Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Kutsinhira Mutemo 20

20
Marwiro avachaita hondo
1“Kana moenda kuhondo kundorwa navavengi venyu musazoti kana maona mabhiza mazhinji nengoro nehondo yakakura kupinda yenyu mobva mavatya nokuti Tenzi Mwari wenyu akakuburitsai kuIjipiti, anemi. 2Kana moda kumirisana kurwa hondo, mupristi ngaauye azotaura kuvarwi achiti, 3‘Teererai munzwe imi vaIsiraeri! Nhasi uno mava kuenda kundorwa navavengi venyu. Musaite umbwende kana mwoyo wokutya. Regai kubvunda kana kuvazeza 4nokuti Tenzi Mwari wenyu ndiye ari kuenda nemi kundokurwisirai vavengi venyu achiita kuti muvakunde.’
5“Vatungamiriri vehondo vanozoti, ‘Pane munhu here akavaka imba yaasati aturira kuna Mwari? Ngaadzokere kuimba yake angadaro akafa muhondo iyi imba yake ikatozoturirwa nomumwewo munhu kuna Mwari. 6Pane munhu here akasima munda wake wamagirepisi aasati adya michero yayo? Ngaadzokere kumusha angadaro akafa muhondo iyi michero yacho ikazodyiwa hayo nomumwe. 7Pane munhu here achangobva mukuroora asati apiwa mudzimai wake? Ngaadzokere kumusha angadaro akafa muhondo iyi, mudzimai wake akazotorwa nomumwe murume.’
8“Vatungamiriri vehondo ngavazobvunzawo varwi vachiti, ‘Pane munhu here ari kutya kana ane ruzazu? Ngaadzokere kumusha nokuti angazadze vamwe mweya woumbwende.’ 9Kana vatungamiriri vapedza kutaura mozosarudza vatungamiriri vezvikwata zvakasiyana-siyana zvavarwi.
10“Kana masvika paguta romoda kurwisa tangai mambovapa mukana wokuti muwirirane navo murege kurwa. 11Kana vada zvokuwirirana nemi, vakakuzarurirai misuo mikuru yeguta ravo, vanhu vose veguta iroro vatova varanda venyu, vachakushandirai chibharo. 12Asi kana vakaramba kuwirirana nemi, vakada zvehondo nemi kombai guta ravo murigaririre. 13Kana Tenzi Mwari wenyu aisa guta iroro mumaoko menyu urayai vanhu vechirume vose vemo nebakatwa. 14Asi vakadzi navana nemombe nezvimwe zvose zvomugutamo pamwechete nezvose zvaunenge wapamba, tora zvako. Idya zvako upfumi hwaunenge watorera vavengi vako vakaiswa mumaoko mako naTenzi Mwari wako. 15Izvozvo ndizvo zvauchaita namaguta anenge ari kure kure newe asiri amarudzi avanhu vokuno.
16“Kana zviri zvemaguta amarudzi avanhu vomunyika yauri kupiwa naTenzi Mwari wako kuti ive yako, usambosiya zvako kana chinhu chinofema chiri chipenyu. 17Paradza zvokuparadza chaizvo vanhu ava vanoti: vaHiti nevaAmori nevaKanani nevaPerizi nevaHivhi nevaJebhusi sokuudzwa kwawakaitwa naTenzi Mwari wako. 18Izvozvo kunenge kuri kuitira kuti varege kuzokudzidzisa maitiro ose avo anosemesa avanoita pakunamata vamwari vavo ukazotadzira Tenzi Mwari wako.
19“Kana mukakomba guta, mukarigaririra kwenguva ndefu muchirirwisa muchida kurikurira, musateme miti yaro nokuti munogona kudya michero yayo. Regai kuparadza miti. Ko miti ndovanhu here vamungakomberane kurwisa? 20Asi miti yaunoziva kuti haidyiwi ndiyo yaungaparadze uchiitemera kuvaka matanho okurwisa nawo guta raunenge uchirwisana naro kudzamara warikurira.

Zvasarudzwa nguva ino

Kutsinhira Mutemo 20: SCLB

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda