino, vachaita ufeve navamwari vavatorwa venyika yavari kupinda. Vachandirasa uye vachaputsa sungano yandakaita navo. Pazuva iroro ndichavatsamwira ndigovarasa: ndichavanza chiso changu kubva kwavari, uye vachaparadzwa. Njodzi namatambudziko mazhinji zvichavawira uye pazuva iro vachabvunza vachiti, ‘Ko, hatina kuwirwa nenjodzi idzi nokuti Mwari wedu haasi pakati pedu here?’ Zvino ndichaviga chiso changu zvirokwazvo nezuva iro nokuda kwezvakaipa zvavo zvose zvokutsaukira kuna vamwe vamwari.
Dhuteronomi 31:1-18 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Mosesi akaenda kundotaura mashoko awa kuvaIsiraeri vose, akati kwavari, “Ndava namakore ane zana namakumi maviri nhasi, handichagoni kubuda nokupinda; zvino Jehovha wakati kwandiri, ‘Iwe haungayambuki Jorodhani urwu.’ Jehovha Mwari wako ndiye uchakutungamirira pakuyambuka; iye uchaparadza ndudzi idzi dzose pamberi pako, dzichava dzako; Joshua ndiye uchakutungamirira pakuyambuka, sezvakataurwa naJehovha. Jehovha uchavaitira ivo sezvaakaitira Sihoni naOgi, madzimambo avaAmori, nenyika yavo, vaakaparadza. Jehovha uchavaisa mumaoko enyu, nemi munofanira kuvaitira zvose sezvandakakurairai. Simbai, mutsunge mwoyo, musatya kana kuvhunduswa navo; nokuti Jehovha Mwari wako ndiye unoenda newe, haangakuregi, haangakusiyi.” Zvino Mosesi akadana Joshua, akati kwaari pamberi pavaIsiraeri vose, “Simba, utsunge mwoyo, nokuti iwe uchaenda navanhu ava panyika yakapikirwa madzibaba avo naJehovha, kuti uchavapa iyo; iwe uchavagarisa nhaka iyo. Jehovha ndiye unokutungamirira, iye uchava newe, haangakuregi, haangakusiyi; usatya kana kuvhunduswa.” Zvino Mosesi akanyora murayiro uyu, akaupa vapristi navana vaRevhi, vaitakura areka yesungano yaJehovha, navakuru vose vaIsiraeri. Mosesi akavaraira, akati, “Nguva dzose pakupera kwamakore manomwe, panguva yakatarwa pagore resununguro, pamutambo wemisasa, kana vaIsiraeri vose vauya kuzviratidza pamberi paJehovha Mwari wako panzvimbo ichatsaurwa naye, unofanira kurava murayiro uyu pamberi pavaIsiraeri vose, vaunzwe. Unganidza vanhu, varume navakadzi, nepwere, navatorwa vako vari pakati pamasuo ako, kuti vanzwe, vadzidze, vatye Jehovha Mwari wenyu, vachenjere kuita mashoko ose omurayiro uyu; uye kuti vana vavo vakanga vasingazivi vanzwe, vadzidze kutya Jehovha Mwari wenyu, nguva yose yamuchazogara panyika yamunoyambuka Jorodhani kwairi, kuti ive yenyu.” Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Tarira, mazuva okufa kwako aswedera; dana Joshua mundomira mutende rokusangana, kuti ndimuraire iye.” Mosesi naJoshua vakandomira mutende rokusangana. Jehovha akazviratidza muTende mushongwe yegore, shongwe yegore ikamira pamusoro pomukova weTende. Ipapo Jehovha akati kuna Mosesi, “Tarira, iwe uchavata namadzibaba ako; zvino vanhu ava vachasimuka ndokupata vachitevera vamwari vavatorwa venyika, kwavanondogara pakati pavo; vachandisiya, nokuputsa sungano yandakaita navo. Zvino kutsamwa kwangu kuchavamukira nenguva iyo, ndichavasiya nokuvavanzira chiso changu, vachaparadzwa, nezvakaipa zvizhinji nenhamo zhinji zvichavawira; naizvozvo nenguva iyo vachati, ‘Ko zvinhu zvakaipa izvi hazvina kutiwira nokuti Mwari wedu haazi pakati pedu here?’ Nenguva iyo ndichavanza chiso changu nokuda kwezvakaipa zvose zvavakaita pakutsaukira kwavo kuna vamwe vamwari.
