Dhuteronomi 20:16-17
Dhuteronomi 20:16-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Asi, mumaguta endudzi amuri kupiwa naJehovha Mwari wenyu senhaka, musasiya chinhu chipi zvacho chipenyu. Vaparadzei zvachose, ivo vaHiti, vaAmori, vaKenani, vaPerizi, vaHivhi navaJebhusi, sezvamakarayirwa naJehovha Mwari wenyu.
Dhuteronomi 20:16-17 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Asi kana ari maguta avanhu ava, vaunopiwa naJehovha Mwari wako, kuti vave nhaka yako, haufaniri kurega chinhu chimwe chinofema chiri chipenyu; asi unofanira kuvaparadza chose, ivo vaHeti, navaAmori, naKenani, navaPerezi, navaHivhi, navaJebhusi; sezvawakarairwa naJehovha Mwari wako
Dhuteronomi 20:16-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Kana zviri zvemaguta amarudzi avanhu vomunyika yauri kupiwa naTenzi Mwari wako kuti ive yako, usambosiya zvako kana chinhu chinofema chiri chipenyu. Paradza zvokuparadza chaizvo vanhu ava vanoti: vaHiti nevaAmori nevaKanani nevaPerizi nevaHivhi nevaJebhusi sokuudzwa kwawakaitwa naTenzi Mwari wako.
Dhuteronomi 20:16-17 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Asi kana ari maguta aʋanhu aʋa, ʋaunopiwa naJehova Mŋari wako, kuti ʋaʋe nhaka yako, haufaniri kurega cinhu cimŋe cinofema ciri cipenyu; asi unofanira kuʋaparadza cose, iʋo ʋaHeti, naʋaAmori, naʋaKanani, naʋaPerezi, naʋaHivi, naʋaJebusi; seɀawakarairwa naJehova Mŋari wako
Dhuteronomi 20:16-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)