Dhanieri 7:8-11
Dhanieri 7:8-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Ndichiri kufunga pamusoro penyanga, hapo pamberi pangu pakanga pava norumwe runyanga, ruduku rwakabuda pakati padzo; uye dzimwe nyanga nhatu dzokutanga dzakadzurwa pamberi parwo. Runyanga urwu rwakanga runa meso akafanana nameso omunhu uye nomuromo waitaura zvokuzvikudza. “Ndichakatarisa, “zvigaro zvoushe zvakagadzikwa, uye Iye Wamazuva Akare akagara pachigaro chake. Nguo dzake dzakanga dzakachena sechando; bvudzi romusoro wake rakanga rakachena sewuru. Chigaro chake chainganduma nomoto, uye mavhiri acho ose aipfuta. Rwizi rwomoto rwaiyerera, ruchibuda pamberi pake. Zviuru nezviuru zvakanga zvichimushandira; zviuru gumi zvakapetwa kanokwana gumi zvakamira pamberi pake. Dare rakagara pasi, mabhuku ndokuzarurwa. “Ipapo ndakaramba ndakatarira nokuda kwamashoko okuzvikudza akanga achitaurwa norunyanga. Ndakaramba ndakatarira kusvikira mhuka iyi yaurayiwa uye muviri wayo waparadzwa ikakandwa mumoto waipfuta.
Dhanieri 7:8-11 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ndikacherechedza nyanga, ndikaona rumwe runyanga ruchibuda pakati pedzimwe, ruri ruduku, dzimwe nyanga nhatu pane dzokutanga dzikadzurwa nemidzi yadzo pamberi parwo; ndikaona kuti parunyanga urwo pakanga pana meso omunhu, nomuromo wakanga uchitaura zvinhu zvikuru. “Ndikaramba ndakatarira kusvikira zvigaro zvoushe zvagadzwapo, mumwe akakwegura pamazuva ake akagarapo; nguo yake yakanga yakachena sechando, uye vhudzi romusoro wake rakanga rakaita samakushe akanatswa; chigaro chake choushe chakanga chiri mirazvo yomoto, makumbo acho uri moto unopfuta. Rwizi rwomoto rwakanga rwuchibuda ruchibva pamberi pake; zviuru nezviuru zvakanga zvichimubatira, uye pamberi pake pakanga pamire zviuru zvine gumi zvezviuru zvine gumi; kutonga kukatanga, bhuku rikazarurwa. “Ndikaramba ndakatarira nenguva iyo nemhaka yokudana kwamashoko makuru akanga achitaurwa norunyanga; ndikaramba ndakatarira kusvikira mhuka yaurawa, muviri wayo uchiparadzwa, uchiiswa mumoto kuti upiswe.
Dhanieri 7:8-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndichicherechedza kudaro panyanga idzodzo pakatukudza imwe nyanga duku ikatipura nemidzi dzimwe nyanga nhatu panyanga dzokutanga dziya. Nyanga iyoyo yaiva namaziso anenge omunhu nomuromo waitaura mazwi asingatauriki. “Ndakachitarisa kudaro, pakagadzikirwa zvigaro zvoumambo, mumwe, iye Chidzachapo ndokubva agara pachigaro chake. Hanzu dzake dzakanga dzakati ngwe-e kuchena sechando iro vhudzi iri mumusoro make, rakachena kuti mbu-u sewuru yakanakisisa. Chigaro chake choumambo chakanga chiri marimi omoto anovavaya, mavhiri acho ari moto chaiwo. Kakova chaiko kemoto kaiyerera kachitangira mberi kwake. Zviuru nezviuru zvaimushandira, gumi rezviuru rakapetwa kagumi rakanga rimire paari pakagarwa dare rokutonga, mabhuku akazarurwa. “Ini ndakatarisa pamusana pemheremhere yamazwi asingatauriki aitaurwa nenyanga iyoyo. Ndakatarisa kudaro, chikara ichocho chakaurayiwa mutumbi wacho ukaparadzwa chikabva chapiswa nomoto.
Dhanieri 7:8-11 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndikacerekedza nyaŋga, ndikaʋona rumŋe runyaŋga ruciɓuɗa pakati pedzimŋe, ruri ruɗuku, dzimŋe nyaŋga nhatu panedzokutaŋga dzikadzurwa nemidzi yadzo pamberi parwo; ndikaʋona kuti parunyaŋga urwo pakaŋga panameso omunhu, nomuromo wakaŋga ucitaura ɀinhu ɀikuru. Ndikaramba ndakatarira kuȿikira ɀigaro ɀoʋushe ɀagadzwa’po, mumŋe wakakwegura pamazuʋa ake akagara’po; ŋguʋo yake yakaŋga yakacena secando, ʋuye vudzi romusoro wake rakaŋga rakaita samakushe akanatswa; cigaro cake coʋushe yakaŋga iri miraɀo yomŋoto, makumbo aco uri mŋoto unopfuta. Rwizi rwomŋoto rwakaŋga ruciɓuɗa rucibva pamberi pake; ɀuru neɀuru ɀakaŋga ɀicimuɓatira, ʋuye pamberi pake pakaŋga pamire ɀuru ɀinegumi ɀeɀuru ɀinegumi; kutoŋga kukataŋga, buku dzikazarurwa. Ndikaramba ndakatarira neŋguʋa iyo nemhaka yokuɗana kwamashoko makuru akaŋga acitaurwa norunyaŋga; ndikaramba ndakatarira kuȿikira mhuka yaʋurawa, muʋiri wayo uciparadzwa, uciiswa kumŋoto kuti upiswe.
Dhanieri 7:8-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)