Dhuteronomi 31:1-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvino Mosesi akaenderera mberi achitaura mazwi aya kuvaIsiraeri vose achiti, “Pari nhasi uno, ndava namakore zana namakumi maviri okuberekwa. Handichakwanisa kumhanya-mhanya nebasa. Tenziwo akanditi, ‘Iwe hauyambuke Jorodhani iyeyu.’ Tenzi Mwari wenyu pachake achakutungamirirai pakuyambuka. Ndiye achakuparadzirai ndudzi idzodzi kuti muvatorere nyika yavo. Joshuwa ndiye achakutungamirirai sokutaura kwakaita Tenzi. Tenzi achaita kwavari zviya zvaakaita kuna Sihoni naOgu madzimambo avaAmori nenyika yavo paakavaparadza. Tenzi achavaisa mumaoko enyu, saka imi itai kwavari zvose zvandakakuudzai kuti muite. Shingai, mutsunge mwoyo, murege kuvatya kana kuvadedera nokuti Tenzi Mwari wenyu ndiye ari kukuperekedzai, haambokufuratirai kana kukusiyai moga.” Mosesi akadaidza Joshuwa pamberi pevaIsiraeri vose akamutaurira achiti, “Shinga utsunge mwoyo, nokuti ndiwe wava kuzoenda navanhu ava munyika yakatsidzirwa madzitateguru avo naTenzi kuti vapiwe. Ndiwe uchavabatsira kutora nyika kuti ive yavo. Tenzi ndiye achakutungamirira, achava newe, haazokufuratira kana kukusiya woga. Usatye kana kuzeza.” Mosesi akanyora mutemo uyu akaupa vapristi, vaRevhi, vaitakura bhokisi rechitenderano chaTenzi, navakuru vakuru vavaIsiraeri. Mosesi akavati, “Pakupera koga koga kwamakore manomwe, panguva yakatemwa yegore rerusununguko pamazuva makuru amatumba, panounganidzana vaIsiraeri vose pana Tenzi Mwari wenyu panzvimbo ichasarudzwa naTenzi, unofanira kuverengera vaIsiraeri vose mutemo uyu vachinzwa. Unganidza vanhu varume navakadzi navana navatorwa vaunenge unavo mumaguta ako kuti vanzwe, vadzidze kuremekedza Tenzi Mwari wenyu, nokunyatsochengeta zvinorehwa nomutemo uyu. Uyewo kuti vana vavo vasingauzivi vaunzwe, vadzidzewo kuremekedza Tenzi Mwari wenyu mazuva ose amuchagara munyika yamuri kuyambukira kundotora kuti ive yenyu kumhiri kwaJorodhani.” Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Chitarisa uone kuti mazuva ako okuti uchifa ava kusvika. Chidaidza Joshuwa muende kutendhe rokusanganira kuti ndimuturire basa.” Mosesi naJoshuwa vakaenda kutendhe rokusanganira. Ipapo Tenzi akazviratidza mushongwe yegore mutendhe iroro. Shongwe yegore iyoyo yakandomira kumusuo wetendhe. Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Chinzwa, nguva yako yokuti uchizorora namadzibaba ako, vachakabvu, yava padyo. Asi vanhu ava vachasara vopindwa nounzenza hwokundonamata vamwe vamwari venyika dziri kwavari kundogara mukati madzo. Vachasiyana neni vachityora chitenderano changu chandakaitirana navo. Pazuva iroro ndichavavirukira nehasha dzangu. Ndichavasiya ndovafuratira vagoparadzwa. Nhamo namatambudziko zvichavawira zvokuti vachati, ‘Hatina kuwirwa nenhamo idzi here pamusana pokuti Mwari wedu haachisiri pakati pedu?’ Asi ini pazuva iroro ndichanyatsokuvafuratira nokuda kwezvakaipa zvavanenge vaita zvokunamata vamwe vamwari.
