Dhuteronomi 11:20-21
Dhuteronomi 11:20-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Anyorei pamagwatidziro emikova yedzimba dzenyu uye napamasuo enyu, kuitira kuti mazuva enyu namazuva avana venyu awande panyika yakapikirwa madzitateguru enyu naJehovha kuti achavapa, awande samazuva ayo denga richava pamusoro penyika.
Dhuteronomi 11:20-21 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
unofanira kuanyora pamagwatidziro emikova yeimba yako, napamasuo ako; kuti mazuva enyu awedzerwe, namazuva avana venyu, panyika yakapikirwa madzibaba enyu naJehovha kuti uchavapa iyo, aite samazuva okudenga pamusoro penyika.
Dhuteronomi 11:20-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Anyore pamagwatidziro epamba yako napamisuo yako mikuru, kuitira kuti imi navana venyu murarame mazuva akawanda munyika yakatsidzirwa naTenzi kupa madzitateguru enyu nokusingaperi.
Dhuteronomi 11:20-21 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
unofanira kuanyora pamagwatidziro emikoʋa yeimba yako, napamasuʋo ako; kuti mazuʋa enyu awedzerwe, namazuʋa aʋana ʋenyu, panyika yakapikirwa madziɓaɓa enyu naJehova kuti ucaʋapa iyo, aite samazuʋa okuɗeŋga pamsoro penyika.