Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Dhuteronomi 28:1-19

Dhuteronomi 28:1-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Kana muchiteerera zvakanaka Jehovha Mwari wenyu nokuchenjerera kutevera mirayiro yake yose yandinokupai nhasi, Jehovha Mwari wenyu achakuisai pamusoro-soro pendudzi dzose dzapanyika. Maropafadzo aya ose achauya pamusoro penyu uye achava nemi kana muchiteerera Jehovha Mwari: Ucharopafadzwa muguta uye ucharopafadzwa mumunda. Zvibereko zvomuviri wako zvicharopafadzwa, uye zvibereko zvevhu rako nezvibereko zvemombe dzako, mhuru dzemhou dzako uye namakwayana amakwai ako. Dengu rako nomudziyo waunokanyira chingwa zvicharopafadzwa. Ucharopafadzwa kana uchipinda uye ucharopafadzwa kana uchibuda. Jehovha achaita kuti vavengi vako, vanokumukira kuti vakurwise, vakundwe pamberi pako. Vachauya kwauri nenzira imwe chete asi vagotiza vachibva kwauri nenzira nomwe. Jehovha achakutumira kuropafadzwa pamatura ako uye nepane zvose zvauchabata namaoko ako. Jehovha Mwari wako achakuropafadza munyika yaari kukupa. Jehovha achakusimbisai sorudzi rwake rutsvene, sezvaakakuvimbisai nemhiko, kana mukachengeta mirayiro yaJehovha Mwari wenyu uye mukafamba munzira dzake. Ipapo marudzi ose ari panyika achazviona kuti munodanwa nezita raJehovha, uye vachakutyai. Jehovha achakupa pfuma zhinji, muzvibereko zvomuviri wako, zvibereko zvezvipfuwo zvako uye nezvirimwa zvevhu rako, munyika yaakapikira kumadzitateguru ako kuti achakupa. Jehovha achazarura matenga, matura ake epfuma zhinji, kuti atumire mvura panyika yako nenguva uye acharopafadza mabasa ose amaoko ako. Iwe uchakweretesa ndudzi zhinji asi iwe haungakwereti. Jehovha achakuita musoro, kwete muswe. Kana ukanyatsoteerera kumirayiro yaJehovha Mwari wako yandinokupa nhasi uye ukachenjerera kuitevera, ucharamba uri pamusoro chete, haungavi pasi. Usatsauka kubva pane mumwe wemirayiro yandinokupa nhasi, kutsaukira kurudyi kana kuruboshwe, uchitevera vamwe vamwari kuti uvashumire. Asi, kana usingateereri Jehovha Mwari wako uye usingachenjereri kutevera mirayiro yake yose nemitemo yandinokupa nhasi, kutukwa kwose uku kuchava pamusoro pako, uchakundwa nako: Uchatukwa muguta uye uchatukwa mumunda. Dengu rako nomudziyo wako wokukanyira chingwa zvichatukwa. Chibereko chomuviri wako chichatukwa, uye zvirimwa zvevhu rako, nemhuru dzemhou dzako namakwayana amakwai ako. Uchatukwa kana uchipinda uye uchatukwa kana uchibuda.

