Dhuteronomi 30:15-16
Dhuteronomi 30:15-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Tarira, ndaisa pamberi pako nhasi upenyu noupfumi, uye rufu nokuparadzwa. Nokuti ndinokurayira kuti ude Jehovha Mwari wako nhasi, kuti ufambe munzira dzake nguva dzose uye uchengete zvaakarayira, mitemo nemirayiro yake; ipapo uchararama ugowanda, uye Jehovha Mwari wako achakuropafadza munyika yauri kupinda kuti uitore.
Dhuteronomi 30:15-16 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Tarira ndaisa pamberi pako nhasi upenyu nezvakanaka, norufu nezvakaipa. Zvandinokuraira nhasi ndizvo, kuti ude Jehovha Mwari wako, nokufamba munzira dzake, nokuchengeta mirairo yake nezvaakatema nezvaakatonga, kuti urarame, uwande, uye kuti Jehovha Mwari wako akuropafadze kunyika kwaunoenda kwairi, kuti ive yako.
Dhuteronomi 30:15-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Chinzwa, nhasi uno ndaisa pamberi pako, uku upenyu nezvakanaka uku rufu nezvakaipa. Kana ukachengeta mitemo yaTenzi Mwari wako yandiri kukuudza nhasi uno, ukada Tenzi Mwari wako nokufamba munzira dzake uchichengeta zvirevo nemitemo nemirao yake, muchagara zvenyu mugowanda, ipapo Tenzi Mwari wenyu achakukomborerai munyika yamuri kundotora kuti ive yenyu.
Dhuteronomi 30:15-16 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Tarira ndaisa pamberi pako nhasi ʋupenyu neɀakanaka, norufu neɀakaipa. Ɀandinokuraira nhasi ndiɀo, kuti uɗe Jehova Mŋari wako, nokufamba munzira dzake, nokuceŋgeta mirairo yake neɀaakatema neɀaakatoŋga, kuti urarame, uwande, ʋuye kuti Jehova Mŋari wako akuropafadze kunyika kwaunoenda kwairi, kuti iʋe yako.
Dhuteronomi 30:15-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)