Dhuteronomi 31:1-18 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Mosesi akaenda kundotaura mashoko awa kuʋaIsraeri ʋose, akati kwaʋari: Ndaʋa namakore anezana namakumi maʋiri nhasi, handicagoni kuɓuɗa nokupinda; ɀino Jehova wakati kwandiri: Iwe hauŋgayambuki Joridani urwu. Jehova Mŋari wako ndiye ucakutuŋgamirira pakuyambuka; iye ucaparadza ndudzi idzi dzose pamberi pako, dzicaʋa dzako; Joshua ndiye ucakutuŋgamirira pakuyambuka, seɀakataurwa naJehova. Jehova ucaʋaitira iʋo seɀaakaitira Sihoni naOgi, madzimambo aʋaAmori, nenyika yaʋo, ʋaakaparadza. Jehova ucaʋaisa mumaʋoko enyu, nemi munofanira kuʋaitira ɀose seɀandakakurairai. Simbai, mutsuŋge mŋoyo, musatya kana kuvunduswa naʋo; nokuti Jehova Mŋari wako ndiye unoenda newe, haaŋgakuregi, haaŋgakusiyi. Ɀino Mosesi akaɗana Joshua, akati kwaari pamberi paʋaIsraeri ʋose: Simba, utsuŋge mŋoyo, nokuti iwe ucaenda naʋanhu aʋa panyika yakapikirwa madziɓaɓa aʋo naJehova, kuti ucaʋapa iyo; iwe ucaʋagarisa nhaka iyo. Jehova ndiye unokutuŋgamirira, iye ucaʋa newe, haaŋgakuregi, haaŋgakusiyi; usatya kana kuvunduswa. Ɀino Mosesi akanyora murairo uyu, akaupa ʋaprista naʋana ʋaRevi, ʋaitakura areka yesuŋgano yaJehova, naʋakuru ʋose ʋaIsraeri. Mosesi akaʋaraira, akati: Ŋguʋa dzose pakupera kwamakore manomŋe, paŋguʋa yakatarwa pagore resunuŋguro, pamutambo wemisasa, kana ʋaIsraeri ʋose ʋaʋuya kuɀiratidza pamberi paJehova Mŋari wako panɀimbo icatsaurwa naye, unofanira kuraʋa murairo uyu pamberi paʋaIsraeri ʋose, ʋaunzwe. Ʋuŋganidza ʋanhu, ʋarume naʋakadzi, nepxere, naʋatorwa ʋako ʋari pakati pamasuʋo ako, kuti ʋanzwe, ʋadzidze, ʋatye Jehova Mŋari wenyu, ʋacenjere kuita mashoko ose omurairo uyu; ʋuye kuti ʋana ʋaʋo ʋakaŋga ʋasiŋgaziʋi ʋanzwe, ʋadzidze kutya Jehova Mŋari wenyu, ŋguʋa yose yamucazogara panyika yamunoyambuka Joridani kwairi, kuti iʋe yenyu. Ɀino Jehova akati kunaMosesi: Tarira, mazuʋa okufa kwako asweɗera; ɗana Joshua mundomira mutente rokusoŋgana, kuti ndimuraire iye. Mosesi naJoshua ʋakandomira mutente rokusoŋgana. Jehova akaɀiratidza muTente mushoŋgwe yegore, shoŋgwe yegore ikamira pamsoro pomukoʋa weTente. Ipapo Jehova akati kunaMosesi: Tarira, iwe ucaʋata namadziɓaɓa ako; ɀino ʋanhu aʋa ʋacasimuka ndokupata ʋaciteʋera ʋamŋari ʋaʋatorwa ʋenyika, kwaʋanondogara pakati paʋo; ʋacandisiya, nokuputsa suŋgano yandakaita naʋo. Ɀino kutsamŋa kwaŋgu kucaʋamukira neŋguʋa iyo, ndicaʋasiya nokuʋaʋanzira ciso caŋgu, ʋacaparadzwa, neɀakaipa ɀizhinji nenhamo zhinji ɀicaʋawira; naiɀoɀo neŋguʋa iyo ʋacati: Ko ɀinhu ɀakaipa iɀi haɀina‐kutiwira nokuti Mŋari weɗu haazi pakati peɗu here? Neŋguʋa iyo ndicaʋanza ciso caŋgu nokuɗa kweɀakaipa ɀose ɀaʋakaita pakutsaukira kwaʋo kunaʋamŋe ʋamŋari.
Dhuteronomi 31:1-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)