Kutsinhira Mutemo 19
19
Maguta okundopotera
(Kuve 35:9–28; Josh 20:1–9)
1“Kana Tenzi Mwari wako akudzingira marudzi ane nyika yauri kupiwa naTenzi Mwari wako, ukange wavatorera nyika wogara mumaguta avo nomudzimba dzavo, 2munofanira kuzvitsaurira maguta matatu munyika yamuri kupiwa naTenzi Mwari wenyu kuti ive yenyu. 3Ganhurai nyika yamuri kupiwa naTenzi Mwari wenyu muzvikamu zvitatu, mugadzire nzira dzinoenda kumaguta acho kuitira kuti munhu anenge auraya mumwe atizire kundopoterako. 4Iwoyu ndiwo murao wokuti munhu anenge auraya mumwe mukusaziva pasina ruvengo akange atizirako apunyuke rufu. 5Zvingaitike kuti munhu oenda musango kundotema miti aine mumwe wake, poti achitema muti kudaro, demo rake roguka rotema mumwe wake obva afa. Nyakuuraya mumwe ngaatizire kune rimwe ramaguta iwayo kundopoterako apunyuke rufu. 6Kana kokutizira kukaita kure, mutsivi weropa rehama angadaro akamuronda akamubata panzira, nehasha dzaanenge anadzo akamuuraya iye asingakodzere kuurayiwa nokuti anga asingavenge mumwe wake. 7Ndokusaka ndichikutii munofanira kuzvitsaurira maguta matatu.
8“Kana Tenzi Mwari wako azokudza-kudza nyika sokutsidza kwaakaitira madzitateguru ako achikupa nyika yose yaakati achavapa 9ndokungewoka watochengeta mitemo iyoyi yose yandiri kukuudza nhasi uno uchida Tenzi Mwari wako, uchifamba munzira dzake dzose nguva dzose. Ipapo ndopaunofanira kunge wowedzera mamwe maguta matatu pamatatu aye aye 10nokuti ropa risina mhaka ringangoteurwa mukati menyika yenyu yamuri kupiwa naTenzi Mwari wenyu kuti ive nhaka yenyu mukazova nemhosva yokudeura ropa.
11“Asi kana munhu achivenga mumwe wake akamuhwandira akamurwisa akamukuvadza zvakaipisisa akafa, nyakumuuraya akatizira kune rimwe ramaguta aya, 12vakuru vakuru vomuguta rake ngavatume vanhu kundomutora ikoko vamuise mumaoko meanofanira kutsiva ropa rehama yake kuti aurayiwe. 13Rega kumuitira tsiyenyoro asi bvisa mhosva yeropa risina mhaka muIsiraeri kuti zvikufambire zvakanaka.
Miganho yeminda
14“Usasudurudze chitata chamabwe chomuganho womunda womumwe wako chakaiswa navakuru vekare mumana rako munyika yauri kupiwa naTenzi Mwari wako.
Umboo hwezvapupu
15“Munhu haanganzi ane mhosva noumboo hwechapupu chimwechete pamhosva ipi neipi yaanonzi akapara kana akakanganisa. Panotosungirwa kuva nezvapupu zviviri kana zvitatu kuti anzi ane mhosva. 16Kana chapupu chenhema chikasimuka chichipomedzera munhu kuti akakanganisa, 17pakadaro vose vari vaviri ngavandomira pana Tenzi padare ravapristi navatongi vari pabasa mazuva iwayo. 18Vatongi ngavanyatsobvunzurudza. Kana zvikabuda pachena kuti uchapupu hwake ndohwenhema anga achingopomera mhosva mumwe wake zvisizvo, 19ngaapiwe chirango chakarecho chaanga achida kuti mumwe wake apiwe. Nokudaro uchabvisa huipi hwakadai pakati penyu. 20Vamwe vose vachazvinzwa, vakatya vakarega kuzoitazve chakaipa chakadai mukati menyu. 21Usamuitire tsiyenyoro upenyu ngahutsiviwe noupenyu, ziso neziso, zino ngaritsiviwe nezino, ruoko noruoko, gumbo richitsiviwawo negumbo.
Zvasarudzwa nguva ino
Kutsinhira Mutemo 19: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.