Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Deuteronomio 28:1-19

Deuteronomio 28:1-19 SUB1949

Ɀino kana uciterera ɀakanaka inzwi raJehova Mŋari wako, nokucenjera kuita mirairo yake yose, yandinokuraira nhasi, Jehova Mŋari wako ucakukurisa kupfuʋura ndudzi dzose dziri panyika. Kuropafadzwa uku kwose kucaitika kwauri, ucateʋererwa nako, kana uciterera inzwi raJehova Mŋari wako. Ucaropafadzwa muguta, ucaropafadzwa mumunda. Ɀiɓereko ɀomuʋiri wako, neɀiɓereko ɀevu rako, neɀiɓereko ɀeŋombe dzako, neɀiɓereko ɀemhou dzako, namakwaiana amakwai ako, ɀicaropafadzwa. Ƌeŋgu rako, nomudziyo wako wokukanyira ciŋgwa, ɀicaropafadzwa. Ucaropafadzwa kana ucipinda, ucaropafadzwa kana uciɓuɗa. Jehova ucakukundisa ʋaʋeŋgi ʋako, ʋanokumukira, pamberi pako; ʋacaʋuya kuzorwa newe nenzira imŋe, ʋacatiza pamberi pako nenzira nomŋe. Jehova ucaraira kuti uropafadzwe pamatura ako, napaɀose ɀaunoɓata namaʋoko ako; ucakuropafadza panyika yaunopiwa naJehova Mŋari wako. Jehova ucakusimbisa, kuti uʋe rudzi rwake rutȿene, seɀaakakupikira; kana uciceŋgeta mirairo yaJehova Mŋari wako, nokufamba munzira dzake. Ʋanhu ʋose ʋenyika ʋacaʋona kuti iwe wakatumidzwa nezita raJehova; ʋacakutya. Jehova ucakuwanzira mufaro paɀiɓereko ɀomuʋiri wako, napaɀiɓereko ɀeŋombe dzako, napaɀiɓereko ɀevu rako, panyika yakapikirwa madziɓaɓa ako naJehova, kuti ucakupa iyo. Jehova ucakuzarurira fuma yake yakanaka yokuɗeŋga, akupe mvura yenyika yako neŋguʋa yayo; nokuropafadza maɓasa ose amaʋoko ako; iwe ucapa ndudzi zhinji cikwerete, asi iwe umene hauŋgatori cikwerete. Jehova ucakuita musoro, haaŋgakuiti muswe; ucaʋa kumsoro ɓedzi, hauŋgaʋi pasi; kana uciterera mirairo yaJehova Mŋari wako, yandinokuraira nhasi, ucishiŋgaira kuiita; usiŋgatsauki panerimŋe ramashoko andinokuraira, kurudyi kana kuruɓoshwe, uciteʋera ʋamŋe ʋamŋari kuti uʋashumire. Asi kana uciramba kuterera inzwi raJehova Mŋari wako kuti ucenjere kuita mirairo yake yose, neɀaakatema, ɀandinokuraira nhasi; kutukwa uku kwose kucaitika kwauri, ucateʋererwa nako. Ucatukwa muguta, ucatukwa mumunda. Ƌeŋgu rako ricatukwa, nomudziyo wako wokukanyira ciŋgwa. Ɀiɓereko ɀomuʋiri wako ɀicatukwa, neɀiɓereko ɀevu rako, neɀiɓereko ɀemhou dzako, namakwaiana amakwai ako. Ucatukwa kana ucipinda, ucatukwa kana uciɓuɗa.