Dhuteronomi 28:1-19 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

“Zvino kana uchiteerera zvakanaka izwi raJehovha Mwari wako, nokuchenjera kuita mirairo yake yose, yandinokuraira nhasi, Jehovha Mwari wako uchakukurisa kupfuura ndudzi dzose dziri panyika. Kuropafadzwa uku kwose kuchaitika kwauri, uchatevererwa nako, kana uchiteerera izwi raJehovha Mwari wako. Ucharopafadzwa muguta, ucharopafadzwa mumunda. Zvibereko zvomuviri wako, nezvibereko zvevhu rako, nezvibereko zvemombe dzako, nezvibereko zvemhou dzako, namakwayana amakwai ako, zvicharopafadzwa. Dengu rako, nomudziyo wako wokukanyira chingwa, zvicharopafadzwa. Ucharopafadzwa kana uchipinda, ucharopafadzwa kana uchibuda. Jehovha uchakukundisa vavengi vako, vanokumukira, pamberi pako; vachauya kuzorwa newe nenzira imwe, vachatiza pamberi pako nenzira nomwe. “Jehovha ucharaira kuti uropafadzwe pamatura ako, napazvose zvaunobata namaoko ako; uchakuropafadza panyika yaunopiwa naJehovha Mwari wako. “Jehovha uchakusimbisa, kuti uve rudzi rwake rutsvene, sezvaakakupikira; kana uchichengeta mirairo yaJehovha Mwari wako, nokufamba munzira dzake. Vanhu vose venyika vachaona kuti iwe wakatumidzwa nezita raJehovha; vachakutya. Jehovha uchakuwanzira mufaro pazvibereko zvomuviri wako, napazvibereko zvemombe dzako, napazvibereko zvevhu rako, panyika yakapikirwa madzibaba ako naJehovha, kuti uchakupa iyo. Jehovha uchakuzarurira pfuma yake yakanaka yokudenga, akupe mvura yenyika yako nenguva yayo; nokuropafadza mabasa ose amaoko ako; iwe uchapa ndudzi zhinji chikwerete. Jehovha uchakuita musoro, haangakuiti muswe; uchava kumusoro bedzi, haungavi pasi; kana uchiteerera mirairo yaJehovha Mwari wako, yandinokuraira nhasi, uchishingaira kuiita; usingatsauki pane rimwe ramashoko andinokuraira, kurudyi kana kuruboshwe, uchitevera vamwe vamwari kuti uvashumire. “Asi kana uchiramba kuteerera izwi raJehovha Mwari wako kuti uchenjere kuita mirairo yake yose, nezvaakatema, zvandinokuraira nhasi; kutukwa uku kwose kuchaitika kwauri, uchatevererwa nako. Uchatukwa muguta, uchatukwa mumunda. “Dengu rako richatukwa, nomudziyo wako wokukanyira chingwa. “Zvibereko zvomuviri wako zvichatukwa, nezvibereko zvevhu rako, nezvibereko zvemhou dzako, namakwayana amakwai ako. Uchatukwa kana uchipinda, uchatukwa kana uchibuda.

Dhuteronomi 28:1-19 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

“Kana mukateerera zvinorehwa naTenzi Mwari wenyu mukanyatsochengeta mirao yose yandiri kukuudza nhasi uno, Tenzi Mwari wako achakusimudzirai pamusoro kupfuura ndudzi dzose dzavanhu dzapasi pano. Kana ukateerera zvinorehwa naTenzi Mwari wako, makomborero ose aya achauya kwauri achiita zvokunaya pauri. “Muchakomborerwa mumaguta menyu nomumaruwa menyu. “Muchakomborerwa nokupiwa vana vakawanda, nembesa zhinji muminda yenyu, nemhuka dzakawanda. Zvipfuwo zvako zvichaita matanga namatanga, vana vezvimwe zvipfuwo zvako vachiita gumi nefararira. “Muchakomborerwa zvokuti matengu enyu achagara akati pamu pamu kuzara, mutsero dzenyu hamuzomboshayikwa chirimo. “Muchakomborerwa mune zvose zvamuchaita. “Tenzi achaita kuti vavengi venyu vanenge vakumukirai vakurirwe. Vachakuvingai vakatungamidzana, asi muchavaitisa chimwandamwanda. “Tenzi achakomborera basa rako. Achazadza matura ako. Achakukomborera munyika yauri kupiwa naTenzi Mwari wako. “Tenzi achakuitai rudzi rwavanhu vake pachake vatsvene maererano nemhiko yaakakuitirai, ndokungewo machengeta mirao yaTenzi Mwari wenyu nokufamba munzira dzake. Naizvozvo ndudzi dzose dzavanhu vapasi pano vachaona kuti munodaidzwa nezita raTenzi. Vachakutyai. Tenzi achakupfumisa achikupa vana vakawanda, nezvipfuwo zvizhinji nembesa zhinji, munyika yakatsidzirwa madzibaba ako naTenzi kuzokupa. Tenzi achakuzarurira matura oupfumi hwake hwakanaka hwokumatenga achikunayisira mvura mumunda mako nenguva yayo chaiyo nokukomborera basa rose raunobata. Uchakweretesa ndudzi zhinji dzavanhu, asi iwe usina chaunokwereta kwavari. Tenzi achakuitai musoro, kwete muswe. Ucharamba uchibudirira chete, usingakundikane, ndokunge wateerera mirao yaTenzi Mwari wako yandiri kukupa nhasi uno wanyatsoichengetawo. Regawo kutsautsira pane murao upi noupi zvawo pamirao yandiri kukuudza nhasi, woita zvomusoro wako wotevedza vamwe vamwari uchivashandira. “Asi kana mukarega kuzoteerera zvataurwa naTenzi Mwari wenyu, kana kuchengeta mitemo nemirao yandiri kukupai nhasi uno, rushambwa irworwu rwose ruchakutibikirai. “Muchawirwa norushambwa mumaguta enyu nomumaruwa enyu. “Muchawirwa norushambwa rwokushaya kana chokuisa mumatengu enyu kana mutsero dzenyu. “Muchava norushambwa rwokusava navana vakawanda, norwokuva nezvokukohwa zvishomashoma, uye mombe nezvimwe zvipfuwo zvenyu zvichange zviri zvishomanana. “Muchava nekashambwa kwokuti zvose zvamunoita hazvibudirire.

Dhuteronomi 28:1-19 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino kana uciterera ɀakanaka inzwi raJehova Mŋari wako, nokucenjera kuita mirairo yake yose, yandinokuraira nhasi, Jehova Mŋari wako ucakukurisa kupfuʋura ndudzi dzose dziri panyika. Kuropafadzwa uku kwose kucaitika kwauri, ucateʋererwa nako, kana uciterera inzwi raJehova Mŋari wako. Ucaropafadzwa muguta, ucaropafadzwa mumunda. Ɀiɓereko ɀomuʋiri wako, neɀiɓereko ɀevu rako, neɀiɓereko ɀeŋombe dzako, neɀiɓereko ɀemhou dzako, namakwaiana amakwai ako, ɀicaropafadzwa. Ƌeŋgu rako, nomudziyo wako wokukanyira ciŋgwa, ɀicaropafadzwa. Ucaropafadzwa kana ucipinda, ucaropafadzwa kana uciɓuɗa. Jehova ucakukundisa ʋaʋeŋgi ʋako, ʋanokumukira, pamberi pako; ʋacaʋuya kuzorwa newe nenzira imŋe, ʋacatiza pamberi pako nenzira nomŋe. Jehova ucaraira kuti uropafadzwe pamatura ako, napaɀose ɀaunoɓata namaʋoko ako; ucakuropafadza panyika yaunopiwa naJehova Mŋari wako. Jehova ucakusimbisa, kuti uʋe rudzi rwake rutȿene, seɀaakakupikira; kana uciceŋgeta mirairo yaJehova Mŋari wako, nokufamba munzira dzake. Ʋanhu ʋose ʋenyika ʋacaʋona kuti iwe wakatumidzwa nezita raJehova; ʋacakutya. Jehova ucakuwanzira mufaro paɀiɓereko ɀomuʋiri wako, napaɀiɓereko ɀeŋombe dzako, napaɀiɓereko ɀevu rako, panyika yakapikirwa madziɓaɓa ako naJehova, kuti ucakupa iyo. Jehova ucakuzarurira fuma yake yakanaka yokuɗeŋga, akupe mvura yenyika yako neŋguʋa yayo; nokuropafadza maɓasa ose amaʋoko ako; iwe ucapa ndudzi zhinji cikwerete, asi iwe umene hauŋgatori cikwerete. Jehova ucakuita musoro, haaŋgakuiti muswe; ucaʋa kumsoro ɓedzi, hauŋgaʋi pasi; kana uciterera mirairo yaJehova Mŋari wako, yandinokuraira nhasi, ucishiŋgaira kuiita; usiŋgatsauki panerimŋe ramashoko andinokuraira, kurudyi kana kuruɓoshwe, uciteʋera ʋamŋe ʋamŋari kuti uʋashumire. Asi kana uciramba kuterera inzwi raJehova Mŋari wako kuti ucenjere kuita mirairo yake yose, neɀaakatema, ɀandinokuraira nhasi; kutukwa uku kwose kucaitika kwauri, ucateʋererwa nako. Ucatukwa muguta, ucatukwa mumunda. Ƌeŋgu rako ricatukwa, nomudziyo wako wokukanyira ciŋgwa. Ɀiɓereko ɀomuʋiri wako ɀicatukwa, neɀiɓereko ɀevu rako, neɀiɓereko ɀemhou dzako, namakwaiana amakwai ako. Ucatukwa kana ucipinda, ucatukwa kana uciɓuɗa.

Dhuteronomi 28:1-19 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)